bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Deuteronomy 17
Deuteronomy 17
Shona 2009?
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 18 →
1
"Usabayira Jehovha Mwari wako mombe kana gwai rakaremara, kana rine chakaipa chipi nechipi; nokuti izvo zvinonyangadza Jehovha Mwari wako.
2
"Kana pakati pako mukati merimwe ramasuo ako, aunopiwa naJehovha Mwari wako, murume kana mukadzi akawanikwa, unoita zvakaipa pamberi paJehovha Mwari wako, achidarika sungano yake,
3
akandoshumira vamwe vamwari, akanamata kwavari, kana kuzuva kana kumwedzi, kana kune chimwe chehondo dzokudenga, chandisina kukuraira;
4
iwe ukaudzwa izvozvo, ukazvinzwa, ipapo unofanira kubvunzisisa kwazvo; zvino kana ukaona kuti ndizvo, ndezvamazvokwadi, kuti chinhu chinonyangadza chakadai chaitwa pakati paIsiraeri;
5
ipapo unofanira kubudisa murume nomukadzi, ugovataka namabwe, vafe.
6
Nokupupura kwezvapupu zviviri kana zvitatu iye unofanira kufa, ngaaurawe; nokupupura kwechapupu chimwe ngaarege kuurawa.
7
Maoko ezvapupu ndiwo anofanira kutanga kumuuraya; pashure maoko avanhu vose. Saizvozvo unofanira kubvisa zvakaipa pakati pako.
8
"Kana mhaka ikamuka yamusingagoni kutonga, kana yokuurayana, kana yokukwirirana, kana yokukuvadzana, dziri mhaka dzenharo pakati pamasuo ako; ipapo unofanira kusimuka nokukwira kunzvimbo ichatsaurwa naJehovha Mwari wako;
9
uende kuvaprista vaRevhi, nokumutongi uchavapo pamazuva iwayo, ubvunze; ivo vachakuzivisa kutonga kwakafanira.
10
Zvino unofanira kuita sezvavanokutongera panzvimbo ichatsaurwa naJehovha; uchenjere kuti uite sezvavanokudzidzisa;
11
unofanira kuita nomurayiro wavanokuraira, uye nokutonga kwavanokuudza; haufaniri kutsauka kana kurudyi kana kuruboshwe, pakutonga kwavachakuratidza.
12
Munhu unoita nokuzvikudza, asingadi kuteerera muprista unomirapo pakushumira Jehovha Mwari wako, kana mutongi, munhu uyo anofanira kufa; iwe unofanira kubvisa zvakaipa pakati paIsiraeri.
13
Vanhu vose vachazvinzwa, vachatya, vakasazoita nokuzvikudza.
14
"Zvino kana ukasvika panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako, ikava yako, ukagaramo, ukati, `Ndichazvigadzira mambo, sezvinoita ndudzi dzose, dzinondipoteredza';
15
zvirokwazvo unofanira kuzvigadzira hako mambo uchatsaurwa naJehovha Mwari wako; unofanira kugadza mumwe kuhama dzako, kuti ave mambo wako; haufaniri kugadza mutorwa, isati iri hama yako.
16
Asi ngaarege kuzviwanzira mabhiza, kana kudzosera vanhu Ijipiti, kuti azviwanzire mabhiza; nokuti Jehovha wakati kwauri, `Usadzokazve kubva zvino nenzira iyo.'
17
Uye ngaarege kuzviwanzira vakadzi, kuti moyo wake urege kutsauka; uye ngaarege kuzviwanzira zvikuru sirivha nendarama.
18
Zvino kana iye ogara pachigaro chake choushe, anofanira kunyora murayiro uyu mubhuku yake, achitora mashoko ari kuvaprista vaRevhi;
19
inofanira kugara naye, kuti aravemo mazuva ose oupenyu hwake; kuti adzidze kutya Jehovha Mwari wake, nokuchengeta mashoko ose omurayiro uyu nezvakatemwa izvi, kuti azviite;
20
kuti moyo wake urege kuzvikudza pamusoro pehama dzake, arege kutsauka pamurayiro, uyu, kana kurudyi, kana kuruboshwe; kuti awedzere mazuva ake paushe hwake, iye, navana vake, pakati paIsiraeri.
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 18 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34