bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Micah 7
Micah 7
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
1
Ndinenhamo ini! nokuti ndaʋa sapaŋguʋa kana ɀiɓereko ɀezhezha ɀakohwiwa, kana ɀakasara ɀamazambiriŋga ɀaʋuŋganidzwa; hakucinesumbu rimŋe riŋgadyiwa, mŋeya waŋgu unopaŋga ʋonde rinotaŋga kuibva.
2
Ʋanhu ʋanoɗa Mŋari ʋakaparara panyika, hakucina‐ʋakarurama pakati paʋanhu; ʋose ʋakaʋandira kuteʋura ropa, mumŋe nomumŋe unovima hama yake nomumbure.
3
Maʋoko aʋo anoŋgotȿaka ɀakaipa kuti ʋaɀiite nomŋoyo wose; macinda anokumbira, ʋatoŋgi ʋanoʋiŋga muɓairo; mukuru unotaura ɀakashata ɀiri mumŋoyo make; ʋanoɀiruka pamŋe cere saiɀoɀo.
4
Wakanaka kupfuʋura ʋose wakaita sorukato, wakarurama kupfuʋura ʋose unopfuʋura ruzhowa rweminzwa; zuʋa renharirire dzenyu raȿika, iro zuʋa rokurobga kwenyu, ɀino kukaŋganiswa kwaʋo kucaʋa’po.
5
Regai kuʋimba nowamunogara naye, regai kutenda shamŋari, dzora miromo yako kumukadzi uʋete pacifuʋa cako.
6
Nokuti mŋanakomana unoɀidza ɓaɓa, mŋanasikana unomukira mai ʋake, nomukadzi womŋana ʋamŋene ʋake; ʋaʋeŋgi ʋomunhu ndiʋo ʋanhu ʋeimba yake.
7
Asi kana ndiri’ni ndicatarira kunaJehova, ndicamirira Mŋari woruponeso rwaŋgu; Mŋari waŋgu ucandinzwa.
8
Usafara pamsoro paŋgu iwe muʋeŋgi waŋgu; kana ndikawira pasi, ndicasimuka ɀe; kana ndigere murima, Jehova ucaʋa ciedza caŋgu.
9
Ndicatakura kutsamŋa kwaJehova, nokuti ndakamutadzira, kuȿikira acindireʋerera mhoȿa yaŋgu, nokundiruramisira mhaka yaŋgu; ucandiɓuɗisira kuciedza, ndicaʋona kururama kwake.
10
Ipapo muʋeŋgi waŋgu ucaɀiʋona, kunyara kucafukidza iye unoti kwandiri: Jehova Mŋari wako uripiko? Meso aŋgu acamuʋona; ɀino ucatsikirwa pasi samatope ari panzira dzomumusha.
11
Zuʋa rokuʋaka maȿiŋgo enyu ricaȿika, nezuʋa iro miganho icatarwa nokure.
12
Nezuʋa iro ʋacaʋuya kwamuri, ʋacibva Asiria nokumaguta eEgipita, noku nyika inobva Egipita iciȿikira kuRwizi, nokubva kunerimŋe guŋgwa kuȿikira kunerimŋe guŋgwa, nokubva kunerimŋe gomo kuȿikira kunerimŋe gomo.
13
Kunyaŋge ɀakaɗaro nyika icaʋa ɗoŋgo, nemhaka yaʋagere’mo, nemhaka yeɀiɓereko ɀamaɓasa aʋo.
14
Fudzai ʋanhu ʋenyu netȿimbo yenyu, iwo makwai ari nhaka yenyu, anogara ari oga muɗondo pakati peKarmeri; ŋgaacere paBashani neGireadi, sapamazuʋa akare.
15
Ndicaʋaratidza ɀinhu ɀinoshamisa sapamazuʋa okuɓuɗa kwenyu munyika yeEgipita.
16
Marudzi aʋanhu acaɀiʋona akanyara pamsoro pesimba raʋo rose; ʋacafumbatira miromo yaʋo namaʋoko aʋo, nzeʋe dzaʋo hadziŋganzwi.
17
Ʋacananɀa guruʋa senyoka; ʋacaɓuɗa panɀimbo dzaʋo dzokuʋanda ʋaciɗeɗera seɀinokambaira ɀenyika; ʋacaʋuya kunaJehova Mŋari weɗu ʋacitya, ʋacakutyai.
18
Ndianiko Mŋari wakafanana nemi, unokaŋganwira ɀakaipa, unopfuʋura kuɗarika kwaʋakasara ʋenhaka yake? Haaŋgagari akatsamŋa nokusiŋgaperi, nokuti unofarira kuʋa nenyasha.
19
Ucatinzwira tsitsi ɀe, ucatsika ɀakaipa ɀeɗu pasi petsoka dzake; mucakandira ɀiʋi ɀaʋo ɀose mukudzika kweguŋgwa.
20
Mucaitira Jakobo ɀokwaɗi yenyu, naAbrahama nyasha dzenyu, idzo dzamakapikira madziɓaɓa eɗu kubva pamazuʋa akare.
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7