bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Revelation 22
Revelation 22
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
1
Zvino akandiratidza rwizi rwemvura youpenyu, yakapenya sekirisitaro, inobuda pachigaro choushe chaMwari necheGwayana,
2
pakati penzira yaro. Kumativi maviri orwizi kwakanga kunomuti woupenyu, unobereka michero yamarudzi ane gumi namaviri, uchiita michero yaro mwedzi mumwe nomumwe; namashizha omuti aiva mushonga wokuporesa ndudzi.
3
Hakuchavi nechinhu chakatukwa; chigaro choushe chaMwari necheGwayana chichava mukati maro; varanda vake vachamushumira; vachaona chiso chake;
4
uye zita rake richava pahuma dzavo.
5
Usiku hahuchazovepo; havatsvaki chiedza chomwenje, kana chiedza chezuva; nokuti Ishe Mwari achavavhenekera; vachabata ushe nokusingaperi-peri.
6
Zvino akati kwandiri, “Mashoko awa angatendwe, ndeechokwadi; Ishe, Mwari wemweya yavaporofita wakatuma mutumwa wake kuti aratidze varanda vake zvinhu zvoda kuitwa.”
7
Tarirai, ndokurumidza kuuya; anochengeta mashoko okuporofita kwebhuku iri akaropafadzwa.
8
Ini Johani, ndini ndakanzwa, ndikaona izvozvi. Zvino ndakati ndichinzwa, nokuona, ndikawira pasi kuti ndinamate pamberi petsoka dzomutumwa akandiratidza izvozvi.
9
Akati kwandiri, “Rega kudaro; ndiri muranda pamwechete newe, nehama dzako, vaporofita, navanochengeta mashoko ebhuku iyi; namata Mwari.”
10
Ipapo akati kwandiri, “Usazarira mashoko okuporofita kwebhuku iri, nokuti nguva yava pedyo.
11
Asina kururama ngaarambe achiita zvisakarurama; mutsvene ngaarambe achiitwa mutsvene.”
12
“Tarirai, ndinokurumidza kuuya; mubayiro wangu ndinawo, kuti ndipe mumwe nomumwe sezvaakabata.
13
Ndini Arifa neOmega, wokutanga nowokupedzisira, kutanga nokuguma.”
14
Vanosuka nguo dzavo vakaropafadzwa, kuti vave nesimba rokuuya kumuti woupenyu, vapinde napamasuo eguta.
15
Kunze ndiko kune imbwa, navaroyi, nemhombwe, navaurayi, navanonamata zvifananidzo, navose vanoda nhema vachidziita.
16
“Ini Jesu, ndakatuma mutumwa wangu, kuti akupupurirei izvozvi pakereke. Ndini mudzi worudzi rwaDhavhidhi, nyamatsatse inopenya.”
17
Mweya nomwenga vanoti, “Uya!” Naiye anonzwa ngaati, “Uya!” Ane nyota ngaauye. Anoda ngaatore mvura yohupenyu asingatengwi.
18
Ndinopupurira mumwe nomumwe anonzwa mashoko okuporofita kwebhuku iri, ndichiti: Kana munhu akawedzera pazvinhu izvi, Mwari achawedzera kwaari madambudziko akanyorwa mubhuku iri;
19
kana munhu akabvisa mashoko ebhuku yokuporofita uku, Mwari uchabvisa mugove wake pamuti woupenyu, nomuguta dzvene, napazvinhu zvakanyorwa mubhuku iri.
20
Iye anopupura izvozvi anoti, “Hongu, ndinokurumidza kuuya.” Ameni, uyai, Ishe Jesu.
21
Nyasha dzaIshe Jesu ngadzive navose. Ameni.
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22