bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Revelation 13
Revelation 13
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 14 →
1
Zvino ndakaona chikara chichikwira chichibva mugungwa, chine nyanga dzine gumi nemisoro minomwe; napamusoro penyanga dzacho pakanga pane korona dzine gumi, napamusoro pemisoro yacho mazita okumhura Mwari.
2
Chikara ichi chandakaona, chakanga chakaita sengwe; netsoka dzacho sedzebere, nomuromo wacho somuromo weshumba; shato ikachipa simba rayo, nechigaro chayo chohushe, namasimba makuru.
3
Mumwe musoro wacho wakanga wakaita sowakakuvadzwa kusvikira parufu; asi vanga, raifanira kuuraya, rakanga rapora; nyika yose ikashamiswa ikatevera chikara.
4
Vakanamata shato, nokuti yakapa chikara masimba; vakanamata chikara, vachiti, “Ndianiko akafanana nechikara? Ndianiko anogona kurwa nacho?”
5
Ipapo chakapiwa muromo unotaura mashoko makuru nezvokumhura; chikapiwa simba kuti chizviite mwedzi inamakumi mana nemiviri.
6
Chikashamisa muromo wacho kuti chimhure Mwari, nokumhura zita rake netabhenakeri yake naivo vanogara kudenga.
7
Chikapiwa masimbawo kuti chirwe navatsvene, nokuvakunda; chikapiwa masimbawo pamusoro pamarudzi ose, navanhu vose, nendimi dzose, nendudzi dzose.
8
Vose vanogara panyika vachachinamata, ivo vasina kunyorerwa zita ravo mubhuku yeGwayana rakabayiwa, kubva pakusikwa kwenyika.
9
Ane nzeve, ngaanzwe.
10
Kana munhu achitipa, achatapwa; kana munhu achiuraya nomunondo anofanira kuurawa nomunondo. Ndipo panokutsungirira nokutenda kwavatsvene.
11
Zvino ndakaona chimwe chikara chichikwira, chichibva panyika; chakanga chine nyanga mbiri segwayana, chikataura seshato.
12
Chinobata namasimba ose echikara chokutanga pamberi pacho. Chinomanikidza nyika navagere mukati mayo kuti vanamate chikara chokutanga, chiya chakapora vanga rokuuraya racho.
13
Chinoita zviratidzo zvikuru, zvokuti chinoburusira moto unobva kudenga panyika pamberi pavanhu;
14
chinonyengera vanogara panyika nezviratidzo zvachapiwa kuti chizviite pamberi pechikara; chichiti kuna vanogara panyika kuti vaitire chikara mufananidzo, chiya chakanga chine vanga romunondo chakararama.
15
Chikapiwa masimba okupa mufananidzo wechikara mweya, kuti mufananidzo wechikara utaure, chiraire kuti vose vasinganamati mufananidzo wechikara vaurawe.
16
Chinomanikidza vose, vaduku navakuru, vafumi navarombo, vakasununguka navaranda, kuti vapiwe chiratidzo muruoko rwavo rworudyi, kana pahuma yavo;
17
kuti munhu arege kuvapo anogona kutenga nokutengesa, asi iye ane chiratidzo, iro zita rechikara kana chiverengo chezita racho.
18
Ndipo panokuchenjera. Anoziva, ngaaverenge chiverengo chechikara; nokuti chiverengo ndechomunhu; chiverengo chacho ndimazana matanhatu namakumi matanhatu nenhanhatu.
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 14 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22