bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Micah 5
Micah 5
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 6 →
1
Ɀino mucafanira kuʋuŋgana makaita mapoka, iwe mukunda wamapoka; muʋeŋgi wakatikomba, ʋacaroʋa mutoŋgi waIsraeri netȿimbo paɗama rake.
2
Asi iwe Beti‐rehema Efrata, muɗuku kwaɀo pakati peɀuru ɀamazana ɀaJuda, kwauri kucandiɓuɗira mumŋe ucaʋa muɓati pakati paIsraeri; maɓuɗiro ake ndaakare, pamazuʋa akare‐kare.
3
Naiɀoɀo ucaʋaisa kuʋaʋeŋgi ʋaʋo, kuȿikira paŋguʋa yokuɀara kwaiye unosurumuka; ipapo hama dzake, dzakasara, dzicadzoka naʋana ʋaIsraeri.
4
Ucamira, ndokufudza makwai ake nesimba raJehova, noʋumambo bgezita raJehova Mŋari wake; ɀino ʋacagara ɀakanaka, nokuti ɀino ucaʋa mukuru kuȿikira kumigumo yenyika.
5
Iye ucaʋa rugare rweɗu. Kana muAsiria acipinda munyika yeɗu, kana acitsika mudzimba dzeɗu dzoʋushe, ticamutsa ʋafudzi ʋanomŋe namacinda masere pakati paʋanhu kuti ʋarwe naye.
6
Iʋo ʋacaparadza nyika yeAsiria nomunondo, nenyika yaNimrodi painopindwa napo; iye ucatirwira kumuAsiria, kana aciŋge acipinda nyika yeɗu nokutsika mukati memiganho yeɗu.
7
Ipapo ʋakasara ʋaJakobo ʋacaʋa pakati pamarudzi mazhinji aʋanhu seɗoʋa rinobva kunaJehova, semvura inonaya paʋuswa, ɀisiŋgamiriri munhu kana kugarira ʋanakomana ʋaʋanhu.
8
Ʋakasara ʋaJakobo ʋacaʋa pakati pendudzi pakati pamarudzi mazhinji aʋanhu, seshumba pakati pemhuka dzomuɗondo, seshumba ɗuku pakati pamapoka amakwai, inoti kana icipfuʋura’po, inotsika nokubvamburanya, kusina‐unorwira.
9
Ruʋoko rwenyu ŋgarusimudzirwe kumsoro kwaʋadziʋisi ʋenyu, ʋaʋeŋgi ʋenyu ʋose ŋgaʋaparadzwe.
10
Ɀino nezuʋa iro — ndiɀo ɀinotaura Jehova — ndicaparadza mabiza enyu pakati penyu, nokuputsa ŋgoro dzenyu;
11
ndicaparadza maguta enyika yenyu, nokukoromora nhare dzenyu dzose.
12
Ndicaparadza ʋuroyi pamaʋoko enyu, hamuŋgazoʋi naʋafemberi;
13
ndicaparadza mifananidzo yenyu yakaʋezwa neshoŋgwe dzenyu pakati penyu; hamuŋgazonamati maɓasa amaʋoko enyu;
14
ndicadzura miti yenyu yakatsaurwa pakati penyu, ndicaparadza maguta enyu.
15
Ndicatsiʋa marudzi asina‐kuterera ndiciita nokutsamŋa nehasha.
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7