bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
2 Chronicles 6
2 Chronicles 6
Shona 2009?
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 7 →
1
Ipapo Soromoni akati, "Jehovha akati, ndinoda kugara mukati merima guru.
2
Asi ndakakuvakirai imba pamungagara, nenzvimbo yamungagara nokusingaperi."
3
Zvino mambo akatendeudza chiso chake, akaropafadza ungano yose yaIsiraeri; ungano yose yaIsiraeri ikasimuka.
4
Akati, "Jehovha Mwari waIsiraeri ngaakudzwe, iye akataura nomuromo wake naDhavhidhi baba vangu, akazvizadzisa noruoko rwake, achiti,
5
Kubva pazuva randakabudisa vanhu vangu vaIsiraeri paljipiti, handina kutsaura guta rimwe pamarudzi ose aIsiraeri, pavangandivakira imba, kuti zita rangu rigarepo; uye handina kutsaura munhu mumwe ave mutungamiriri wavanhu vangu vaIsiraeri;
6
asi ndakatsaura Jerusaremu, kuti zita rangu rigarepo; uye ndakatsaura Dhavhidhi kuti abate vanhu vangu vaIsiraeri.'
7
"Zvino Dhavhidhi baba vangu vakanga vachida kuvakira zita raJehovha Mwari waIsiraeri imba.
8
Asi Jehovha akati kuna Dhavhidhi baba vangu, `Wakaita zvakanaka, zvawakanga uchida kuvakira zita rangu imba;
9
kunyange zvakadaro iwe haungavaki imba iyo; asi mwanakomana wako wauchabereka, ndiye achavakira zita rangu imba.'
10
"Zvino Jehovha akaita shoko rake raakataura, nokuti ini ndamuka panzvimbo yaDhavhidhi baba vangu, ndikagara pachigaro choushe chalsiraeri, sezvakapika Jehovha, ndikavakira zita raJehovha Mwari walsiraeri imba.
11
Imomo ndakaisa areka, mune sungano yaJehovha, yaakaita navana vaIsiraeri."
12
Akamira pamberi pearitari yaJehovha, pamberi peungano yose yalsiraeri, akatambanudza maoko ake;
13
(nokuti Soromoni akanga aita nendarira pokumira pakakwirira, kureba kwapo kwakasvika makubhiti mashanu, noupamhi makubhiti mashanu, nokukwirira makubhiti matatu, akazviisa pakati poruvazhe; akamira pamusoro pazvo, akapfugama pamberi peungano yose yaIsiraeri, akatambanudzira maoko ake kudenga;)
14
akati, "Jehovha Mwari waIsiraeri, hakuna mumwe Mwari akafanana nemwi kudenga kumusoro kana panyika pasi; munorangarira sungano nenyasha kuvaranda venyu, vanofamba pamberi penyu nomoyo wavo wose.
15
imwi makaitira muranda wenyu Dhavhidhi baba vangu, sezvamakamupikira; mukataura nomuromo wenyu, mukazviita noruoko rwenyu, sezvazvakaita nhasi.
16
Naizvozvo zvino, Jehovha Mwari waIsiraeri, itirai muranda wenyu Dhavhidhi baba vangu, sezvamakamupikira, muchiti, `Haungashaiwi munhu achagara pachigaro choushe chaIsiraeri pamberi pangu, kana vana vako vakangwarira kufamba kwavo, vakafamba pamberi pangu sezvawakafamba iwe pamberi pangu.'
17
Naizvozvo zvino, Jehovha Mwari waIsiraeri, shoko renyu ngariitike, iro ramakataura kumuranda wenyu Dhavhidhi baba vangu.
18
"Ko mukati Mwari ungagara panyika here? Tarira, denga nokudenga-denga hazvingamuringani; ndoda imba ino yandakavaka!
19
Kunyange zvakadaro, ivai nehanya nomunyengetero womuranda wenyu, nokukumbira kwake, Jehovha Mwari wangu, munzwe kudanidzira nokunyengetera komuranda wenyu, kwaanonyengetera pamberi penyu nhasi.
20
"Meso enyu ngaarambe achirindira imba ino masikati nousiku, nzvimbo iyi yamakataura pamusoro payo, muchiti, muchagarisa zita renyupo; inzwai munyengetero womuranda wenyu waanozonyengetera akatarira kunzvimbo ino.
21
"Munzwe kukumbira komuranda wenyu, nokwavanhu venyu vaIsiraeri, kana vachizonyengetera vakatarira kunzvimbo iyi; donzwai iko kudenga, kwamunogara; zvino kana mukanzwa, muvakangamwire henyu.
22
"Kana munhu achinge atadzira waanogara naye, akapikiswa mhiko, akauya akapika pamberi pearitari yenyu muimba ino;
23
inzwai iko kudenga, muite mururamisire varanda venyu, mupe akaipa mhosva, arobwe pamusoro pomufambiro wake; asi mururamisire akarurama, apiwe zvakafanira kururama kwake.
24
"Kana vanhu venyu vaIsiraeri vachinge vakundwa navavengi vavo, nemhaka yokuti vakakutadzirai; kana vakadzokerazve kwamuri, vakatenda zita renyu, vakanyengetera kwamuri nokukumbira muimba ino;
25
inzwai iko kudenga, mukangamwire zvivi zvavanhu venyu vaIsiraeri, muvadzoserezve kunyika yamakavapa ivo madzibaba avo.
26
Kana kudenga kuchinge kwazarirwa, mvura ikasanaya nemhaka yokuti vakakutadzirai; kana vakanyengetera vakatarira kunzvimbo ino, vakatenda zita renyu, vatendeuka pazvivi zvavo, nokuti munenge mavarova;
27
inzwai iko kudenga, mukangamwire zvivi zvavaranda venyu, nezvavanhu venyu vaIsiraeri, nokuti munovadzidzisa nzira yakanaka yavanofanira kufamba nayo; munise mvura panyika iyo yamakapa vanhu venyu kuti ive nhaka yavo.
28
Kana nzara ikavapo panyika, kana denda rikavapo, kana nyunje nokuvhuvha zvikavapo, nemhashu nehonye; kana vavengi vavo vakavakomba panyika inamaguta avo; kana nyatwa kana hosha ipi neipi ikavapo.
29
"Kana munhu upi noupi, kana vanhu venyu vose valsiraeri vakanyengetera kana kukumbira, mumwe nomumwe achiziva kutambudzika kuri pamoyo wake kana kuchema kwake, akatambanudzira maoko ake kuimba ino;
30
inzwai henyu iko kudenga kwamunogara, mukangamwire muripire mumwe nomumwe zvakafanira mafambiro ake ose, iye wamunoziva moyo wake; (nokuti imi, imwi moga, ndimi munoziva moyo yavana vavanhu vose;)
31
kuti vakutyei, vafambe munzira dzenyu, nguva yose yavanogara panyika yamakapa madzibaba edu.
32
"Zvino kana ari mutorwa, asati ari wavanhu venyu vaIsiraeri, kana akabva kunyika iri kure nokuda kwezita renyu guru, noruoko rwenyu rune simba, noruoko rwenyu rwakatambanudzwa; kana akauya akanyengetera akatarira kuimba ino.
33
"Inzwai henyu iko kudenga kwamunogara, muitire mutorwa zvose zvaanokumbira, kuti vanhu vose venyika vazive zita renyu, vakutyei, sezvinoita vanhu venyu vaIsiraeri, vazive kuti imba ino yandakavaka yakatumidzwa zita renyu.
34
"Kana vanhu venyu vakandorwa navavengi vavo, vakaenda nenzira ipi neipi yamuchavatuma nayo, vakanyengetera kwamuri vakatarira kuguta rino ramakatsaura, nokuimba yandakavakira zita renyu;
35
inzwai henyu iko kudenga kunyengetera kwavo nokukumbira kwavo, muvaruramisire.
36
Kana vakakutadzirai, (nokuti hakuna munhu asingatadzi), mukavatsamwira, mukavaisa kuvavengi vavo, vakatapwa kunyika yavavengi vavo, kana kure kana pedo.
37
"Kana vakazozvifunga panyika kwavakatapirwa, vakadzokazve, vakakumbira kwamuri panyika yokutapwa kwavo, vakati, `Tatadza, taita zvakaipa, taita zvisakarurama;'
38
kana vakadzokerazve kwamuri nomoyo wavo wose, nomweya wose, panyika yokutapwa kwavo, kwavakatapirwa, vakanyengetera vakatarira kunyika yavo, yamakapa madzibaba avo, nokuguta ramakatsaura imwi, nokuimba yandakavakira zita renyu;
39
inzwai henyu iko kudenga kwamunogara, kunyengetera kwavo nokukumbira kwavo, muvaruramisire; mukangamwire vanhu venyu vakakutadzirai.
40
"Zvino Mwari wangu, meso enyu ngaasvinure, nenzeve dzenyu ngadziteerere zvakanaka munyengetero unonyengeterwa munzvimbo ino.
41
Naizvozvo zvino simukai, Jehovha Mwari, mupinde munzvimbo yenyu yokuzorora, neareka yesimba renyu; vaprista venyu, Jehovha Mwari, ngavafukidzwe noruponeso, navatsvene venyu ngavafarire zvakanaka.
42
Jehovha Mwari, musafuratira chiso chomuzodzwa wenyu; rangarirai mabasa akanaka aDhavhidhi muranda wenyu."
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 7 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36