bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Zechariah 9
Zechariah 9
Shona 2009?
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 10 →
1
Chirevo cheshoko raJehovha pamusoro penyika yeHadhiraki, uye paDhamasiko ndipo parichagara; nokuti ziso raJehovha rinotarira vanhu nendudzi dzose dzaIsiraeri;
2
uye Hamatiwo, rakabatana navo; uye Tire neSidhoni, nokuti vakachenjera kwazvo.
3
Tire rakazvivakira nhare, rikazviunganidzira sirivha seguruva, nendarama yakaisvonaka samatope ari munzira dzomumusha.
4
Tarirai, Jehovha acharikunda, achawisira simba raro mugungwa; richapedzwa nomoto.
5
Ashikeroni richazviona, ndokutya; uye Gazawo, rikarwadziwa zvikuru; uye Ekironi, nokuti richanyadziswa pane zvarakatarira; mambo achaparara paEkironi, Ashikeroni haringagarwi navanhu.
6
"Mwanakomana woupombwe achagara paAshidhodhi, uye ndichaparadza kuzvikudza kwavaFirisitia.
7
"Ndichabvisa ropa mumuromo make, nezvinonyangadza zvake zviri pakati pameno ake; iyewo achasarira Mwari wedu; achava somuchinda paJudha, uye Ekironi somuJebhusi.
8
Ndichakomberedza imba yangu nemisasa ndidzivirire hondo, kurege kuva nomunhu anopfuura napo kana kudzoka napo; hakungazovi nomumanikidzi anofamba napo; nokuti zvino ndazviona nameso angu."
9
Fara kwazvo, iwe mukunda weZioni; pururudza iwe mukunda weJerusaremu, tarira, mambo wako anouya kwauri; ndiye akarurama, ndiye anokunda; anozvininipisa, akatasva mbongoro, iyo mhuru mwana wembongoro.
10
"Ndichaparadza ngoro pakati paEfuremu, namabhiza paJerusaremu; uta hwokurwa huchaparadzwa; uchataurira ndudzi dzavanhu rugare; ushe hwake huchabva pagungwa kusvikira kumigumo yenyika."
11
"Kana uriwewo, nokuda kweropa resungano yako, ndakasunungura vasungwa vako mugomba risine mvura.
12
"Dzokerai kunhare imwi vasungwa vanetariro; ikonhasi ndinokuudzai kuti ndichakupai migove miviri.
13
Nokuti ndakazvikungira Judha souta, ndikaisamo Efuremu semiseve; ndichamutsa vanakomana vako, iwe Ziyoni, varwe navanakomana vako, iwe Girisi; ndichakuita somunondo wemhare."
14
Jehovha achaonekwa pamusoro pavo, museve wake uchabuda semheni; Ishe Jehovha acharidza hwamanda, achafamba nezvamupupuri zvinobva zasi.
15
Jehovha wehondo achavadzitira; vachaparadza, vachatsika pasi mabwe echipfuramabwe; vachamwa, vachiita ruzha savanhu vakabatwa newaini; vachazadzwa sembiya, samakona earitari.
16
Jehovha Mwari wavo achavaponesa nezuva iro seboka ravanhu vake;nokuti vachafanana namabwe ekorona, anovaima kumusoro kwenyika yake.
17
Nokuti kufara kwavo kuchava kukuru sei, nokunaka kwavo kuchava kukuru sei! Zviyo zvichakurisa majaya, waini itsva ichakurisa mhandara.
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 10 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14