bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Deuteronomy 15
Deuteronomy 15
Shona 2009?
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 16 →
1
"Nguva dzose kana makore manomwe apera munofanira kuva nesununguro.
2
Nzira yesununguro ndiyo: Mumwe nomumwe wakapa chikwereti, unofanira kusunungura icho chaakapa hama yake; ngaarege kuchireva kuno wokwake kana hama yake; nokuti sununguro yaJehovha yaparidzwa.
3
Ungazvireva kumutorwa; asi zvose zvako zviri paruoko rwehama yako, unofanira kuzvisunungura.
4
"Asi usava navarombo pakati pako (nokuti zvirokwazvo, Jehovha uchakuropafadza panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako, kuti ive nhaka yako),
5
kana uchingoshingaira koga kuteerera inzwi raJehovha Mwari wako, kuti uchenjere kuita murayiro uyu wose, wandinokuraira nhasi.
6
Nokuti Jehovha Mwari wako uchakuropafadza, sezvaakakupikira; iwe uchapa dzimwe ndudzi zhinji chikwereti, asi iwe usatora chikwereti; iwe uchabata ndudzi zhinji, asi idzo hadzingakubati iwe.Varombo navaranda
7
"Kana kuno murombo kwauri, mumwe wehama dzako, mukati mamasuo api naapi panyika yako, yaunopiwa naJehovha Mwari wako, usatsungira hama yako murombo, kana kumupfumbatirira ruoko rwako;
8
asi umutambanudzire ruoko rwako kwazvo, umubatsire nechikwereti zvinoringana pakushaiwa kwake, sezvaanokumbira.
9
Chenjera kuti urege kufunga zvakaipa mumoyo mako, uchiti, `Gore rechinomwe, iro gore resununguro, riri pedo,' iwe ukava nomufungo wakaipa kuhama yako, ukasamupa chinhu; iye akachema kuna Jehovha Mwari wako pamusoro pako, chikava chivi kwauri.
10
Unofanira kumupa zvakanaka, moyo wako haufaniri kuva neshungu, kana uchimupa; nokuti nokuda kwechinhu ichi Jehovha Mwari wako uchakuropafadza pamabasa ako ose, napazvose zvaunobata namaoko ako.
11
Nokuti varombo havangatongoperi panyika; naizvozvo ndinokuraira ndichiti, `Utambanudzire ruoko rwako zvakanaka kuhama yako, kuna iye unoshaiwa, nokuna varombo vako panyika yako.'
12
"Kana hama yako murume muHebheru kana mukadzi muHebheru achinge atengeswa kwauri, akakubatira makore matanhatu, iwe unofnaira kumurega negore rechinomwe aende hake.
13
Zvino kana uchimurega kuti aende hake, usamuendisa asine chinhu.
14
Unofanira kumugoverera zvakanaka pamakwai ako, napaburiro rako, napachisviniro chako chewaini; sezvawakaropafadzwa naJehovha Mwari wako, unofanira kumupa saizvozvo.
15
Unofanira kurangarira iwe kuti wakanga uri muranda munyika Jehovha Mwari wako akakudzikunura; naizvozvo ndinokuraira chinhu ichi nhasi.
16
"Asi kana akati kwauri, `Handidi hangu kubva kwamuri,' nokuti unokuda iwe naveimba yako, nokuti unofara hake newe,
17
ipapo unofanira kutora runji ndokuurura nzeve yake narwo pamukova, iye agova muranda wako nokusingaperi:. Uye murandakadzi wako unofanira kumuitirawo saizvozvo.
18
Hazvifaniri kuita sokukusvibisa moyo wako kana muchimurega kuti aende hake; nokuti wakakubatira makore matanhatu, achifanirwa nomubayiro wavaranda vaviri; Jehovha Mwari wako uchakuropafadza pane zvose zvaunoita.
19
"Mikono yose yavana vemhongora dzemombe dzako nedzamakwai ako, unofanira kutsaurira Jehovha Mwari wako; haufaniri kubata basa nomwana wemhongora dzemombe dzako, kana kuveura vana vemhongora dzamakwai ako.
20
Unofanira kuzvidya pamberi paJehovha Mwari wako gore rimwe nerimwe panzvimbo ichatsaurwa naJehovha, iwe nemhuri yako.
21
Kana chakaremara, zvimwe chinokuremara kokukamhina, kana upofu, kana kuremara kwakaipa kupi nokupi, haufaniri kuchibayira Jehovha Mwari wako.
22
Unofanira kuchidya mukati mamasuo ako; wakanaka nousina kunaka vose vanofanira kuchidya, sezvavanodya mhara nenondo.
23
Asi urege kudya ropa racho, unofanira kuriteurira pasi semvura.
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 16 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34