bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
2 Chronicles 34
2 Chronicles 34
Shona 2009?
← Chapter 33
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 35 →
1
Josiya akatanga kubata ushe ava namakore masere; akabata ushe paJerusaremu makore makumi matatu nerimwe.
2
Akaita zvakarurama pamberi paJehovha, akafamba nenzira yababa vake Dhavhidhi, haana kutsaukira kurudyi kana kuruboshwe.
3
Nokuti pagore rorusere rokubata kwake ushe, achiri muduku, akatanga kutsvaka Mwari waDhavhidhi baba vake; zvino pagore regumi namaviri akatanga kunatsa Judha neJerusaremu, achibvisa matunhu akakwirira, namatanda okunamata nawo nemifananidzo yakavezwa, nemifananidzo yakaumbwa.
4
Vakakoromora aritari dzavaBhaari, iye aripo; akatema mifananidzo yezuva yakanga yakaitwa pamusoro padzo; akaputsanya matanda okunamata nawo, nemifananidzo yakavezwa, nemifananidzo yakaumbwa, akazvikuya zvikaita guruva, akarisasa pamarinda avaizvibayira.
5
Akapisa mapfupa avaprista paaritari dzavo, akanatsa Judha neJerusaremu.
6
Akaitawo saizvozvo pamaguta aManase naEfuremu naSimiyoni, kusvikira paNafutari, pamatongo awo.
7
Akaputsa aritari, akakuya matanda okunamata nawo nemifananidzo yakavezwa zvikaita guruva, akatema mifananidzo yose yezuva panyika yose yaIsiraeri, ndokudzokera Jerusaremu.
8
Zvino pagore regumi namasere rokubata kwake ushe, akati anatsa nyika neimba, ndokutuma Shafani mwanakomana waAzaria, naMaaseya, mubati weguta, naJoa mwanakomana waJohazi, gurukota, kundogadzira imba yaJehovha Mwari wake.
9
Vakasvika kuna Hirikia muprista mukuru, vakamupa mari yakanga yaiswa mumba yaMwari, yakanga yaunganidzwa navaRevhi, vatariri vemikova, pakati paManase paEfuremu, navose vakasara vavaIsiraeri navaJudha vose, navaBhenjamini, navakanga vagere Jerusaremu.
10
Vakaipa pamaoko avabati vakanga vachitarira imba yaJehovha, vakairipa kuzovandudza nokugadzirisa imba;
11
vakaipa vavezi navavaki, kuti vatenge mabwe akavezwa namatanda okubatanidza, nokuita mapango edzimba dzakanga dzaparadzwa namadzimambo aJudha.
12
Vanhu avo vakabata basa nokutendeka; vatariri vavo vaiva Jahati naObhadhiya, vaRevhi vavanakomana vaMerari, naZekariya, naMeshurami, vavanakomana vaKohati, kuzoraira basa; navamwe vaRevhi, vose vaiziva kuridza zvinoridzwa.
13
Ivo vaitarirawo vatakuri vemitoro, vakarairawo vose vaibata mabasa amarudzi ose; pakati pavaRevhi pakanga panavanyori, navatariri, navarindi vemikova.
14
Zvino vakati vachibudisa mari yakanga yaiswa mumba maJehovha, muprista Hirikia ndokuwana bhuku yomurayiro waJehovha, wakanga wapiwa naMozisi.
15
Hirikia akapindura, akati kuna Shafani munyori, "Ndawana bhuku yomurayiro mumba maJehovha." Hirikia ndokupa bhuku iyo kuna Shafani.
16
Zvino Shafani akaenda nebhuku kuna mambo, uye akendawo neshoko kuna mambo, akati, "Zvose zvakarairwa varanda venyu, vanozviita."
17
Vakadurura mari yakawanikwa mumba maJehovha, vakaiisa mumaoko avatariri, nomumaoko avabati vebasa.
18
Zvino Shafani munyori akaudza mambo, akati, "muprista Hirikia andipa bhuku." Ipapo Shafani akaravamo pamberi pamambo.
19
Zvino mambo akati achinzwa mashoko omurayiro, akabvarura nguvo dzake.
20
Mambo.akaraira Hirikia naAhikami mwanakomana waShafani, naAbhidhoni mwanakomana waMika, naShafani munyori, naAsaya muranda wamambo, akati,
21
"Endai mundondibvunzira Jehovha, ini navakasara vaIsiraeri navaJudha pamusoro pamashoko ebhuku yakawanikwa; nokuti kutsamwa kwaJehovha, kwadururwa pamusoro pedu, kukuru, nokuti madzibaba edu haana kuchengeta shoko raJehovha, kuti vaite zvose zvakanyorwa mubhuku iyi."
22
Ipapo Hirikia navakanga varairwa namambo vakaenda kuna Huridha muporofitakadzi, mukadzi waSharumi mwanakomana waTokihati, mwanakomana waHazira, muchengeti wenguvo, (zvino iye akanga agere Jerusaremu kurutivi rutsva rweguta;) vakataura naye saizvozvo.
23
Iye akati kwavari, "Zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri, `Udzai munhu akakutumai kwandiri,' muti,
24
'Zvanzi naJehovha, tarirai, ndichauyisa zvakaipa pamusoro penzvimbo iyi, napamusoro pavagerepo, iko kutuka kose kwakanyorwa mubhuku iyo yavakarava pamberi pamambo waJudha.'
25
"Nokuti vakandirasha, vakapisira vamwe vamwari zvinonhuhwira, vakanditsamwisa namabasa ose amaoko avo; naizvozvo kutsamwa kwangu kwadururwa pamusoro penzvimbo iyi, hakungadzimwi.
26
"Asi muti kuna mambo waJudha, akakutumai kuzobvunza Jehovha, `Zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri, kana ari mashoko awakanzwa,
27
moyo wako zvawakanga uri munyoro, ukazvininipisa pamberi paMwari, nguva yawakanzwa mashoko ake pamusoro penzvimbo iyi, napamusoro pavageremo, ukazvininipisa pamberi pangu, ukabvarura nguvo dzako, ukachema pamberi pangu,' zvino zvanzi naJehovha, `Ini ndakunzwawo.'
28
"Tarira, ndichakuisa kumadzibaba ako, uchavigwa muhwiro nomufaro; meso ako haangaoni zvakaipa zvose zvandichauyisa pamusoro penzvimbo iyi, navanhu vageremo." Vakadzoka neshoko kuna mambo.
29
Ipapo mambo akatuma vanhu vakaunganidza vakuru vose vaJudha naveJerusaremu.
30
Mambo akakwira kumba kwaJehovha, ana varume vose vaJudha, navose vakanga vagere Jerusaremu, navaprista, navaRevhi, navanhu vose, vakuru navaduku; akavaravira mashoko ose ebhuku yesungano yakanga yawanikwa mumba maJehovha.
31
Mambo akamira panzvimbo yake, akaita sungano pamberi paJehovha, akazvisunga kutevera Jehovha, nokuchengeta mirairo yake, nezvipupuriro zvake, nezvaakatema, nomoyo wake wose nomweya wake wose, kuti aite mashoko esungano akanyorwa mubhuku iyi.
32
Akaraira vose vakanga vari Jerusaremu naBhenjamini kuabvumira. Vagere Jerusaremu vakaita sezvakarehwa pasungano yaMwari, iye Mwari wamadzibaba avo.
33
Josiya akabvisa zvakanga zvichinyangadza zvose panyika dzose dzaiva dzavaIsiraeri, akaraira vose vakanga vari pakati paIsiraeri kushumira Mwari, kushumira iye Jehovha Mwari wavo. Mazuva ake ose havana kutsauka pakutevera Jehovha Mwari wamadzibaba avo.
← Chapter 33
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 35 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36