bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Zechariah 4
Zechariah 4
Shona 2009?
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 5 →
1
Zvino mutumwa akanga achitaurirana neni akasvikazve, akandimutsa, somunhu anomutswa pahope dzake.
2
Akati kwandiri, "Unooneiko?" Ini ndikati, "Ndakatarira, ndikaona chigadziko chomwenje chendarama yose, chine hadyana yacho pamusoro pacho, nemwenje yacho minomwe iri pamusoro pacho; mwenje mumwe nomumwe uri pamusoro pacho une mbombi nomwe;
3
uye miti miviri yemiorivhi parutivi rwacho, mumwe kurutivi rworudyi rwehadyana, nomumwe kurutivi rworuboshwe."
4
Ndikapindura ndikataura nomutumwa akanga achitaurirana neni, ndichiti, "Izvi zvinyiko, ishe wangu?"
5
Ipapo mutumwa akanga achitaurirana neni, akapindura, akati, kwandiri, "Hauzivi here kuti izvi zvinyiko?" Ini ndikati, "Kwete, ishe wangu."
6
Ipapo akapindura, akataura neni, achiti, "Ndiro shoko raJehovha kuna Zerubhabheri, rinoti, `Hazviitwi nehondo kana nesimba, asi noMweya wangu,' ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
7
Ndiwe aniko, iwe gomo guru? Pamberi paZerubhabheri uchaitwa bani, iye achabudisa ibwe rokumusoro, achidanidzira achiti, `Nyasha, nyasha ngadzive kwariri.' "
8
Zvino shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti,
9
"Maoko aZerubhabheri akateya nheyo dzeimba ino, maoko ake achaipedzisawo; ipapo iwe uchaziva kuti Jehovha wehondo ndiye akandituma kwauri.
10
"Nokuti ndiani akashoora zuva rezvinhu zviduku? Nokuti achafara zvikuru, achaona rwonzi rwokuyera muruoko rwaZerubhabheri; awa ndiwo meso aJehovha anofamba pose-pose panyika yose.
11
"Ipapo ndakapindura, ndikati kwaari, `Ko miorivhi iyi miviri kurutivi rworudyi rwechigadziko nokurutivi rworuboshwe zvinoti kudiniko?' "
12
Ndikapindurazve rwechipiri, ndikati kwaari, "Ko matavi awa maviri emiorivhi ari kumativi emiromo miviri, inodira mafuta endarama pairi, anoti kudiniko?"
13
Akandipindura, akati, "Hauzivi here kuti izvi zvinyiko?" Ini ndikati, "Kwete, ishe wangu."
14
Zvino akati, "Ava ndivo vaviri vakazodzwa, vamire pamberi paShe wenyika yose."
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14