bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Zechariah 6
Zechariah 6
Shona 2009?
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 7 →
1
Zvino ndakarinzira meso anguzve, ndikatarira, ndikaona ngoro ina dzichibuda pakati pamakomo maviri; makomo iwayo akanga ari makomo endarira.
2
Ngoro yokutanga yakanga inamabhiza matsvuku; ngoro yechipiri mabhiza matema;
3
ngoro yechitatu mabhiza machena, ' ngoro yechina mabhiza mapfumbu ane simba.
4
Ipapo ndakapindura, ndikati kumutumwa akanga achitaurirana neni, "Zvinyiko izvi, ishe wangu?"
5
Mutumwa akapindura, akati kwandiri, "Izvezvi ndidzo mhepo ina dzokudenga, dzinobuda padzakanga dzimire pamberi paShe wenyika yose."
6
Ngoro inamabhiza matema inobudira kunyika yokumusoro; machena akaatevera; namapfumbu akabudira kunyika yezasi.
7
Anesimba akabudawo, akatsvaka kuenda kuti apote-pote nenyika yose; ikati, "Ibvai pano, mupote-pote nenyika yose."
8
Ipapo akadanidzira kwandiri, akataura neni, achiti, "Tarira, vanoenda kunyika yokumusoro, vakanyaradza mweya wangu kunyika yokumusoro."
9
Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
10
"Tora vamwe kunavakatapwa, vanoti Heridhai, naTobhiya, naJedhaia; uuye nezuva irero upinde mumba maJosiya mwanakomana waZefaniya, kwavakasvika vachibva Babhironi;
11
utore kwavari sirivha nendarama, uite korona, uidzike pamusoro waJoshua mwanakomana waJehozadhaki, muprista mukukru;
12
utaure naye, uchiti, `Zvanzi naJehovha wehondo, tarira, murume ane zita rinonzi Davi; iye achakura panzvimbo yake, iye achavaka temberi yaJehovha;
13
ndiye achavaka temberi yaJehovha; iye achava noumambo, uye achagara pachigaro chake achibata ushe; achava muprista pachigaro chake choushe; rangano yorugare ichava pakati pavo ivo vaviri.
14
Korona dzichava dzaHeremi, naTobhiya, naJedhaia, naHeni mwanakomana waZefaniya, chive chiyeudzo mutemberi yaJehovha.'
15
"Vari kure vachauya vachivaka temberi yaJehovha; ipapo muchaziva kuti Jehovha wehondo ndiye akanditumira kwamuri. Izvezvi zvichaitika kana muchiteerera zvakanaka izwi raJehovha Mwari wenyu."
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 7 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14