bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Micah 6
Micah 6
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 7 →
1
Cinzwai ɀino ɀinorebga naJehova: Simuka, ita nharo pamberi pamakomo, ɀikomo ŋgaɀinzwe inzwi rako.
2
Cinzwai, imi makomo, rukaʋe rwaJehova, nemi nheyo dzenyika dzinogara dziri’po; nokuti Jehova unorukaʋe naʋanhu ʋake, ucaita nharo naIsraeri.
3
Nhai, imi ʋanhu ʋaŋgu, ndakakuiteiko? Ndakakunetsai neiko? Ndipindurei.
4
Nokuti ndakakuɓuɗisai panyika yeEgipita, ndikakudzikinurai paimba yoʋuranda, ndikatuma pamberi penyu Mosesi naAroni naMiriami.
5
Haiwa, ʋanhu ʋaŋgu, raŋgarirai ɀino ɀakaraŋganwa naBaraki mambo waMoabi, ʋuye ɀaakapindurwa naBarami mŋanakomana waBeori; raŋgarirai ɀakaitwa kubva paShitimi kuȿikira Girgari, kuti muziʋe ɀakarurama ɀamakaitirwa naJehova.
6
Ndicaʋuya nei pamberi paJehova, ndicikotamira pamberi paMŋari wokumsoro? Ndicaʋuya pamberi pake neɀiɓayiro ɀinopiswa, nemhuru dzakaita gore rimŋe here?
7
Ko Jehova uŋgafadzwa namakondobge anecuru cezana, kana nenzizi dzamafuta dzineɀuru ɀinegumi here? Ndiŋga mu ʋigira ɗaŋgwe raŋgu pamsoro pokuɗarika kwaŋgu, ico ciɓereko comuʋiri waŋgu pamsoro peɀiʋi ɀomŋeya waŋgu here?
8
Iye wakakuziʋisa, iwe munhu, kuti ɀakanaka ndeɀipi; cinotȿakwa naJehova kwauri cinyiko, asi kuti uite ɀakarurama, uɗe ʋunyoro, ʋuye ufambe uciɀininipisa pamberi paMŋari wako?
9
Inzwi raJehova rinoɗana kuguta, wakacenjera ucatya zita renyu; tererai shamhu, nowakairaira.
10
Ko fuma yeɀakashata ici’po muimba yowakashata here, ʋuye ciyero cakatapudzwa cinonyaŋgadza here?
11
Ko ndiŋgaʋa wakacena kana ndineɀiyero ɀakashata, nehomo yeɀiyereso ɀinonyeŋgera here?
12
Nokuti ʋafumi ʋeguta ʋazere nokuita nehasha, ʋagere’mo ʋakareʋa nhema, rurimi rwaʋo mumuromo waʋo runonyeŋgera.
13
Saka neni ʋo ndakakuroʋai ʋaŋga rakaipa kwaɀo; ndakakuitai ɗoŋgo nokuɗa kweɀiʋi ɀenyu.
14
Mucadya, asi hamuŋgaguti, kushoʋorwa kwenyu kucaʋa pakati penyu; mucabvisa nhumbi dzenyu, asi hamuŋgadziceŋgeti, idzo dzamunoceŋgeta, ndicadziparadzisa nomunondo.
15
Mucakusha, asi hamuŋgaceki, mucaȿina maoriʋi, asi hamugazori mafuta, mucaȿina mazambiriŋga, asi hamuŋganwi waini.
16
Nokuti ɀakatemŋa naOmri ɀinoceŋgetwa, namaɓasa ose eimba yaAhabi, imi munofamba nokuraŋgarira kwaʋo, kuti ndikuitei ɗoŋgo imi, naʋagere’mo cinhu cinoridzirwa muridzo; imi mucaʋa nemhoȿa yokushoʋorwa kwaʋanhu ʋaŋgu.
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 7 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7