bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Isaiah 5
Isaiah 5
Shona 2009?
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 53
Chapter 54
Chapter 55
Chapter 56
Chapter 57
Chapter 58
Chapter 59
Chapter 60
Chapter 61
Chapter 62
Chapter 63
Chapter 64
Chapter 65
Chapter 66
Chapter 6 →
1
Ngandiimbire mudiwa wangu rwiyo rwomudiwa wangu pamusoro pomunda wake wemizambiringa. Mudiwa wangu waiva nomunda wemizambiringa pachikomo chakaorera;
2
akautimba, akabvisa mabwe awo ose, akasimamo mizambiringa yakaisvonaka, akavaka shongwe mukati mawo, ndokucherawo chisviniro mukati mawo; zvino akatarira kuti ubereke mazambiringa, asi wakabereka mazambiringa ebundo.
3
Zvino imwi mugere Jerusaremu navarume vaJudha, ndinokumbira kuti motonge pakati pangu nomunda wangu wemizambiringa.
4
Chinyiko chaifanira kuitirwa munda wangu wemizambiringa chandisina kuuitira? Zvino ndichitarira kuti uchabereka mazambiringa, wakagoberekerei mazambiringa ebundo?
5
Zvino ndichakuudzai zvandichaitira munda wangu wemizambiringa, Ndichabvisa ruzhowa rwawo, udyiwe; ndichaputsa rusvingo rwawo, utsikwe;
6
ndichauparadza; haungarangurwi, kana kurimwa; asi uchamera mhinzwa norukato; ndicharayira makore, kuti arege kunayisa mvura pamusoro pawo.
7
Nokuti munda wemizambiringa waJehovha wehondo ndiyo imba yaIsiraeri, varume vaJudha muti wake unomufadza; zvino akatsvaka kwavari kururamisira, asi tarira, akawana kumanikidza, akatsvaka kururama, asi tarira, akawana kuchema.
8
Vane nhamo vanowedzera dzimba nedzimba, vanobatanidza minda neminda, kusvikira pasina nzvimbo, kusvikira imwi mogara muri moga panyika.
9
Jehovha wehondo anotaura munzeve dzangu, achiti, "Zvirokwazvo, dzimba zhinji dzichava matongo, dzimba huru nedzakanaka dzichashayiwa vanogaramo.
10
Nokuti maeka ane gumi emizambiringa achabereka bati rimwechete, nehomeri rembeu richabereka efa imwechete."
11
Vane nhamo vanomuka mangwanani kundotsvaka doro rinobata, vanoswerera kusvikira usiku, kusvikira vapengeswa naro.
12
Rudimbwa, nembira, nengoma, nenyere, newaini zviripo pamitambo yavo; asi havana hanya nebasa raJehovha, havarangariri zvakaitwa namaoko ake.
13
Saka vanhu vangu vakatapwa nokushayiwa zivo; vakakudzwa pakati pavo vanoziya nenzara, vazhinji vavo vanofa nenyota.
14
Saka Sheori rakawedzera kukara kwaro nokushamisa muromo waro zvikuru; vakakudzwa vavo, navazhinji vavo, navanozvikudza vavo, nowanofara pakati pavo, vanoburukiramo.
15
Vanhu vaduku vakakotamiswa, navakuru vakaninipiswa, nameso avanozvikudza akaninipiswa.
16
Asi Jehovha wehondo achakudzwa pakutonga kwakarurama, naMwari iye Mutsvene achaonekwa ari mutsvene nokururama kwake.
17
Ipapo makwayana achafura saanenge ari pamafuro, awo vanodzungaira vachadya makura avafumi.
18
Vane nhamo vanokweva zvakaipa nerwodzi rwenhema, nezvivi sezvinenge namabote engoro;
19
vanoti, "Ngaakurumidze, ngaachimbidzike nebasa rake, kuti tizvione; zvakafungwa noMutsvene wavaIsiraeri ngazviswedere, kuti tizvizive."
20
Vane nhamo vanoti zvakaipa ndizvo zvakanaka, uye zvakanaka kuti ndizvo zvakaipa, vanoisa rima panzvimbo yechiedza, nechiedza panzvimbo yerima; vanoisa zvinovava panzvimbo yezvinotapira, nezvinotapira panzvimbo yezvinovava.
21
Vane nhamo vanozviti takachenjera, vanoti pakufunga kwavo tine njere.
22
Vane nhamo vakaita mhare pakumwa waini, navarume vane simba pakuvhenganisa zvinobata;
23
vanoti akaipa haane mhosva nokuda kwefufuro, vanotorera wakarurama kururama kwake.
24
Naizvozvo murazvo womoto sezvaunopedza hundi uye uswa hwakawoma sezvahunongoperera mumurazvo, saizvozvo mudzi wavo uchaora, ruva ravo richatorwa kumusoro seguruva; nokuti vakaramba murayiro waJehovha wehondo, nokushora shoko roMutsvene waIsiraeri.
25
Saka kutsamwa kwaJehovha kwakamukira vanhu vake, akatambanudza ruoko rwake kwavari, akavarova; makomo anodedera, mitumbi yavo yafanana namarara pakati penzira dzomumusha. Kunyange zvakadaro, kutsamwa kwake hakuna kudzorwa, asi ruoko rwake rwakaramba rwakatambanudzwa nazvino.
26
Achasimudzira marudzi anobva kure mureza, nokuvaridzira muridzo ivo vari kumigumo yenyika; tarirai, vachakurumidza kuuya vachichimbidzika.
27
Hapana achaneta kana kugumburwa pakati pavo; hakuna achakotsira kana kuvata; bhanhire rezviuno zvavo haringasunungurwi, rukanda rweshangu dzavo harungadambuki.
28
Miseve yavo inopinza, uta hwavo hwose hwakakungwa; mazondo amabhiza avo achaita somusara, namavhiri engoro dzavo sechamupupuri;
29
kuomba kwavo kuchaita sokwehadzi yeshumba, vachavomba savana veshumba; zvirokwazvo vachavomba, vachabata mhuka yavo, ndokuenda nayo, hapana angairwira.
30
Nezuva iro vachavaombera sokutinhira kwegungwa; kana munhu akatarira nyika, achaona rima nokutambudzika; chiedza chichasvibiswa namakore ayo.
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 53
Chapter 54
Chapter 55
Chapter 56
Chapter 57
Chapter 58
Chapter 59
Chapter 60
Chapter 61
Chapter 62
Chapter 63
Chapter 64
Chapter 65
Chapter 66
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52
53
54
55
56
57
58
59
60
61
62
63
64
65
66