bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
2 Chronicles 18
2 Chronicles 18
Shona 2009?
← Chapter 17
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 19 →
1
Zvino Jehoshafati akanga ane fuma zhinji nokukudzwa kukuru; akawaniranawo naAhabhi.
2
Zvino mamwe makore akati apfuura, iye akaburukira Samaria kuna Ahabhi. Ahabhi akamuurayira iye navanhu vaakanga anavo makwai nenzombe zhinji, akamukurudzira kuenda naye RamotiGiriyadhi.
3
Ipapo Ahabhi mambo waIsiraeri akati kuna Jehoshafati mambo waJudha, "Muchaenda neni RamotiGiriyadhi here?" Iye akapindura, akati, "Ini ndakaita sewe, navanhu vangu savanhu vako; tichaenda newe kundorwa."
4
Jehoshafati akati kuna mambo waIsiraeri, "Dombobvunza hako shoko raJehovha nhasi."
5
Zvino mambo waIsiraeri akaunganidza vaporofita, varume vaiva namazana mana, akati kwavari, "Tiende kundorwa neRamotiGiriyadhi here, kana ndirege?" Ivo vakati, "Endai, nokuti Mwari achariisa mumaoko amambo."
6
Asi Jehoshafati akati, "Hakuchina mumwe muporofita waJehovha pano here, timubvunze?"
7
Mambo waIsiraeri akati kuna Jehoshafati, "Mumwe murume achiko, watingabvunza kuda kwaJehovha naye, asi ini ndinomuvenga, nokuti haatongoporofiti zvakanaka pamusoro pangu, asi mazuva ose zvakaipa; ndiye Mikaya mwanakomana waImira." Jehoshafati akati, "Mambo ngaarege kudaro."
8
Zvino mambo waIsiraeri akadana muranda, akati, "Kurumidza undotora Mikaya mwanakomana waImira."
9
Zvino mambo waIsiraeri naJehoshafati mambo waJudha vakanga vagere mumwe nomumwe pachigaro chake choushe, vagere vakafuka nguvo dzavo dzoushe padare pasuo reSamaria; vaporofita vose vakaporofita pamberi pavo.
10
Zedhekia mwanakomana waKenaani akazviitira nyanga dzamatare, akati, "Zvanzi naJehovha, `Nedzidzi muchatunga vaSiria, kusvikira vapera.' "
11
Navamwe vaporofita vose vakaporofita saizvozvo, vakati, "Endai RamotiGiriyadhi, muchakunda, nokuti Jehovha achariisa paruoko rwamambo."
12
Zvino nhume yakanga yandodana Mikaya yakataura kwaari, ikati, "Tarirai, mashoko avaporofita anobvumirana achitaura zvakanaka kuna mambo; zvino ndinokumbira kuti shoko renyu rive seshoko romumwe wavo, mutaurewo zvakanaka."
13
Ipapo Mikaya akati, "NaJehovha mupenyu, izvo zvinorehwa naMwari wangu, ndizvo zvandichataura."
14
Zvino akati achisvika kuna mambo, mambo akati kwaari, "Mikaya, tiende kundorwa neRamotiGiriyadhi here, kana ndirege?" Iye akati, "Endai henyu, muchakunda; vachaiswa muruoko rwenyu."
15
Mambo akati kwaari, "Ndinofanira kukupikisa kangani kuti undiudze chokwadi yoga nezita raJehovha?"
16
Iye akati, "Ndakaona vaIsiraeri vose vakapararira pamakomo samakwai asina mufudzi; Jehovha akati, `Ava havana tenzi, mumwe nomumwe ngaadzokere kumusha kwake norugare.' "
17
Mambo waIsiraeri akati kuna Jehoshafati, "Handina kukuudza here, kuti haangaporofiti zvakanaka pamusoro pangu, asi zvakaipa?"
18
Mikaya akati, "Zvino chinzwai shoko raJehovha, Ndakaona Jehovha agere pachigaro chake choushe, nehondo dzose dzokudenga dzimire kurudyi rwake nokuruboshwe rwake.
19
"Ipapo Jehovha akati, `Ndianiko achandonyengera Ahabhi, aende, andourawa paRamotiGiriyadhi?' Zvino mumwe akataura achiti zvokuti, nomumwezve akati zvokuti.
20
Zvino mweya ukabuda, ukamira pamberi paJehovha, ukati, `Ini ndichandomunyengera.' Jehovha akati kwauri, `Neiko?'
21
Iwo ukati, `Ndichaenda, ndichava mweya wenhema mumiromo yavaporofita vake vose.' Iye akati, `Iwe ndiwe uchamunyengera, uchakundawo; enda hako, unoita saizvozvo.'
22
"Naizvozvo zvino, tarirai Jehovha akaisa mweya wenhema mumiromo yavaporofita venyu ava vose, asi Jehovha akataura zvakaipa pamusoro penyu."
23
Ipapo Zedhekia mwanakomana waKenaani akaswedera, akarova Mikaya padama rake, akati, "Mweya waJehovha wakaenda nepiko uchibva kwandiri kundotaura newe?"
24
Mikaya akati, "Uchazviona musi uyo wauchandovanda nawo mukamuri yomukati."
25
Ipapo mambo waIsiraeri akati, "Batai Mikaya, mumuise kuna Amoni mubati weguta, nokuna Joashi mwanakomana wamambo,
26
muti, 'Zvanzi namambo, Pinzai munhu uyu mutirongo, mumupe zvokudya zvokutambudzika, nemvura yokutambudzika, kusvikira ndichidzoka norugare.' "
27
Ipapo Mikaya akati, "Kana mukatongodzoka norugare, Jehovha haana kutaura neni." Akati, "Inzwai, imwi vanhu, imwi mose."
28
Naizvozvo mambo waIsiraeri naJehoshafati mambo waJudha vakaenda RamotiGiriyadhi.
29
Zvino mambo waIsiraeri akati kuna Jehoshafati, "Ini ndichazvishandura, ndigondorwa; asi iwe chifuka nguvo dzako dzoushe." Mambo waIsiraeri akazvishandura, akandorwa.
30
Zvino mambo weSiria akanga araira vatariri vengoro dzake, akati, "Regai kurwa navaduku kana navakuru, asi namambo waIsiraeri oga."
31
Zvino vatariri vengoro vakati vachiona Jehoshafati, vakati, "Ndiye mambo waIsiraeri." Naizvozvo vakatsaukira kundorwa naye; asi Jehoshafati wakaridza mhere, Jehovha akamubatsira; Mwari akavakurudzira kumurega.
32
Zvino vatariri vengoro vakati vachiona kuti haazi mambo waIsiraeri, vakadzoka pakumutevera.
33
Zvino mumwe murume akawembura uta hwake asingashumbi hake, akafura mambo waIsiraeri pakati pezvisungo zvenguvo dzake dzokurwa nadzo; ipapo mambo akati kumufambisi wengoro, "Dzoka, undiise kunze kwehondo, nokuti ndakuvadzwa kwazvo."
34
Kurwa kukanyanya kwazvo nomusi uyo; asi mambo waIsiraeri wakazvitsigira mungoro yake akarwa navaSiria kusvikira madekwana; zvino panguva yokuvira kwezuva akafa.
← Chapter 17
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 19 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36