bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Revelation 12
Revelation 12
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 13 →
1
Zvino kudenga kwakaonekwa chiratidzo chikuru ichi: Mukadzi, akanga akapfeka zuva, mwedzi uri pasi petsoka dzake, napamusoro wake korona ine nyeredzi dzine gumi nembiri;
2
iye akanga ane mimba, akadanidzira pakupona kwake, achitambudzika pakuzvara.
3
Ipapo kudenga kwakaonekwa chimwe chiratidzo ichi: Tarira, shato huru tsvuku, ine misoro minomwe, nenyanga dzine gumi, napamisoro wayo korona nomwe.
4
Muswe wayo ukakweva chetatu chenyeredzi dzokudenga, ndokudzikandira pasi panyika; shato iyo ikamira pamberi pomukadzi akanga ozvara, kuti iparadze mwana wake kana azvara.
5
Akazvara mwana womukomana, anozofudza marudzi ose netsvimbo yedare; mwana wake ndokutorwa kuna Mwari, nokuchigaro chake choushe.
6
Mukadzi akatizira kurenje, paakagadzirirwa nzvimbo naMwari, kuti vamuchengetepo mazuva ane chiuru chinamazana maviri namakumi matanhatu.
7
Zvino kurwa kwakavapo kudenga; Mikaeri navatumwa vake vakarwa neshato, shato ikarwa inavatumwa vayo;
8
vakasakunda, nenzvimbo yavo haina kuzowanikwa kudenga.
9
Zvino shato huru yakakandirwa pasi, iyo nyoka yekare, inonzi Dhiabhori, naSatani, munyengeri wenyika yose; yakakandirwa panyika, navatumwa vayo vakakandirwa pasi pamwechete nayo.
10
Ndikanzwa izwi guru kudenga, richiti, “Zvino ruponeso rwasvika, nesimba, noushe hwaMwari wedu, noumambo hwaKristu wake; nokuti mupomeri wehama dzedu wakakandirwa pasi, wakavapomera pamberi paMwari wedu masikati nousiku.
11
Ivo vakamukunda neropa reGwayana, uye neshoko rokupupura kwavo; havana kuda upenyu hwavo kusvikira parufu.
12
Saka farai kudenga nemi munogarako. Mune nhamo imi nyika negungwa, nokuti mweya wakaipa wakaburukira kwamuri, akatsamwa kwazvo, nokuti anoziva kuti achine nguva duku.”
13
Shato yakati yaona kuti yakandirwa pasi panyika ikatambudza mukadzi akazvara mwana womukomana.
14
Ipapo mukadzi akapiwa mapapiro maviri egondo guru, kuti abhururukire kurenje kunzvimbo yake, kwaanochengeterwa nguva nedzimwe nguva nehafu yenguva, kwaasingaonekwi nenyoka.
15
Ipapo nyoka yakabudisa mvura mumuromo mayo, yakaita sorwizi shure kwomukadzi, kuti akukurwe norwizi.
16
Ipapo nyika yakabatsira mukadzi, nyika ikashamisa muromo wayo, ikamedza rwizi neshato mumuromo mayo.
17
Zvino shato yakatsamwira mukadzi ikaenda kundorwa navamwe vana vake, vanochengeta mirayiro yaMwari, navanobata kupupura kwaJesu.
18
Ikamira pajecha regungwa.
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 13 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22