bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
2 Chronicles 7
2 Chronicles 7
Shona 2009?
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 8 →
1
Zvino Soromoni akati apedza kunyengetera, moto ndokuburuka kudenga, ukapedza chipiriso chinopiswa nezvimwe zvibayiro; kubwinya kwaJehovha kukazadza imba.
2
Vaprista vakakoniwa kupinda muimba yaJehovha, nokuti kubwinya kwaJehovha kwakanga kwazadza imba yaJehovha.
3
Vana vaIsiraeri vose vakatarira moto uchiburuka kudenga nokubwinya kwaJehovha kuchigara pamusoro peimba; vakakotamira pasi nezviso zvavo pakarongwa namabwe, vakanamata nokuvonga Jehovha, vachiti, "Nokuti akanaka, nokuti nyasha dzake dzinogara nokusingaperi."
4
Ipapo mambo navanhu vose vakabayira zvibayiro pamberi paJehovha.
5
Mambo Soromoni akabayira chibayiro chenzombe dzine zviuru zvina makumi maviri nezviviri, namakwai ane zviuru zvine zana namakumi maviri. Saizvozvo mambo navanhu vose vakatsaurira Mwari imba iyo.
6
Vaprista vakamirapo, sezvavakagoverwa mabasa avo; navaRevhivo vane zvokuridzira Jehovha, zvakaitwa namambo Dhavhidhi, zvokuvonga Jehovha nazvo, nokuti nyasha dzake dzinogara nokusingaperi, panguva iya Dhavhidhi yaakakudza Jehovha nazvo; vaprista vakaridza hwamanda pamberi pavo, vaIsiraeri vose vakamira.
7
Soromoni akatsaurawo nzvimbo yapakati yoruvazhe rwakanga ruri pamberi peimba yaJehovha; nokuti ndipo paakabayira zvipiriso zvinopiswa, namafuta ezvipiriso zvokuyananisa; nokuti aritari yendarira yakaitwa naSoromoni yakanga isingagoni kuringana chipiriso chinopiswa, nechipiriso choupfu, namafuta.
8
Naizvozvo Soromoni akatamba mutambo panguva iyo mazuva manomwe, navaIsiraeri vose pamwechete naye, ikaita ungano huru-huru, kubva pavanopinda paHamati, kusvikira parukova rweIjipiti.
9
Zvino pazuva rorusere vakatamba mutambo wokupedzisira; nokuti vakatsaura aritari mazuva manomwe, vakaita mutambo mazuva manomwe.
10
Zvino pazuva ramakumi maviri namatatu romwedzi wechinomwe akaendisa vanhu kumatende avo nemoyo yakanga ichifara, ichifarira zvakanaka zvose zvakaitira Jehovha Dhavhidhi, naSoromoni, navanhu vake vaIsiraeri.
11
Saizvozvo Soromoni akapedza imba yaJehovha, neimba yamambo; zvose zvakanga zviri mumoyo waSoromoni kuita muimba yaJehovha, nomumba make, wakazviita kwazvo.
12
Ipapo Jehovha akazviratidza kuna Soromoni usiku, akati kwaari, "Ndanzwa kunyengetera kwako, ndazvitsaurira nzvimbo iyi, ive imba yokubayira zvibayiro.
13
Kana ndichinge ndadzivira kudenga, kuti mvura irege kunaya, kana zvimwe ndichinge ndaraira mhashu, kuti dzipedze nyika, kana zvimwe ndichinge ndatuma denda pakati pavanhu vangu;
14
kana vanhu vangu, vakatumidzwa nezita rangu, vakazvininipisa, vakanyengetera nokutsvaka chiso changu, nokurega nzira dzavo dzakaipa; ipapo ndichanzwa kudenga ndichavakangamwira zvivi zvavo, nokupodza nyika yavo.
15
Zvino meso angu achasvinura, nzeve dzangu dzichateerera ndinzwe munyengetero unoitwa panzvimbo iyi.
16
"Nokuti zvino ndatsaura imba ino nokuiita tsvene, zita rangu rivepo nokusingaperi; meso angu nomoyo wangu zvichavapo nokusingaperi.
17
"Kana uriwe, kana ukafamba pamberi pangu sababa vako, Dhavhidhi, ukaita zvose zvandakakuraira, ukachengeta zvandatema nezvandatonga,
18
ipapo ini ndichasimbisa chigaro chako choushe, sezvandakapikira baba vako Dhavhidhi, ndichiti, `Haungashaiwi munhu achabata ushe hwaIsiraeri.'
19
Asi kana mukatsauka, mukasiya zvandatema nezvandaraira zvandakaisa pamberi penyu, mukandoshumira vamwe vamwari, mukavanamata;
20
ipapo ndichavadzura nemidzi panyika yangu yandakavapa, neimba iyi yandakatsaurira zita rangu, ndichairashira kure ndirege kuiona, ndiite shumo nechiseko pakati pavanhu vose.
21
"Neimba iyi kunyange yakakwirira ikadai, vose vanopfuura nayo vachakanuka, vachiti, `Jehovha wakaitireiko kudai nenyika ino, uye neimba iyi?'
22
Vachapindura, vachiti, `Nokuti vakasiya Jehovha, Mwari wamadzibaba avo, wakavabudisa panyika yeIjipiti, vakanamatira vamwe vamwari, vakavanamata, nokuvashumira; saka Jehovha akavapinza panjodzi idzi dzose.' "
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 8 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36