bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Isaiah 42
Isaiah 42
Shona 2009?
← Chapter 41
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 53
Chapter 54
Chapter 55
Chapter 56
Chapter 57
Chapter 58
Chapter 59
Chapter 60
Chapter 61
Chapter 62
Chapter 63
Chapter 64
Chapter 65
Chapter 66
Chapter 43 →
1
Tarirai muranda wangu wandinotsigira, musanangurwa wangu anofadza mweya wangu. Ndakaisa Mweya wangu pamusoro pake, achavigira marudzi kururamisirwa.
2
Haangadani, kana kudanidzira nenzwi rake, kana kunzwisa inzwi rake panzira dzomumusha.
3
Rutsanga rwakapwanyika haangaruvhuni, nomwenje unopfungaira haangaudzimi; achavigira vanhu kururamisirwa muchokwadi.
4
lye haangapfungairi kana kupwanyiwa, kusvikira agadza kururama panyika; zvivi zvichamirira murayiro wake.
5
Zvanzi naMwari iye akasika denga rose, akaritatamura, iye akatambanudza nyika nezvinobvamo, iye anopa vanhu varimo kufema, navanofambapo mweya wavo,
6
"Ini Jehovha ndakudana nokururama, ndichabata ruoko rwako, ndichakuchengeta, ndikuite sungano yavanhu, uye chiedza chamarudzi;
7
usvinudze meso asingaoni, ubudise vasungwa patirongo, navagere murima paimba yokusungwa.
8
Ndini Jehovha, ndiro zita rangu; kukudzwa kwangu handingakupi mumwe, kana kurumbidzwa kwangu kumifananidzo yakavezwa.
9
Tarirai, zvinhu zvakare zvaitika, ndinoparidza zvinhu zvitsva; ndinokuudzai izvozvo zvisati zvabukira."
10
Imbirai Jehovha rwiyo rutsva, murumbidzei kubvira pamigumo yenyika; imi, munoburukira kugungwa, nezvose zviri mukati maro, zviwi navagere pazviri.
11
Renje namaguta aro ngazvidanidzire, nemisha inogarwa naKedhari; vagere mumatombo ngavaimbe, ngavadanidzire vari pamusoro pamakomo.
12
Ngavakudze Jehovha, vaparidzire zviwi kurumbidzwa kwake.
13
Jehovha achabuda semhare, achamutsa kushingaira somunhu wokurwa; achadana, zvirokwazvo, achadanidzira, acharwa navavengi vake nesimba.
14
Ndakanyarara nguva refu, ndakaramba ndinyerere, ndikazvidzora; zvino ndichachema somukadzi ari kusununguka, ndichafemedzeka nokutakwaira pamwechete.
15
Ndichaparadza makomo nezvikomo, nokuomesa zvose zvinomerapo; nzizi ndichadziita zviwi, namadziva ndichaapisa.
16
Mapofu ndichaafambisa nenzira yaasingazivi, pamakwara aasingazivi ndichaatungamirira; rima ndichariita chiedza pamberi pavo, nezvakakombama ndichazviruramisa. Zvinhu izvi ndichazviita, handingavasiyi.
17
Vanovimba nemifananidzo yakavezwa, vanoti kumifananidzo yakaumbwa, "Imi muri vamwari vedu," ivo vadzoserwa shure, vachanyadziswa kwazvo.
18
Inzwai, imwi matsi; tarirai, imwi mapofu, muone.
19
Ndianiko bofu, haazi iye muranda wangu here? Ndiani matsi, senhume yangu yandinotuma?
20
Anoona zvinhu zvizhinji, asi haacherekedzi; nzeve dzake dzakadziuka, asi haanzwi.
21
Zvakafadza Jehovha, nokuda kokururama kwake, kukudza murayiro nokuurumbidza
22
Asi ava ndavanhu vakatorerwa nokupambarwa; vose vakateyiwa mumakomba, vakavanzwa mudzimba dzokusungwa, vava chinhu chakatapwa, hakuna anovarwira, chinhu chakapambwa, hakuna anoti, "Dzosa!"
23
Ndianiko pakati penyu acharerekera nzeve dzake kune chinhu ichi? Achateerera nokunzwa panguva inouya?
24
Ndianiko akarega Jakobho apambwe, nalsiraeri awirwe namakororo? Haazi Jehovha here? Iye watakatadzira, wavakaramba kufamba nenzira dzake, wavakaramba kuteerera murayiro wake.
25
Naizvozvo akadurura pamusoro pake kutsamwa kwake kukuru, nesimba rokurwa; zvikamupisira kumativi ose, asingazvizivi; zvikamupisa, asi akanaga asine hanya nazvo.
← Chapter 41
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 53
Chapter 54
Chapter 55
Chapter 56
Chapter 57
Chapter 58
Chapter 59
Chapter 60
Chapter 61
Chapter 62
Chapter 63
Chapter 64
Chapter 65
Chapter 66
Chapter 43 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52
53
54
55
56
57
58
59
60
61
62
63
64
65
66