bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Isaiah 14
Isaiah 14
Shona 2009?
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 53
Chapter 54
Chapter 55
Chapter 56
Chapter 57
Chapter 58
Chapter 59
Chapter 60
Chapter 61
Chapter 62
Chapter 63
Chapter 64
Chapter 65
Chapter 66
Chapter 15 →
1
Nokuti Jehovha achanzwira Jakobho tsitsi, achasanangura Isaraeri nokuvagadza munyika yavo; mutorwa achandogara navo, vachanamatira imba yaJakobho.
2
Marudzi achavatora, nokuvaisa kunzvimbo yavo; imba yavaIsiraeri ichavabata panyika yaJehovha vave varanda navashandiri vavo; vachatapa ivo vaiva vatapi vavo, vachabata ivo vaivamanikidza.
3
Zvino nezuva iro kana Jehovha achikuzorodza pakuchema kwako napakutambudzika kwako, napakubata kwako kunorema kwawakabatiswa nako,
4
uchaimba rwiyo urwu pamusoro pamambo weBhabhironi, uchiti, "Haiwa mumanikidzi wapera sei! Kutambudzika kwapera sei!
5
Jehovha avhuna mudonzvo wowakaipa, netsvimbo youshe yavabati.
6
"Iye airova marudzi avanhu nehasha nokurova kusingaperi, aibata ndudzi dzavanhu nokutambudza kusina kudzorwa nomunhu.
7
Nyika yose yozorora, yanyarara; vanofara nokuimba.
8
Zvirokwazvo miti yemisipiresi inofara nokuda kwako, nemisidhari yeRebhanoni, ichiti, `Chinguva chawaparadzwa, hapano mutemi anokwira kutitema.'
9
"Sheori pasi rine nyongano pamusoro pako kuzosangana newe pakuuya kwako; rinokumutsira vakafa, ivo vose vaiva vakuru panyika; ramutsa madzimambo ose amarudzi avanhu pazvigaro zvavo zvoushe.
10
Ivo vose vachapindura, vachiti kwauri, `Newe wava usina simba sesu kanhi? Iwe wafanana nesu kanhi?'
11
"Kuzvikudza kwako kwaderedzwa kusvikira paSheori, nokurira koudimbwa hwako; honye dziri pasi pako, nehonye dzinokufukidza.
12
"Haiwa, wawa seiko uchibva kudenga, iwe nyamasase, iwe mwanakomana wamambakwedza! Wakandwa seiko pasi, iwe wokuwisira marudzi pasi!
13
Iwe wakati mumoyo mako, `Ndichakwira kudenga, ndichakwiridza chigaro changu choushe kumusoro kwenyeredzi dzaMwari; ndichagara pamusoro pegomo reungano, pamigumo yamativi okumusoro;
14
ndichakwira kumusoro kwamakore, ndichazvienzanisa noWokumusoro-soro.'
15
Kunyange zvakadaro uchaderedzwa kusvikira paSheori, kusvikira pakadzika pegomba.
16
"Vanokuona vachakucherekedza, vachakutarira, vachiti, `Ko uyu ndiye munhu aidederesa nyika, aizunungusa ushe;
17
aishandura nyika ifanane nerenje, aiparadza maguta ayo, airamba kusunungura vasungwa vake vaende kumusha here?'
18
"Madzimambo ose amarudzi, iwo ose, anovata achikudzwa, mumwe nomumwe paimba yake.
19
Asi iwe waraswa kure nobwiro hwako, sedavi rinonyangadza, wafukidzwa navakaurawa, vakabayiwa nomunondo, vanoburukira kumabwe egomba, somutumbi watsikwa netsoka.
20
Haungavigwi pamwechete navo, nokuti wakaparadza nyika yako, vakauraya vanhu vako; vana vavakaipa havangarehwi nokusingaperi.
21
Gadzirirai vana vake pavangaurawa nokuda kokushata kwamadzibaba avo; varege kuzomuka, vagare nhaka yenyika, vazadze pasi pose namaguta."
22
Zvanzi naJehovha wehondo, "Ndichavamukira, ndichatorera Bhabhironi zita navakasara, navana, navana vavana, ndizvo zvinotaura Jehovha.
23
Ndichariita nzvimbo inogarwa nenungu, uye madziva emvura; ndicharitsvaira nomutsvairo wokuparadza, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo."
24
Jehovha wehondo akapika, achiti, "Zvirokwazvo, sezvandakafunga, ndizvo zvichaitika; sezvandakarangarira, zvichamira saizvozvo.
25
Kuti ndichavhuna muAsiria munyika yangu, ndichamutsika netsoka dzangu pamakomo angu; nenguva iyo joko rake richabva kwavari, nomutoro wake uchabva pamafudzi avo."
26
Ndicho chirevo chakatemerwa nyika yose; ndirwo ruoko rwakatambanudzwa pamusoro pamarudzi ose.
27
Nokuti Jehovha wehondo wakatema chirevo, ndiani angapindurazve? Ruoko rwake rwakatambanudzwa, ndiani angarudzosa.
28
Negore rokufa kwamambo Ahazi chirevo ichi chakarehwa,
29
"Iwe nyika yeFirisitia, iwe nyika yose, usafara zvako nokuti shamhu yakanga yakurova yavhunika; nokuti pamudzi wenyoka pachabuda mvumbi, chibereko chayo chichava nyoka yomoto inoburuka.
30
Matangwe avarombo achadya, navanoshayiwa vachavata pasi vakafara; ndichauraya mudzi wako nenzara, vakasara vako vachaurawa.
31
"Chema, iwe suo; danidzira, iwe guta; wanyauka, iwe nyika yeFirisitia, iwe nyika yose; nokuti kurutivi rwokumusoro kunobva utsi, hapana anotiza pahondo dzake."
32
Zvino nhume dzorudzi urwu vachadzipindurei? Kuti, "Jehovha akavamba Ziyoni, vanotambudzika navanhu vake vachavandiramo."
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 53
Chapter 54
Chapter 55
Chapter 56
Chapter 57
Chapter 58
Chapter 59
Chapter 60
Chapter 61
Chapter 62
Chapter 63
Chapter 64
Chapter 65
Chapter 66
Chapter 15 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52
53
54
55
56
57
58
59
60
61
62
63
64
65
66