bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Micah 2
Micah 2
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 3 →
1
Ʋanenhamo ʋanofuŋga ɀakaipa ʋaciita ɀisakarurama panhoʋo dzaʋo! Ʋanoɀiita maŋgwanani kana kwoedza, nokuti simba rokuɀiita riri mumaʋoko aʋo.
2
Ʋanociʋa minda, ndokuipamba, nedzimba, ndokuɀitorera idzo; ʋanomanikidza murume neimba yake, murume nenhaka yake.
3
Naiɀoɀo ɀanzi naJehova: Tarirai, ndinofuŋgira rudzi urwu ɀakaipa, hamuŋgagoni kubvisa mitsipa yenyu paɀiri, hamuŋgafambi namanyawi, nokuti iŋguʋa yakaipa.
4
Nezuʋa iro ʋacataura mufananidzo pamsoro penyu, nokucema nokucema kwokurira, ʋaciti: Takaparadzwa cose, iye unopa ʋamŋe mugoʋe waʋanhu ʋaŋgu, haiwa wanditorera ini sei! Minda yeɗu unoigoʋera ʋanomumukira.
5
Saka iwe ucashaiwa munhu unokukandira rwonzi rwokuyera nhaka yako paʋuŋgano yaJehova.
6
Regai kuprofita — ndiɀo ɀaʋanoprofita iʋo. Kana ʋasiŋgaprofiti pamsoro peɀinhu iɀi, kushoʋora kwaʋo hakuŋgaperi.
7
Nhai imi munonzi imba yaJakobo, Mŋeya waJehova wafupiswa here? Ndiwo maɓasa ake here? Ko mashoko aŋgu haaŋgaitiri ɀakanaka unofamba nokururama here?
8
Asi mazuʋa ano ʋanhu ʋaŋgu ʋakandimukira somuʋeŋgi; munobvisa jasi paŋguʋo dzaʋanopfuʋura haʋo norugare ʋasiŋgaɗi kurwa.
9
Munodziŋga ʋakadzi ʋaʋanhu ʋaŋgu padzimba dzaʋo dzinofadza; munoterera ʋana ʋaʋo ʋaɗuku mbiri yaŋgu nokusiŋgaperi.
10
Simukai, muende, nokuti haizi nɀimbo yokuzorora pano, nemhaka yetȿina inoparadza nokuparadza kwakaipa kwaɀo.
11
Kana munhu ari’po, unofambira mhepo nenhema, unoreʋa nhema aciti: Ndicakuprofitera ɀewaini neɀinonwiwa ɀinoɓata, ndiye ucaʋa muprofita waʋanhu aʋa.
12
Ɀirokwaɀo ndicakuʋuŋganidzai imi mose, imi Jakobo; ɀirokwaɀo ndicaʋuŋganidza ʋakasara ʋaIsraeri; ndicaʋaisa pamŋe cete samakwai mucirugu, seɓoka ramakwai pakati pamafuro awo; ʋacaita ruzha rukuru no kuwanda kwaʋanhu.
13
Mupasanuri wakaʋatuŋgamirira; ʋakapasanura, ʋakapfuʋurira kusuʋo, ʋakaɓuɗa na’po; mambo waʋo wakaʋatuŋgamirira, Jehova ari pamberi paʋo.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7