bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Deuteronomy 9
Deuteronomy 9
Shona 2009?
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 10 →
1
"Inzwa, iwe Isiraeri, nhasi unofanira kuyambuka Jorodhani, kuti upinde nyika kundopiwa ndudzi dzinokupfuura paukuru nesimba, dzive dzako, namaguta makuru ana masvingo anosvika kudenga,
2
navanhu vakuru varefu, vana vaAnaki, vaunoziva, vawakanzwa zvichinzi, `Ndianiko ungamira pamberi pavana vaAnaki?'
3
Naizvozvo uzive nhasi kuti Jehovha Mwari wako ndiye unokutungamirira somoto unoparadza; iye uchavaparadza, iye uchavakunda pamberi pako; naizvozvo iwe uchavadzinga, nokuvaparadza nokukurumidza, sezvawakaudzwa naJehovha.
4
"Zvino kana Jehovha Mwari wako avadzinga pamberi pako, usataura mumoyo mako, uchiti, `Jehovha wakandipinza munyika ino ive yangu, nokuda kokururama kwangu; nokuti Jehovha unodzinga ndudzi idzi nokuda kokuipa kwavo.'
5
Haupindi munyika yavo, ive yako, nokuda kokururama kwako, kana nokuda kokururama komoyo wako; asi Jehovha Mwari wako unodzinga ndudzi idzi pamberi pako nokuda kokuipa kwavo, uye kuti asimbise shoko rakapikirwa madzibaba ako naJehovha, kuna Abhurahamu, nokuna Isaka, nokuna Jakobho.
6
Naizvozvo uzive kuti Jehovha Mwari wako haakupi nyika iyi yakanaka ive yako, nokuda kokururama kwako; nokuti uri rudzi rune mitsipa mikukutu.
7
"Rangarira, usakangamwa, kuti wakatsamwisa Jehovha Mwari wako sei murenje; kubva pazuva rawakabuda naro panyika yeIjipiti kudzimana masvika kunzvimbo iyi, makaramba muchimukira Jehovha.
8
NapaHorebhu makatsamwisa Jehovha, Jehovha akakutsamwirai, akada kukuparadzai.
9
Nguva yandakakwira pagomo kundogamuchira mabwendefa amabwe, iwo mabwendefa esungano, yaakaita iye Jehovha nemi, ndakagara mugomo mazuva ana makumi mana nousiku huna makumi mana; ndakanga ndisingadyi zvokudya, kana kumwa mvura.
10
Zvino Jehovha akandipa mabwendefa maviri amabwe, akanga akanyorwa nomumwe waMwari; pamusoro pawo pakanga pakanyorwa mashoko ose akanga ataurwa kwamuri naJehovha pagomo, ari mukati momoto nomusi weungano.
11
Zvino mazuva ana makumi mana nousiku huna makumi mana zvakati zvapera, Jehovha akandipa mabwendefa maviri amabwe, iwo mabwendefa esungano.
12
"Zvino Jehovha akati kwandiri, `Simuka, kurumidza kuburuka pano, nokuti vanhu vako vawakabudisa paIjipiti, vazvitadzira; vakurumidza kutsauka panzira yandakavaraira; vazviitira mufananidzo wakaumbwa.'
13
Uye Jehovha akataura neni, akati, `Ndaona rudzi urwu, tarira, rudzi rune mitsipa mikukutu;
14
ndirege, ndivaparadze, ndidzime zita ravo pasi pedenga, ndikuite iwe rudzi runovapfuura nesimba noukuru.'
15
"Naizvozvo ndakadzoka, ndikaburuka pagomo, gomo rikapfuta nomoto; zvino mabwendefa maviri esungano akanga ari mumaoko angu maviri.
16
Ndikatarira, ndikaona kuti makanga matadzira Jehovha Mwari wenyu; makanga mazviitira mhuru yakaumbwa; makanga makurumidza kutsauka panzira yamakanga marairwa naJehovha.
17
Ndikabata mabwendefa maviri, ndikaarashira pasi muchizviona.
18
Ndikawira pasi pamberi paJehovha, sapakutanga, mazuva ana makumi mana nousiku huna makumi mana; ndakanga ndisingadyi zvokudya, kana kumwa mvura, nokuda kwezvivi zvenyu zvose zvamakanga matadza, muchiita zvakaipa pamberi paJehovha, muchimutsamwisa.
19
Nokuti ndakatya hasha nokutsamwa kukuru, kwamakatsamwirwa nako naJehovha, nokuti wakanga achida kukuparadzai. Asi Jehovha wakandinzwawo nenguva iyo.
20
Jehovha wakanga ane shunguvo kwazvo naAroni, akada kumuparadza, ndikanyengeterera Aroniwo nenguva iyo.
21
Ndikatora zvivi zvenyu, iyo mhuru iya yamakanga maumba, ndikaipisa nomoto, ndikaipwanya, nokuikuya kwazvo, kusvikira yatsetseka seguruva; ndikakandira guruva rayo murukova rwakanga ruchibva mugomo.
22
NapaTabherawo, napaMasa, napaKibhiroti-hatava makatsamwisa Jehovha.
23
Nenguva yamakatumwa naJehovha kuti mubve paKadheshi-bharinea, achiti, `Kwirai, mutore nyika, yandakakupai, ive yenyu,' makamukira murayiro waJehovha Mwari wenyu, mukasamutenda, nokusateerera inzwi rake.
24
Makaramba muchimukira Jehovha kubva pazuva randakatanga kukuzivai.
25
"Zvino ndikawira pasi pamberi paJehovha mazuva ana makumi mana nousiku huna makumi mana, ndiyo nguva yandakawira pasi; nokuti Jehovha wakati, `Ndichakuparadzai.'
26
Zvino ndikanyengetera kuna Jehovha, ndikati, `Haiwa, Jehovha Mwari, musaparadza henyu vanhu venyu nenhaka yenyu, vamakadzikunura noukuru bwenyu, vamakabudisa paIjipiti neruoko rune simba.
27
Rangarirai varanda venyu, Abhurahamu, naIsaka, naJakobho; musatarira kusindimara kwavanhu ava, kana kuipa kwavo, kana zvivi zvavo;
28
kuti nyika kwamakatibudisa,' irege kuzoti, `Jehovha wakavabudisa akavaurayira murenje, nokuti wakanga asingagoni kuvapinza munyika yaakanga avapikira, uye nokuti wakanga achivavenga.
29
Kunyange zvakadaro rudzi rwenyu nenhaka yenyu, rwamakabudisa nesimba renyu guru, noruoko rwenyu rwakatambanudzwa.
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 10 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34