bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Revelation 5
Revelation 5
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 6 →
1
Zvino ndakaona muruoko rworudyi rwaiye akanga agere pachigaro choushe bhuku rakanyorwa mukati nokunze kwaro, rakanamatidzwa nezvisimbiso zvinomwe.
2
Ipapo ndakaona mutumwa, ane simba, achidanidzira nezwi guru, achiti, “Ndianiko akafanira kuti azarure bhuku iri, nokusunungura zvisimbiso zvaro?”
3
Asi kwakanga kusina munhu kudenga napanyika, kana napasi nepanyika, akagona kuzarura bhuku iro, kana kutarira mariri.
4
Ipapo ndakachema zvikuru, zvakusina kuwanikwa munhu, akafanira kuti azarure bhuku, kana kutarira mariri.
5
Zvino mumwe waVakuru akati kwandiri; “Usachema hako, tarira, Shumba yorudzi rwaJudha, Mudzi waDhavhidhi, yakakunda kuti izarure bhuku nezvisimbiso zvayo zvinomwe.”
6
Zvino ndakaona pakati pechigaro choushe nezvisikwa zvipenyu zvina, napakati paVakuru, Gwayana rimire, rakaita serakabayiwa, rine nyanga nomwe nameso manomwe, iri Mweya minomwe yaMwari, yakatumwa kunyika yose.
7
Iro rikauya, rikatora bhuku muruoko rworudyi rwaiye akanga agere pachigaro choushe.
8
Zvino rakati ratora bhuku, zvisikwa zvipenyu zvina naVakuru vana makumi maviri navana vakawira pasi pamberi peGwayana, mumwe nomumwe anorudimbwa, nendiro dzendarama, dzakanga dzizere nezvinonhuwira, iri minyengetero yavatsvene.
9
Vakaimba rwiyo rutsva, vachiti, “Ndimi makafanira kuti mutore bhuku nokuzarura zvisimbiso zvayo; nokuti makabayiwa, makatengera Mwari neropa renyu vanhu vanobva kumarudzi ose, nendimi dzose, navanhu vose, nendudzi dzose;
10
mukavaitira Mwari wedu, kuti vave ushe navapristi, vabate ushe panyika.”
11
Zvino ndakaona, ndikanzwa izwi ravatumwa vazhinji vakanga vakakomberedza chigaro choushe nezvisikwa zvipenyu, naVakuru. Kuwanda kwavo kwakanga kuri zviuru zvezviuru nezviuru zvamazana
12
vachiti nezwi guru, “Gwayana rakabayiwa rakafanira kuti rivigirwe ushe, nepfuma, nokuchenjera, nesimba, nokukudzwa, nokubwinya, nokurumbidzwa.”
13
Ndikanzwa zvisikwa zvipenyu zvose zviri kudenga, napanyika, nezviri pasi penyika, napagungwa, nezvose zviri mukati mazvo, zvichiti, “Kurumbidzwa, nokukudzwa, nokubwinya, nesimba ngazvive kuna iye agere pamusoro pechigaro choushe, nokuGwayana nokusingaperi-peri.”
14
Ipapo zvisikwa zvipenyu zvina zvakati, “Ameni.” Vakuru vana makumi maviri navanavo vakawira pasi, vakanamata.
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22