bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Zechariah 8
Zechariah 8
Shona 2009?
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 9 →
1
Zvino shoko raJehovha wehondo rakasvika kwandiri, richiti,
2
"Zvanzi naJehovha wehondo, `Ndine godo pamusoro peZiyoni, godo guru, ndine godo pamusoro paro, dziri shungu kwadzo.'
3
"Zvanzi naJehovha, `Ndakadzokera paZiyoni, ndichagara pakati peJerusaremu; Jerusaremu richanzi guta rezvokwadi, uye gomo raJehovha richanzi gomo dzvene.'
4
"Zvanzi naJehovha wehondo, `Vatana navachembere vachagarazve munzira dzomuguta reJerusaremu, murume mumwe nomumwe ano mudonzvo wake nemhaka yokukwegura kwake.
5
Nzira dzomuguta dzichazara navakomana navasikana vanotamba munzira dzaro.'
6
"Zvanzi naJehovha wehondo, `Kana zvichishamisa pamberi pavanhu ava vakasara namazuva iwayo, ko zvingashamisa pamberi pangu here?' Ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
7
Zvanzi naJehovha wehondo, `Tarirai, ndichaponesa vanhu vangu kunyika yamabvazuva, nokunyika yamavirira;
8
ndichavauyisa, vagare pakati peJerusaremu; vachava vanhu vangu, neni ndichava Mwari wavo nezvokwadi nokururama.'
9
Zvanzi naJehovha wehondo, `Maoko enyu ngaasimbe, iyemi munonzwa mashoko awa mazuva ano pamiromo yavaporofita, vaivapo nezuva rakateyiwa nheyo dzeimba yaJehovha wehondo, iyo temberi, kuti ivakwe.
10
Nokuti mazuva iwayo asati asvika, kwakanga kusino mubayiro womunhu kana mubayiro wezvipfuwo; kwakanga kusino rugare kunowaibuda kana kune aipinda, nemhaka yomudzivisi, nokuti ndairwisanisa vanhu vose mumwe nomumwe nowokwake.
11
Asi zvino handichazovi kuna vanhu ava vakasara sapamazuva akare,' ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
12
Nokuti mbeu yorugare ichavapo; muzambiringa uchabereka zvibereko zvawo, nyika ichabereka zvayo, denga richabudisa dova raro; vanhu ava vakasara ndichavagarisa nhaka yezvinhu izvi zvose.
13
Zvino sezvamaiva chinhu chakatukwa pakati pendudzi dzavanhu, imwi imba yaJudha nemwi imba yaIsiraeri, saizvozvo ndichakuponesai, muve chinhu chinoropafadza. Regai kutya, asi maoko enyu asimbe."
14
Nokuti zvanzi naJehovha wehondo, "Sezvandakafunga kukuitirai zvakaipa, nguva yandakatsamwiswa namadzibaba enyu, ini ndikasazvidemba ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo;
15
saizvozvowo ndakafunga mazuva ano kuitira Jerusaremu zvakanaka uye neimba yaJudhawo; regai kutya.
16
Hezvi zvinhu zvamunofanira kuita: Mumwe nomumwe ngaareve zvokwadi kunowokwake; tongai nezvokwadi norugare mumasuo enyu;
17
kurege kuva nomumwe wenyu anofungira wokwake zvakaipa mumwoyo make; musada kupika kwenhema; nokuti zvinhu izvi zvose ndinozvivenga," ndizvo zvinotaura Jehovha.
18
Zvino shoko raJehovha wehondo rakasvika kwandiri, richiti,
19
"Zvanzi naJehovha wehondo, `Kutsanya nomwedzi wechina, nokutsanya nomwedzi wechishanu, nokutsanya nomwedzi wechinomwe, nokutsanya nomwedzi wegumi, zvinofanira kuva kuimba yaJudha mufaro nokufarisisa, nemitambo inomufaro; saka idai zvokwadi norugare.' "
20
Zvanzi naJehovha wehondo, "Ndudzi dzavanhu dzichauyazve, navagere mumaguta mazhinji;
21
vagere muguta rimwe vachaenda kune rimwe, vachiti, `Handei, tichimbidzike kundokumbira nyasha kuna Jehovha, tindotsvaka Jehovha wehondo; neni ndichaendawo.'
22
Zvirokwazvo, ndudzi zhinji dzavanhu namarudzi anesimba achauya kuzotsvaka Jehovha wehondo paJerusaremu, nokukumbira nyasha kuna Jehovha.
23
Zvanzi naJehovha wehondo, `Namazuva iwayo varume vane gumi pandimi dzose dzendudzi dzavanhu vachabata nguo yomunhu ari muJudha,' vachiti, `Tichaenda newe, nokuti takanzwa kuti Mwari anemi.' "
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 9 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14