bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Micah 1
Micah 1
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 2 →
1
Shoko raJehova, rakaʋuya kunaMika weMoresheti namazuʋa aJotami naAhazi naHezekia, madzimambo aJuda, raakaʋona pamsoro peSamaria neJerusarema.
2
Inzwai imi marudzi aʋanhu, imi mose; terera iwe nyika, neɀose ɀiri’mo; Ishe Jehova ŋgaakupupurirei, iye Ishe ari mutembere yake tȿene.
3
Nokuti tarirai, Jehova unoɓuɗa panɀimbo yake, ucaɓuruka nokutsika panɀimbo dzakakwirira dzenyika.
4
Makomo acanyauka pasi pake, mipata icapamuka senamo yakaiswa pamŋoto, semvura inoɗururwa pamawere.
5
Ɀose iɀi ɀinoitwa nokuɗa kwokuɗarika kwaJakobo, ʋuye nokuɗa kweɀiʋi ɀeimba yaIsraeri. Kuɗarika kwaJakobo ndokweiko? Harizi Samaria here? Nɀimbo dzakakwirira dzaJuda ndedzipiko? Harizi Jerusarema here?
6
Saka Samaria ndicariita somurwi wamabge musaŋgo, senɀimbo dziŋgasimŋa mizambiriŋga; ndicakandira mabge aro mumupata, ndicifukunura nheyo dzaro.
7
Mifananidzo yaro yose yakaʋezwa icaputswa‐putswa, miɓairo yaro yose icapiswa nomŋoto, ʋuye ndicaparadza ɀifananidzo ɀaro ɀose; nokuti rakaɀiʋuŋganidza iɀo uri muɓairo wecifeʋe, naiɀoɀo ɀicadzokera ɀe kumuɓairo wecifeʋe.
8
Nemhaka iyi ndicacema nokuwuŋgudza, ndicafamba ndisineŋguʋo ndakashama, ndicawuŋgudza samakaʋa nokurira semhou.
9
Nokuti maʋaŋga aro haaɗi kupora, nokuti ɀaȿika kunaJuda ʋo; ɀaȿikira pasuʋo raʋanhu ʋaŋgu, ipo paJerusarema.
10
Musaɀireʋa paGati, regai kutoŋgocema; paBeti‐re‐Afra ndakaʋumburuka muguruʋa.
11
Cibva uende, iwe ugere Shafiri, wakashama ucinyara; ugere Zaanani haana‐kuɓuɗa; kuwuŋgudza kweBeti‐ezeri kucakutorera pokumira.
12
Nokuti ugere Maroti unomirira ɀikuru cinhu cakanaka, nokuti ɀakaipa ɀakaɓuruka ɀicibva kunaJehova ɀikaȿikira kusuʋo reJerusarema.
13
Iwe ugere Rakishi, suŋga mabiza paŋgoro; ndiro rakataŋga kuisa mukunda weZioni paɀiʋi, nokuti kuɗarika kwaIsraeri kwakawanikwa mauri.
14
Saka iwe ucapa Moresheti‐gati cipo cokuwonekana; dzimba dzeAkzibi dzicaʋa cinhu cinonyeŋgera madzimambo aIsraeri.
15
Iwe ugere Maresha, ndicakuʋuyisira mumŋe ucakukunda; ʋakakudzwa ʋaIsraeri ʋacaȿika paAdurami.
16
Ɀiitire mhazha, ʋeʋura vudzi rako pamsoro paʋana ʋaunofarira; kurisa mhazha yako seyegondo, nokuti ʋakatapxa kure newe.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7