bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Zechariah 13
Zechariah 13
Shona 2009?
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 14 →
1
"Nezuva iro imba yaDhavhidhi. navagere Jerusaremu vachadziurirwa tsime, rokusuka zvivi netsvina.
2
Zvino nezuva iro," ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo, "Ndichabvisa mazita ezvifananidzo panyika, arege kuzorangarirwa; ndichabudisawo vaporofita nemweya yetsvina panyika."
3
Zvino kana ani naani achiporofita, baba vake namai vake, vakamubereka, vachati kwaari, "Haungararami, nokuti unoreva nhema nezita raJesu baba vake namai vake, vakamubereka, vachabvovora kana achiporofita.
4
Zvino nezuva iro vaporofita vachanyadziswa mumwe nomumwe nechaanoona, kana achiporofita, havangapfeki nguo yemvere vachiti tinonyengera vanhu;
5
asi achati, `Handizi muporofita, ndiri murimi wevhu; nokuti ndakaitwa muranda kubva pauduku hwangu.'
6
"Kana mumwe akati kwaari, `Ko mavanga awa ari pakati pezvanza zvako ndeeiko?' Ipapo achapindura, achiti, `Ndipo pandakakuvadzwa mumba meshamwari dzangu.' "
7
"Muka, iwe munondo, urwe nomufudzi wangu, uye munhu shamwari yangu, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo, rova mufudzi, makwai agoparadzirwa; ini ndichatambanudzira ruoko rwangu kuvaduku.
8
"Zvino munyika yose ndizvo zvinotaura Jehovha migove miviri ichaparadzwa ndokufa; asi wechitatu acharegwamo.
9
Mugove wechitatu ndichaupinza mumoto, ndichavanatsa sezvinonatswa sirivha, ndichavaidza sezvinoidzwa ndarama. Vachadana zita rangu, ini ndichavanzwa; ini ndichati, `Ndivo vanhu vangu,' ivo vachati, `Jehovha ndiMwari wangu.'
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 14 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14