bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Deuteronomy 18
Deuteronomy 18
Shona 2009?
← Chapter 17
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 19 →
1
"Vaprista vaRevhi, norudzi rwose rwaRevhi, havafaniri kuva nomugove kana nhaka pamwechete naIsiraeri, vanofanira kudya zvipiriso zvaJehovha zvinopiswa nenhaka yake.
2
Havafaniri kuva nenhaka pakati pehama dzavo; Jehovha ndiye nhaka yavo, sezvaakataura kwavari.
3
"Zvino ndizvo zvinofanira kupiwa vaprista navanhu, naivo vanouya nechibayiro, kana iri nzombe kana gwai; vanofanira kupa muprista bandauko, neshayambiri, nesusu.
4
Zvitsva zvezviyo zvako, nezvewaini yako, nezvamafuta ako, nemvere dzokutanga dzamakwai ako, ndizvo zvaunofanira kuvapa.
5
Nokuti Jehovha Mwari wako wakamutsaura iye pakati pamarudzi ako ose, kuti amire achishumira nezita raJehovha, iye, navanakomana vake nokusingaperi.
6
"Zvino kana muRevhi akabva kune rimwe ramasuo ako muIsiraeri mose, kwaagere, akauya nomoyo wake kunzvimbo ichatsaurwa naJehovha,
7
iye anofanira kubata basa nezita raJehovha Mwari wake, sezvinoita hama dzake dzose vaRevhi dzinomirapo pamberi paJehovha.
8
Vanofanira kupiwa migove yakaenzana yezvokudya, kunze kwezvaakawana pakutengesa nhaka yamadzibaba ake.Havafaniri kutevera tsika dzavahedheni
9
"Zvino kana wasvika munyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako, usadzidza kutevera zvinonyangadza zvendudzi idzo.
10
Pakati pako hapafaniri kuwanikwa munhu unopinza mwanakomana wake kana mwanasikana wake mumoto, kana unouka, kana unotenda mashura, kana unoita mazango, kana muroyi,
11
kana n'anga, kana unobvunza masvikiro, kana muuki, kana unobvunza vakafa.
12
Nokuti vose vanoita zvinhu izvi vanonyangadza Jehovha; nokuda kwezvinonyangadza izvi Jehovha Mwari wako unovadzinga pamberi pako.
13
Unofanira kuva wakarurama pamberi paJehovha Mwari wako.
14
"Nokuti ndudzi idzi dzamunopiwa dzive dzenyu, dzinoteerera vanotenda mashura navanouka; asi iwe Jehovha Mwari wako haana kukutendera kuita izvozvo.
15
Jehovha Mwari wako uchakumutsira muporofita, unobva pakati pako, pahama dzako, wakafanana neni; unofanira kumuteerera iye;
16
sezvawakakumbira kuna Jehovha Mwari wako paHorebhu nomusi weungano, uchiti, "Ndirege hangu kuzonzwazve inzwi raJehovha Mwari wangu, uye ndirege hangu kuzoonazve moto uyu mukuru, ndirege kufa.'
17
Jehovha akati kwandiri, `Zvose zvavakareva, vakataura havo zvakanaka.
18
Ndichavamutsira muporofita, unobva pakati pehama dzavo, wakafanana newe; ndichaisa mashoko angu mumuromo make, iye uchavaudza zvose zvandinomuraira.
19
Zvino munhu upi noupi usingatereri mashoko angu, aachataura muzita rangu, ndichamubvunza pamusoro paizvozvo.
20
Asi muporofita unotaura shoko muzita rangu achizvikudza, riri shoko randisina kumuraira kuti aritaure, kana zvimwe unotaura muzita ravamwe vamwari, muporofita uyo anofanira kufa.'
21
"Zvino kana iwe ukati mumoyo mako, `Ko tichaziva seiko shoko risina kutaurwa naJehovha?'
22
Kana muporofita achinge ataura muzita raJehovha, chinhu icho chikasaitika, chikasavapo, ndicho chinhu chisina kutaurwa naJehovha; muporofita wakaritaura achizvikudza, haufaniri kumutya.
← Chapter 17
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 19 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34