bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
2 Chronicles 21
2 Chronicles 21
Shona 2009?
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 22 →
1
Zvino Jehoshafati akavata namadzibaba ake, akavigwa namadzibaba ake muguta raDhavhidhi; Jehoramu mwanakomana wake akamutevera paushe.
2
Iye akanga ana vanun'una, vaiva vanakomana vaJehoshafati, vaiti: Azaria, naJehieri, naZekariya, naAzaria, naMikaeri, naShefatia; ava vose vaiva vanakomana vaJehoshafati mambo waIsiraeri.
3
Baba vavo vakavapa zvipo zvikuru zvesirivha, nendarama, nezvinhu zvinokosha, pamwechete namaguta akakombwa paJudha; asi ushe wakahupa Jehoramu, nokuti iye akanga ari wedangwe.
4
Zvino Jehoramu akati apinda paushe hwababa vake, ndokuzvisimbisa, akauraya vanun'una vake vose nomunondo, navamwewo vamachinda aIsiraeri.
5
Jehoramu akanga asvika makore makumi matatu namaviri pakutanga kwake kubata ushe; akabata ushe paJerusaremu makore masere.
6
Akafamba nenzira yamadzimambo alsiraeri, sezvakaita imba yaAhabhi; nokuti mukunda waAhabhi akanga ari mukadzi wake; akaita zvakaipa pamberi paJehovha.
7
Kunyange zvakadaro Jehovha akanga asingadi kuparadza imba yaDhavhidhi, nokuda kwesungano yaakanga aita naDhavhidhi, uye nokuti akanga amupikira kuti achamupa mwenje iye navana vake nguva dzose.
8
Zvino namazuva ake vaEdhomu vakamukira vaJudha, vakazviitira mambo wavo.
9
Ipapo Jehoramu akaenda navakuru vake, ane ngoro dzake dzose naye; akamuka usiku, akaparadza vaEdhomu vakanga vakamukomba navakuru vengoro.
10
Naizvozvo vaEdhomu vakamukira vaJudha, kusvikira zuva ranhasi. Ipapo veRibhinawo vakamumukira nenguva iyo; nokuti akanga arasha Jehovha, Mwari wamadzibaba ake.
11
Akaitawo matunhu akakwirira pamakomo aJudha, akapatisa vagere Jerusaremu, nokutsausa vaJudha.
12
Ipapo mwadhi yakabva kumuporofita Eria, ikasvika kwaari, ichiti, "Zvanzi naJehovha Mwari wababa vako Dhavhidhi, `Zvausina kufamba nenzira dzababa vako Jehoshafati, kana nenzira dzaAsa mambo waJudha;
13
asi wakafamba nenzira dzamadzimambo aIsiraeri, ukapatisa Judha navagere Jerusaremu, sezvakaita imba yaAhabhi, ukaurayawo vanun'una vako vakanga vakanaka kupfuura iwe;
14
zvino tarira, Jehovha acharova vanhu vako, navana vako, navakadzi vako, nezvinhu zvako zvose, nenjodzi yakaipa;
15
iwe uchava nehosha yakaipa yomuura kusvikira ura hwako huchibuda kunze nemhaka yehosha iyo zuva rimwe nerimwe.' "
16
Zvino Jehovha akakurudzira mweya yavaFirisitia neyavaArabhia, vakanga vari kurutivi rwavaltiopia, kuzorwa naJehoramu;
17
vakandorwa navaJudha, vakapinda nyika yavo nesimba, ndokutora nhumbi dzose dzavakawana mumba mamambo, navanakomana vake, navakadzi vake; naizvozvo haana kusarirwa nomwanakomana, kunyange nomumwe asi Jehoahazi, muduku wavanakomana vake vose.
18
Shure kwaizvozvo zvose Jehovha akamurova muura hwake nehosha isingagoni kurapwa.
19
Zvino makore maviri akati apera, ura hwake hukabuda kunze nemhaka yourwere, akafa nehosha dzakaipa; vanhu vake vakasamupisira, sezvavakapisira madzibaba ake.
20
Akanga asvika makore makumi matatu namaviri pakutanga kwake kubata ushe; akabata ushe paJerusaremu makore masere; akaenda hake asingadikamwi, vakamuviga paguta raDhavhidhi, asi havana kumuviga pamarinda amadzimambo.
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 22 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36