bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Zechariah 3
Zechariah 3
Shona 2009?
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 4 →
1
Zvino wakandiratidza Joshua muprista mukuru, amire pamberi pomutumwa waJehovha, Satani amire paruoko rwake rworudyi, kuti ave mudzivisi wake.
2
Jehovha akati kuna Satani, "Jehovha ngaakutuke, iwe Satani; zvirokwazvo, Jehovha, wakazvisanangurira Jerusaremu, ngaakutuke; ko ichi hachizi chitsiga chakabvutwa pamoto here?"
3
Zvino Joshua akanga akafuka nguo dzine tsvina, amire pamberi pomutumwa.
4
Akapindura, akataura navakanga vamire pamberi pake, achiti, "Bvisai nguo dzake dzine tsvina." Akati kwaari, "Tarira, ndakabvisa zvakaipa zvako, ndichakupfekedza nguo dzomutambo."
5
Ini ndikati, "Ngavamudzike ngowani yakachena pamusoro wake." Ipapo vakamudzika ngowani yakachena pamusoro wake, vakamupfekedza nguvo; zvino mutumwa waJehovha akanga amirepo.
6
Mutumwa waJehovha akapupura kuna Joshua, achiti,
7
Zvanzi naJehovha wehondo, `Kana ukafamba nenzira dzangu, kana ukachengeta zvandakakuraira, ipapo uchatonga imba yangu, uye uchachengetawo mavazhe angu, ini ndichakupa mapindire pakati pavamire pano.
8
Zvino chinzwa iwe Joshua, muprista mukuru, iwe neshamwari dzako dzigere pamberi pako; nokuti varume ava chiratidzo; nokuti tarirai, ndichauyisa muranda wangu, davi.
9
Nokuti tarirai ibwe randakaisa pamberi paJoshua; pabwe rimwe pana meso manomwe; tarirai, ndichatema runyoro rwaro ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo ndichabvisa zvakaipa zvenyika iyo nezuva rimwe.
10
Nezuva iro ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo muchadana mumwe nomumwe wenyu shamwari yake agare pasi pomuzambiringa napasi pomuonde.' "
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14