bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Deuteronomy 21
Deuteronomy 21
Shona 2009?
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 22 →
1
"Kana panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako, kuti ive yako, pakawanikwa munhu akaurawa akatandavara kusango, kusingazikamwi kuti wamuuraya ndiani,
2
ipapo vakuru vako navatongi vako vanofanira kundoyera chinhambo kusvika kumaguta akapoteredza munhu wakaurawa;
3
zvino guta riri pedo nomunhu wakaurawa, vakuru veguta iro vanofanira kutora tsiru remombe, risina kumbobatwa naro, risina kumbokweva pajoko,
4
vakuru veguta iro vagoenda netsiru kumupata uno rukova rune mvura inoyerera, usina kumborimwa kana kudzvarwa, ndokuvhuna mutsipa wetsiru imomo mumupata;
5
vaprista vana vaRevhi vanofanira kuswedera, nokuti ndivo vakatsaurwa naJehovha Mwari wako, kuti vamushumire, nokuropafadza vanhu nezita raJehovha; nokuti chirevo chenharo dzose nokukuvadza kose zvinofanira kutemwa navo;
6
zvino vakuru vose veguta iro riri pedo nomunhu wakaurawa vanofanira kushamba maoko avo pamusoro petsiru rakavhuniwa mutsipa waro pamupata,
7
vagopindura, vachiti, `Maoko edu haana kuteura ropa iro, nameso edu haana kuriona.
8
imwi Jehovha kangamwirai henyu vanhu venyu valsiraeri, vamakadzikunura; musatendera kuti ropa risine mhosva rigare pakati pavanhu venyu vaIsiraeri.' Ipapo vachakangamwirwa ropa iro.
9
Saizvozvo unofanira kubvisa ropa risine mhosva pakati pako, kana waita zvakarurama pamberi paJehovha.
10
"Kana uchindorwa navavengi vako, Jehovha Mwari wako akavaisa mumaoko ako, ukavatapa,
11
ukaona pakati pavatapwa mukadzi wakanaka, ukamuda, ukada kumuwana ave mukadzi wako,
12
unofanira kuenda naye kumba kwako; zvino iye unofanira kuveura musoro wake, nokugura nzara dzake,
13
nokurasha nguvo dzake dzokutapwa, ndokugara mumba mako achichema baba vake namai vake mwedzi wose; pashure paizvozvo iwe ungapinda kwaari, iwe uve murume wake, iye ave mukadzi wako.
14
Zvino kana iwe usingafari naye, unofanira kumurega kuti aende hake kwaanoda; asi haufaniri kutongomutengesa nemari; haufaniri kumuitira sezvinoitirwa muranda, nokuti wakatanga wamunyadzisa.
15
"Kana murume achinge ana vakadzi vaviri, mumwe unodikamwa, nomumwe unovengwa, vakamuberekera vana, unodikamwa nounovengwa vose vari vaviri; zvino kana mwanakomana wedangwe ari waiye unovengwa,
16
musi waanogarisa vanakomana vake nhaka yake, haafaniri kupa mwanakomana wounodikamwa udangwe, achidarika mwanakomana wounovengwa, iye ari mwanakomana wedangwe chaiye;
17
asi anofanira kutenda mwanakomana wounovengwa, kuti ndiye wedangwe, amupe migove miviri yezvose zvaanazvo; nokuti ndiye wokutanga wesimba rake; ndiye anofanirwa noudangwe.
18
"Kana munhu anomwanakomana wakasindimara usinganzwi, asingadi kuteerera inzwi rababa vake kana inzwi ramai vake, usinganzwi kana vachimuranga;
19
baba vake namai vake vanofanira kumubata ndokuenda naye kuvakuru veguta rake, nokusuo renzvimbo yake,
20
vagoti kuvakuru veguta rake, `Mwanakomana wedu uyu wakasindimara, unotimukira, haadi kuteerera inzwi redu; unopedza fuma, nokumwa doro.'
21
Zvino varume vose veguta vanofanira kumutaka namabwe, kuti afe; saizvozvo unofanira kubvisa chakaipa pakati pako; vaIsiraeri vose vazvinzwe, vatye.
22
"Kana munhu achinge atadza chivi chinofanirwa norufu, akaurawa, ukamusungirira pamuti;
23
chitunha chake hachifaniri kuvata pamuti usiku hwose, asi unofanira kumuviga nomusi iwoyo, nokuti munhu wakasungirirwa wakatukwa naMwari; kuti urege kusvibisa nyika yako yaunopiwa naJehovha Mwari wako, kuti ive yako.
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 22 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34