bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Micah 4
Micah 4
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 5 →
1
Asi namazuʋa okupedzisira gomo reimba yaJehova ricagadzwa pamisoro yamakomo, ricakwiridzwa kumsoro kweɀikomo; marudzi aʋanhu acamhanyira kwariri.
2
Marudzi mazhinji acaenda, aciti: Ʋuyai, hendei kugomo raJehova nokuimba yaMŋari waJakobo; iye ucatidzidzisa nzira dzake, ʋuye isu ticafamba namakwara ake. Nokuti paZioni ndi’po pacaɓuɗa murairo, napaJerusarema shoko raJehova.
3
Iye ucatoŋga pakati pamarudzi mazhinji, ucaruramisira marudzi anesimba ari kure; ʋacapfura minondo yaʋo ʋaciiita mapadza, namapfumo aʋo ʋaciaita mapaŋga okucekerera miti; rudzi rumŋe haruŋgazosimudziri rumŋe rudzi munondo, haʋaŋgazodzidzi kurwa.
4
Asi mumŋe nomumŋe ucagara pasi pomuzambiriŋga wake napasi pomuʋonde wake, hakuna‐uŋgazoʋatyisa, nokuti muromo waJehova wehondo wakataura iɀoɀo.
5
Nokuti marudzi ose aʋanhu anofamba, rumŋe norumŋe nezita ramŋari warwo; asi isu ticafamba nezita raJehova Mŋari weɗu nokusiŋgaperi‐peri.
6
Nezuʋa iro — ndiɀo ɀinotaura Jehova — ndicaʋuŋganidza ʋanokamhina, ndicaʋuŋganidza ʋakadziŋgwa, naʋakatambudzwa neni;
7
ʋaikamhina ndicaʋaita ʋakasara, ʋuye ʋakaŋga ʋakarashirwa kure ndicaʋaita rudzi rwakasimba; Jehova ucaʋaɓata ʋushe pagomo reZioni kubva ɀino nokusiŋgaperi.
8
Ɀino iwe, rutura rwamakwai, iwe cikomo comukunda weZioni, ɀicaȿika kwauri, ɀirokwaɀo ʋushe bgokutaŋga ʋucaȿika, ibgo ʋushe bgomukunda weJerusarema.
9
Ɀino munoɗanidzireiko? Hakunamambo pakati penyu here, gota renyu raparara here, ɀamaɓatwa nokurwadziwa sokwomukadzi unosurumuka?
10
Cirwadziwa, utambure nokusurumuka, iwe mukunda weZioni, somukadzi uri pakusurumuka; nokuti ɀino ucaɓuɗa muguta, ucandogara kusaŋgo, ucandoȿika Babironi; ipapo ucandorwirwa, Jehova ucakudzikinura’po pamaʋoko aʋaʋeŋgi ʋako.
11
Ɀino marudzi mazhinji aʋanhu akakuʋuŋganira, anoti: Ŋgaaȿiɓiswe, meso eɗu ŋgaaʋone Zioni.
12
Asi haʋaziʋi ɀinofuŋgwa naJehova, haʋanzwisisi ɀaakatema; nokuti wakaʋaʋuŋganidza semŋanda paɓuriro.
13
Simuka upure, iwe mukunda weZioni, nokuti runyaŋga rwako ndicaruita ɗare, ʋuye mahwanda ako ndicaaita ndarira; ucaputsanya marudzi mazhinji; ɀaʋakaɀiwanira ndicaɀitsaurira Jehova, fuma yaʋo ndicapa Ishe wenyika yose.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7