bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Revelation 21
Revelation 21
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 22 →
1
Zvino ndakaona denga idzva nenyika itsva, nokuti denga rokutanga nenyika yokutanga zvakanga zvapfuura; negungwa rakanga risisipo.
2
Ndikaona guta dzvene, Jerusaremu idzva, richiburuka kudenga richibva kuna Mwari, rakagadzirwa somwenga akashongerwa murume wake.
3
Ndikanzwa izwi richibva kudenga, richiti, “Tarirai, tabhenakeri yaMwari iri pakati pavanhu, iye achagara navo, ivo vachava vanhu vake; Mwari amene achava navo, ave Mwari wavo.
4
Achapisika misodzi yose pameso avo; rufu haruchavipo, kana kuchema, kana kurira, kana kutambudzika hazvingavipo; nokuti zvokutanga zvapfuwura.”
5
Akanga agere pachigaro choushe akati, “Tarirai, ndinovandudza zvose.” Akati, “Nyora, nokuti mashoko awa angatendwe, ndeechokwadi.”
6
Akati kwandiri, “Zvaitwa. Ndini Arifa neOmega, kutanga nokuguma. Ini ndichapa ane nyota zvinobva patsime remvura youpenyu asingatengi.
7
Anokunda achagara nhaka yezvinhu izvi; ndichava Mwari wake, iye achava mwanakomana wangu.
8
“Asi kana vari vanotya, navasingatendi navanyangadzi, navaurayi, nemhombwe, navaroyi, navanonamata zvifananidzo, navose vanoreva nhema, mugove wavo uri mudziva rinopfuta nomoto nesuriferi; ndirwo rufu rwechipiri.”
9
Zvino mumwe wavatumwa vanomwe, vakanga vane ndiro nomwe dzizere namadambudziko manomwe okupedzisira, akasvika, akataura neni, achiti, “Uya pano, ndigokuratidza mwenga, mukadzi weGwayana.”
10
Ipapo wakandiisa muMweya kugomo guru refu, akandiratidza guta dzvene, Jerusaremu, richiburuka kudenga, richibva kuna Mwari,
11
rinokubwinya kwaMwari; chiedza charo chakanga chakaita sebwe rinokosha kwazvo, sebwe rejasipisi, rinowonekera sekirisitaro;
12
rakanga rinorusvingo rukuru, rurefu, rakanga rina masuo ane gumi namaviri; navatumwa vane gumi navaviri pamasuo, namazita akanyorwa pamusoro pawo, ari mazita amarudzi ane gumi namaviri avana vaIsiraeri.
13
Kumabvazuva kwakanga kuna masuo matatu; kumusoro masuo matatu, zasi masuo matatu; nokumavirira masuo matatu;
14
rusvingo rweguta rwakanga rune nheyo dzine gumi nembiri; napamusoro padzo mazita avapostori vane gumi navaviri veGwayana.
15
Uyo, akataura neni, akanga anorutsanga rwendarama rwokuera guta narwo, namasuo aro norusvingo rwaro.
16
Guta rakanga rakavakwa namatavi mana akaenzana, kureba kwaro kwakaenzana nokufara kwaro; akayera guta norutsanga, zvikasvika pamasitadhia ane zviuru zvine gumi nezviviri kureba nokufara nokukwirira kwaro zvakanga zvakaenzana.
17
Akaera rusvingo rwaro, makubhiti ane zana namakumi mana namana, nechiyero chomunhu, chiri chiyero chomutumwa.
18
Rusvingo rwaro rwakanga rwakavakwa nejasipisi, uye guta rakanga riri rendarama yakaisvonaka, yakaonekera kwazvo.
19
Nheyo dzorusvingo rweguta dzakanga dzakashongedzwa namambwe amarudzi ose anokosha. Nheyo yokutanga yakanga iri yejasipisi; yechipiri yesafiri; yechitatu yekarisidhoni; yechina yesimaragidhino;
20
yechishanu yesaridhonikisi; yechitanhatu yesaridhio; yechinomwe yekirisoriti; yorusere yebheriri; yepfumbamwe yetopasi; yegumi yekirisopirasi; yegumi neimwe yehiakinti; yegumi nembiri yeametesti.
21
Masuo ane gumi namaviri akanga ari amapera ane gumi namaviri; suo rimwe nerimwe rakanga riri reparera rimwe; nzira yomuguta yakanga iri yendarama yakaisvonaka, inoita seinoonekera.
22
Handina kuona temberi mukati maro, nokuti Ishe Mwari waMasimbaose neGwayana itemberi yaro.
23
Guta haritsvaki zuva kana mwedzi, kuti rivhenekerwe nazvo; nokuti kubwinya kwaMwari ndiko kwairivhenekera, nomwenje waro ndiro Gwayana.
24
Ndudzi dzinofamba nechiedza charo; madzimambo enyika anouyisa kubwinya kwawo mukati maro.
25
Masuo aro haangatongozarirwi masikati, nokuti usiku hahuchazovipo.
26
Vachauyisa mukati maro kubwinya nokukudzwa kwendudzi.
27
Mukati maro hamungatongopindi chinhu chinosvibisa, kana chinonyangadza, kana chine nhema; asi avo bedzi vakanyorwa mubhuku yohupenyu yeGwayana.
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 22 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22