bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Micah 3
Micah 3
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 4 →
1
Ini ndakati: Cinzwai henyu, imi ʋakuru ʋaJakobo, naʋaɓati ʋeimba yaIsraeri: Ko hamuzaifanira kuziʋa kururamisira ʋanhu here?
2
Iyemi, munoʋeŋga ɀakanaka, muciɗa ɀakaipa, munoviya ʋanhu ganda raʋo, mucibvambura nyama yaʋo pamafupa aʋo;
3
imi, munodya ʋo nyama yaʋanhu ʋaŋgu, muciȿuʋura ganda raʋo, munovuna mafupa aʋo, muciaguranya, seɀinoiswa muhari, senyama iri mugate.
4
Ipapo ʋacaɗana kunaJehova, asi haaŋgaʋapinduri; ɀirokwaɀo ucaʋaʋanzira ciso cake neŋguʋa iyo, nokuɗa kweɀakaipa ɀaʋakaita pamaɓasa aʋo.
5
Ɀanzi naJehova pamsoro paʋaprofita, ʋakatsausa ʋanhu ʋaŋgu, ʋanoruma nameno aʋo, ʋaciɗana ʋaciti: Rugare! asi usiŋgaisi cinhu mumiromo yaʋo, ʋanomumukira hondo.
6
Naiɀoɀo mucaȿikirwa noʋusiku, kuti murege kuʋa necamunoʋona; mucaʋa nerima, kuti murege kuʋuka; zuʋa ricaʋirira ʋaprofita, ciedza camasikati cicaʋaȿiɓira.
7
Ʋaʋoni ʋacanyadziswa, naʋaʋuki ʋacakaŋganiswa; ɀirokwaɀo, ʋose ʋacafumbira ndebvu dzaʋo, nokuti hakunemhinduro inobva kunaMŋari.
8
Asi kana ndiri’ni, ndizere nesimba pamŋe cete noMŋeya waJehova, nokutoŋga nokutsuŋga, kuti ndiparidzire Jakobo kuɗarika kwaʋo, ʋuye Israeri ɀiʋi ɀaʋo.
9
Cinzwai henyu cinhu ici, imi ʋakuru ʋeimba yaJakobo, naʋaɓati ʋeimba yaIsraeri, iyemi, munosema kururamisa, nokuminamisa ɀose ɀakarurama.
10
Munoʋaka Zioni neropa, ʋuye Jerusarema neɀakaipa.
11
Ʋakuru ʋaro ʋanotamba mhaka kuti ʋapiwe ɀipo, ʋaprista ʋaro ʋanodzidzisa kuti ʋapiwe muɓairo, ʋaprofita ʋaro ʋanoʋuka kuti ʋapiwe mari; kunyaŋge ɀakaɗaro ʋanosendamira kunaJehova, ʋaciti: Ko Jehova haazi pakati peɗu here? Hatiŋgawirwi neɀakaipa.
12
Naiɀoɀo Zioni ricarimŋa somunda nemhaka yenyu, Jerusarema ricaitwa mirwi yamabge, ʋuye gomo reimba yaJehova senɀimbo dzakakwirira dzokuɗondo.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7