bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Isaiah 37
Isaiah 37
Shona 2009?
← Chapter 36
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 53
Chapter 54
Chapter 55
Chapter 56
Chapter 57
Chapter 58
Chapter 59
Chapter 60
Chapter 61
Chapter 62
Chapter 63
Chapter 64
Chapter 65
Chapter 66
Chapter 38 →
1
Zvino mambo Hezekia akati achizvinzwa, akabvarura nguvo dzake, akafuka makudza, akapinda mumba maJehovha.
2
Akatuma Eriakimu aichengeta imba, naShebhina munyori, navakuru vavaprista, vakafuka makudza, kumuporofita Isaya mwanakomana waAmozi.
3
Vakati kwaari, "Zvanzi naHezekia, `Nhasi izuva rokutambudzika, nerokutukwa, nerokuzvidzwa; nokuti vana vakasvika pakuzvarwa, asi hakuna simba rokuzvara naro.
4
Zvimwe Mwari wenyu achanzwa mashoko ose omukuru wavatariri, akatumwa namambo weAsiria tenzi wake, kuzvidza Mwari mupenyu, agovatuka pamusoro pamashoko aakanzwa iye Jehovha Mwari wenyu; naizvozvo nyengetererai vakasara.' "
5
Naizvozvo varanda vamambo Hezekia vakasvika kuna Isaya.
6
Isaya akati kwavari, "Udzai tenzi wenyu, muti, zvanzi naJehovha, `Usatya hako mashoko awanzwa, andakamhurwa nawo navaranda vamambo weAsiria.
7
Tarira, ndichaisa mweya wokutya mukati make, achanzwa guhu, ndokudzokera kunyika yake; ndichamuurayisa nomunondo munyika yake.' "
8
Naizvozvo mukuru wavatariri akadzoka, akawana mambo weAsiria achirwa neRibhina, nokuti akanga anzwa kuti wabva Rakishi.
9
Zvino akanzwa pamusoro paTirihaka mambo weltiopia, zvichinzi, "Auya kuzorwa newe." Zvino akati azvinzwa, akatuma nhume kuna Hezekia, achiti,
10
"Endai mundoudza Hezekia mambo waJudha, muti, `Mwari wako, waunovimba naye, ngaarege kukunyengera,' achiti, `Jerusaremu haringapiwi muruoko rwamambo weAsiria.'
11
Tarira, wakanzwa zvakaitirwa nyika dzose namadzimambo eAsiria, kuti vakadziparadza chose; zvino iwe ucharwirwa here?
12
Ko vamwari vamamwe marudzi vakavarwira here, iwo akaparadzwa namadzibaba angu, vanoti, Gozani, naHarani, naRezefi, navana vaEdheni, vaiva paTerasari?
13
Mambo weHamati ariko, namambo weAripadhi, namambo weguta reSafarivhaimi, neHena, neIvha?"
14
Hezekia akagamuchira tsamba pamaoko enhume, akairava; Hezekia akakwira kumba kwaJehovha, akaipetenura pamberi paJehovha.
15
Ipapo Hezekia akanyengetera kuna Jehovha, achiti,
16
"Haiwa Jehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, iye ugere pamusoro pamakerubhimi! Ndimi Mwari, imwi moga, woushe hwose bwenyika, ndimi makaita kudenga napasi.
17
Rerekerai nzeve yenyu, Jehovha, munzwe; svinudzai meso enyu, Jehovha, muone; inzwai mashoko ose aSaniheribhi, akatuma nhume kuzozvidza Mwari mupenyu.
18
Zvirokwazvo, Jehovha, madzimambo eAsiria akaparadza marudzi ose nenyika dzawo,
19
akakandira vamwari vavo mumoto; nokuti vakanga vasi vamwari, asi rakanga riri basa ramaoko avanhu, ari matanda namabwe; naizvozvo akavaparadza.
20
Naizvozvo zvino, Jehovha, Mwari wedu, tiponesei paruoko rwake, kuti ushe hwose bwenyika huzive kuti ndimi Jehovha, iyemi moga."
21
Ipapo Isaya mwanakomana waAmozi, akatuma shoko kuna Hezekia, akati, "Zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri, `Zvawanyengetera kwandiri pamusoro paSaniheribhi mambo weAsiria,'
22
heri shoko rakataurwa naJehovha, pamusoro pake, `Mhandara, mukunda weZiyoni, wakakushora nokukuseka; mukunda weJerusaremu wakakudzungudzira musoro wake.'
23
Ndianiko wawakatuka nokuzvidza? Wakazvikudza kuna aniko nenzwi rako, meso ako akatarira aniko kudenga? NdiMutsvene waIsiraeri!
24
"Watuka Jehovha navaranda vako, ukati, `Ndakwira kumakomo marefu nengoro dzangu zhinji, kunzvimbo dzomukati dzeRebhanoni; ndichatema misidhari mirefu iripo, nemisiperesi yakatsaurwa iripo, ndichipa kusvikira kumusoro-soro kwaro, kudondo raro rinobereka zvakanaka;
25
ndakachera ndikamwa mvura, ndichapwisa nzizi dzose dzeIjipiti nokutsika netsoka dzangu.'
26
"Hauna kunzwa here kuti ndakazviita kare, kuti ndakazvirayira nenguva dzokutanga-tanga? Zvino ndakarayira zviitike, kuti iwe uve muparadzi wamaguta akakombwa namasvingo, ave matongo.
27
Naizvizvo vakanga vageremo vakanga vane simba duku, vakavhundutswa nokunyadziswa; vakafanana nouswa bwebundo, nomuriwo mutema, nouswa huri pamusoro peimba, nomunda wezviyo zvigere kukura.
28
"Asi ndinoziva kugara kwako pasi, nokubuda kwako, nokupinda kwako, uye hasha dzako kwandiri.
29
Nokuda kwehasha dzako kwandiri, uye nokuti ndakanzwa, kuzvikudza kwako, ndichaisa rwauro rwangu mumhino dzako, netomu rangu mumiromo yako, ndikudzosere nenzira yawakauya nayo.
30
"Ichi ndicho chichava chiratidzo kwauri: nhaka muchadya zvinongomera zvoga, negore rechipiri muchadya zvinomerazve kwazviri; asi negore rechitatu munofanira kudzvara, nokukohwa, nokusima minda yemizambiringa, mudye michero yayo.
31
Zvino vakasara vakapukunyuka veimba yaJudha, vachaitazve midzi pasi, nokubereka michero kumusoro.
32
Nokuti vakasara vachabuda Jerusaremu, navakapukunyuka pagomo reZiyoni; kushingaira kwaJehovha kuchazviita.
33
"Naizvozvo zvanzi naJehovha pamusoro pamambo weAsiria, `Haangapindi muguta rino, kana kuposhera museve imomo, kana kusvika pamberi paro nenhovo, kana kututira gomo revhu kwariri.'
34
Zvanzi naJehovha, `Nenzira yaakauya nayo, achadzokerazve nayo; haangapindi muguta rino.
35
Nokuti ndichadzivirira guta rino, ndiriponese nokuda kwangu ini, uye nokuda komuranda wangu Dhavhidhi.'
36
"Zvino mutumwa waJehovha akabuda, akauraya vanhu vane zviuru zvine zana namakumi masere nezvishanu pamisasa yavaAsiria; zvino vanhu vakati vachimuka mangwanani, vakawana zvava zvitunha zvose.
37
Naizvozvo Saniheribhi mambo weAsiria akabva, akaenda, akadzokera kwakare, akandogara Ninivhe.
38
Zvino akati achinamata mumba maNisiroki, mwari wake, Adhiramereki naSharezeri vanakomana vake, vakamuuraya nomunondo, ivo vakatizira kunyika yeArarati. Esarihadhoni akamutevera paushe."
← Chapter 36
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 53
Chapter 54
Chapter 55
Chapter 56
Chapter 57
Chapter 58
Chapter 59
Chapter 60
Chapter 61
Chapter 62
Chapter 63
Chapter 64
Chapter 65
Chapter 66
Chapter 38 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52
53
54
55
56
57
58
59
60
61
62
63
64
65
66