bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Isaiah 44
Isaiah 44
Shona 2009?
← Chapter 43
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 53
Chapter 54
Chapter 55
Chapter 56
Chapter 57
Chapter 58
Chapter 59
Chapter 60
Chapter 61
Chapter 62
Chapter 63
Chapter 64
Chapter 65
Chapter 66
Chapter 45 →
1
"Asi zvino chinzwa, iwe Jakobho, muranda wangu, naIsiraeri wandakasanangura,
2
zvanzi naJehovha, akakuita, akakuumba kubvira pachizvaro, achakubatsira, `Usatya hako, iwe Jakobho, muranda wangu, newe Jeshuruni, wandakasanangura.
3
Nokuti ndichadira mvura pamusoro penyika ine nyota, nenzizi pamusoro pevhu rakaoma; ndichadira Mweya wangu pamusoro porudzi rwako, nokuropafadza kwangu pamusoro pavana vako;
4
vachamera pakati pouswa, semikonachando pamvura inoyerera.'
5
"Mumwe achati, `Ndiri waJehovha,' mumwezve achazvitumidza nezita raJakobho, mumwezve achanyora noruoko rwake, achiti, `Ndiri waJehovha, nokutora zita raIsiraeri.' "
6
Zvanzi naJehovha, Mwari wavaIsiraeri, noMudzikunuri wavo, Jehovha wehondo, "Ndini wokutanga nowokupedzisira; kunze kwangu hakuna Mwari.
7
Ndianiko angadana seni, nokuzviparidza, nokuzvigadzirira izvo, kubva panguva yandakagadza vanhu vakare-kare? Zvinhu zvinouya, nezvinozoitika, ngavazviparidze izvo.
8
Musatya henyu, musavhunduka; handina kukuparidzirai izvozvo kare, nokukuratidzai here? imwi muri zvapupu zvangu. Kunomumwe Mwari kunze kwangu here? Zvirokwazvo, hakune rimwe dombo, ini handirizivi."
9
Vose vanoita mifananidzo yakavezwa havana maturo, zvinhu zvavanofarira hazvibatsiri; zvapupu zvavo hazvioni uye hazvizivi, kuti vanyadziswe.
10
Ndianiko akaita mwari, kana mufananidzo wakaumbwa, zvisingabatsiri chinhu?
11
Tarirai, vose vanomunamatira vachanyadziswa; vakazviita, vanhu havo, ngavaunganidzwe pamwechete, ngavasimuke; vachatya, vachanyadziswa pamwechete.
12
Mupfuri anopfura sanhu, anobata namazimbe, nokuriita nenyundo, nokuripfura noruoko rune simba; zvirokwazvo ane nzara, simba rake rinopera, haamwi mvura, ndokuziya.
13
Muvezi anotambanudza rwonzi, anotara mufananidzo nepenzura,anounatsa nembezo, unoutara nechienzaniso, ndokuuveza zvakafanana nomunhu, zvakaenzana nomunhu akanaka, kuti ugare mumba.
14
Zvino anozvitemera misidhari, ndokutora misipiresi nemiouki, achizvisanangurira mumwe pakati pemiti yomudondo; anosima mupaini, mvura inonaya ndokuukurisa.
15
Zvino dzava huni dzomunhu, anotora dzimwe ndokudziya nadzo; zvirokwazvo, anobatidza moto nadzo, ndokubika chingwa; zvirokwazvo, anoveza mwari, ndokumunamata; anoita mufanananidzo wakavezwa, ndokuupfugamira.
16
Rumwe rutivi rwawo anopisa nomoto, norumwe rutivi anogocha nyama, anoidya nyama, nokuguta zvirokwazvo, anozvidziyisa, ndokuti, "Haiwa, ndadziya, ndaona moto."
17
Nezvakasara anoita mwari, iwo mufananidzo wake wakavezwa; anoupfugamira, nokuunamata, nokunyengetera kwauri, achiti, "Ndirwirei, nokuti ndimi mwari wangu."
18
Havazivi, uye havarangariri, nokuti wakanamira meso avo, kuti varege kuona, nemoyo yavo, kuti varege kunzwisisa.
19
Hakuna anorangarira, hakuna ruzivo kana njere dzinoti, "Ndapisa rumwe rutivi rwawo mumoto, zvirokwazvo, ndabika chingwa pamazimbe awo; ndagocha nyama ndikaidya; zvino ndingaita chinonyangadza nezvakasara zvawo here? Ndingapfugamira danda romuti here?"
20
Anozvigutisa namadota; moyo wakanyengerwa wamutsausa, haagoni kusunungura moyo wake, kana kuti, "Hakuna nhema muruoko rwangu rworudyi here?"
21
Funga zvinhu izvi, iwe Jakobho, naIsiraeri, nokuti ndiwe muranda wangu; ndakakuumba, uri muranda wangu; haiwa Isiraeri, haungakanganikwi neni.
22
Ndakadzima kudarika kwako, segore gobvu, nezvivi zvako segore; dzokera kwandiri, nokuti ndakakudzikunura.
23
Imba, iwe denga rose, nokuti Jehovha akaita izvozvo; danidzirai, mativi ezasi enyika; imbai zvikuru imwi makomo, iwe dondo, nomuti mumwe nomumwe urimo; nokuti Jehovha akadzikunura Jakobho, achazvirumbidza muna Isiraeri.
24
Zvanzi naJehovha, Mudzikunuri wako, akakuumba kubva pachizvaro, "Ndini Jehovha, anoita zvinhu zvose, anotatamura denga rose iye oga, anotambanudza nyika (ndiani waiva neni?)
25
Iye anoparadza zviratidzo zvavane nhema, anopengesa vauki, anodzosa vachenjeri, achishandura zivo yavo uye upenzi.
26
"Iye anosimbisa shoko romuranda wake, anoita zvakarayirirwa nenhume dzake; iye anoti pamusoro peJerusaremu, `Richagarwa navanhu,' napamusoro pamaguta aJudha, `Achavakwa, ini ndichamutsa matongo awo;'
27
iye anoti kumvura yakadzika, `Chipwa, uye ndichapwisa nzizi dzako,'
28
iye anoti pamusoro paKoreshi, `Ndiye mufudzi wangu, achaita zvose zvinondifadza,' kana achiti pamusoro peJerusaremu `Richavakwa,' uye pamusoro petemberi, `Nheyo dzako dzichateyiwa.'
← Chapter 43
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 53
Chapter 54
Chapter 55
Chapter 56
Chapter 57
Chapter 58
Chapter 59
Chapter 60
Chapter 61
Chapter 62
Chapter 63
Chapter 64
Chapter 65
Chapter 66
Chapter 45 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52
53
54
55
56
57
58
59
60
61
62
63
64
65
66