bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Deuteronomy 22
Deuteronomy 22
Shona 2009?
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 23 →
1
"Haufaniri kuona nzombe yehama yako, kana gwai rake, zvichirashika, ukazvinyenyeredza; zvirokwazvo unofanira kuzvidzosera kuhama yako.
2
Kana hama yako iri kure newe, zvimwe usingachizivi, unofanira kuenda nacho kumusha kwako, chigare kwauri kusvikira hama yako ichichitsvaka, ugochidzosera kwaari.
3
Unofanira kuita saizvozvowo nembongoro yake; unofanira kuita saizvozvowo nenguvo yake; unofanira kuita saizvozvowo nezvinhu zvose zvehama yako zvakarashika, chaakanga arashikirwa nacho, chikawanikwa newe; haufaniri kuzvinyenyeredza.
4
"Haufaniri kuona mbongoro, kana nzombe, zvehama yako zvawira pasi panzira, ukazvinyenyeredza; unofanira kumubatsira zvirokwazvo kuzvimutsa.
5
"Mukadzi haafaniri kufuka nguvo dzomurume, nomurume haafaniri kufuka nguvo dzomukadzi; nokuti ani naani unoita izvozvo unonyangadza Jehovha Mwari wako.
6
"Kana ukawana dendere reshiri panzira, pamuti upi noupi, kana pasi, rina vana kana mazai, mai ichivhuvatira vana kana mazai, haufaniri kutora mai navana;
7
unofanira kurega mai, asi vana ungatora hako; kuti zvive zvakanaka newe, uwedzerwe mazuva ako.
8
"Kana ukavaka imba itsva, unofanira kuisa rumhanda padenga rako, kuti urege kuuyisa mhosva yeropa pamusoro peimba yako, kana mumwe munhu akawapo.
9
Haufaniri kudzvara mbeu dzamarudzi maviri pamunda wako wemizambiringa, kuti zvibereko zvose zvirege kutsaurirwa nzvimbo tsvene, idzo mbeu dzawadzvara, nezvibereko zvomunda wemizambiringa.
10
"Usarima nenzombe nembongoro zvakasungwa pamwechete.
11
Usafuka nguvo dzakarukwa nezvinhu zvakavhenganiswa, mvere pamwechete nomucheka.
12
Unofanira kuzviitira masa pamiromo mina yenguvo yako yaunozvifukidza nayo.
13
"Kana munhu akawana mukadzi, akapinda kwaari, akazomuvenga,
14
akamupomera zvinonyadza, nokutaura zvakaipa pamusoro pake, achiti, `Ndakawana mukadzi uyu, asi ndakati ndichiswedera kwaari, handina kuwana zviratidzo zvoumhandara hwake kwaari';
15
zvino baba vomusikana namai vake vanofanira kuenda nezviratidzo zvoumhandara hwake kuvakuru veguta pasuo;
16
zvino baba vomusikana vanofanira kuti kuvakuru, `Ndakapa murume uyu mwanasikana wangu, kuti ave mukadzi wake, asi zvino womuvenga;
17
tarirai, wamupomera zvinhu zvinonyadza,' achiti, `Handina kuwana zviratidzo zvoumhandara kumwanasikana wako; asi hezvi zviratidzo zvoumhandara hwomwanasikana wangu.' Zvino vanofanira kuwarira nguvo pamberi pavakuru veguta.
18
Ipapo vakuru veguta iro vanofanira kubata murume uyo, vamurove;
19
nokumuripisa mashekeri esirivha ane zana, vagoapa baba vomusikana, nokuti wakataura zvakaipa pamusoro pomusikana waIsiraeri; zvino iye anofanira kuva mukadzi wake, haangamurashi mazuva ake ose.
20
"Asi kana riri shoko rechokwadi, kuti zviratidzo zvoumhandara zvakashaikwa kumusikana,
21
vanofanira kubudisira musikana kumukova weimba yababa vake, varume veguta rake vagomutaka namabwe, afe; nokuti wakaita sebenzi pakati paIsiraeri, pakupata kwake paimba yababa vake; saizvozvo anofanira kubvisa zvakaipa pakati pako.
22
"Kana murume akawanikwa achivata nomukadzi wakawanikwa nomurume wake, ivavo vose vanofanira kuurawa, murume wakavata nomukadzi naiye mukadziwo; saizvozvo iwe unofanira kubvisa zvakaipa pakati paIsiraeri.
23
"Kana kuno musikana, achiri mhandara, wakanyengwa nomurume, mumwe murume akamuwana muguta, akavata naye;
24
ipapo munofanira kuvabudisa vose vari vaviri pasuo reguta, mugovataka namabwe, vafe, musikana nokuti haana kuridza mhere, ari muguta hake, uye murume, nokuti wanyadzisa mukadzi wowokwake; saizvozvo iwe unofanira kubvisa zvakaipa pakati pako.
25
"Asi kana murume akawana musikana uyo wakanyengwa ari kusango, murume akaita simba naye, akavata naye, iye murume wakavata naye anofanira kufa, iye oga;
26
asi musikana haufaniri kumuita chinhu; musikana haana kuita chivi chinofanirwa norufu; nokuti shoko iri rakafanana neromurume wakamukira wokwake akamuuraya;
27
nokuti wakamuwana kusango, musikana wakanyengwa akaridza mhere, asi kwakanga kusinomunhu kumurwira.
28
"Kana murume akawana musikana, uchiri mhandara, ugere kunyengwa, akaita simba naye, akavata naye, vakaonekwa,
29
ipapo murume wakavata naye anofanira kupa baba vake mashekeri ana makumi mashanu esirivha, zvino iye unofanira kuva mukadzi wake, nokuti wamunyadzisa; haafaniri kuzomurasha paupenyu hwake hwose.
30
"Murume haafaniri kutora mukadzi wababa vake, haafaniri kufukura nhere yababa vake.
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 23 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34