bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Revelation 16
Revelation 16
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 17 →
1
Zvino ndakanzwa izwi guru richibva mutemberi, richiti kuvatumwa vanomwe, “Endai, mundodurura panyika ndiro nomwe dzokutsamwa dzaMwari.”
2
Wokutanga akaenda, akadurura ndiro yake panyika; ronda rakaipa rinorwadza rikavapo pavanhu vakanga vane chiratidzo chechikara, vakanamata mufananidzo wacho.
3
Wechipiri akadurura ndiro yake pagungwa; rikashanduka ropa seromunhu akafa; nezvipenyu zvose zvakanga zviri mugungwa zvikafa.
4
Wechitatu akadurura ndiro yake panzizi nomumatsime emvura, ikashanduka ropa.
5
Ndikanzwa mutumwa wemvura achiti, “Imi, Makarurama, muripo, namakanga miripo, Mutsvene, nokuti makatonga saizvozvo.
6
Nokuti vakadurura ropa ravatsvene neravaporofita, mukavapa ropa, kuti vanwe; vakafanirwa naizvozvo.”
7
Ndikanzwa aritari ichiti, “Hongu, Ishe, Mwari wamasimba ose, kutonga kwenyu ndokwechokwadi kwakarurama.”
8
Zvino wechina akadurura ndiro yake pamusoro pezuva, rikapiwa simba kuti ripise vanhu nomoto.
9
Vanhu vakapiswa nokupisa kukuru, vakamhura zita raMwari, anesimba pamusoro pamadambudziko awa; havana kutendeuka, kuti vamukudze.
10
Wechishanu akadurura ndiro yake pamusoro pechigaro choushe chechikara; ushe hwacho hukasvibiswa, vakatsenga marimi avo nokurwadzwa;
11
vakamhura Mwari wokudenga pamusoro pokurwadzwa kwavo namaronda avo; asi havana kutendeuka pamabasa avo.
12
Zvino wechitanhatu akadurura ndiro yake pamusoro porwizi rukuru, runonzi Yufuratesi; mvura yarwo ikapwa, kuti nzira dzamadzimambo anobva kumabvazuva dzigadzirwe.
13
Ipapo ndakaona mweya yetsvina mitatu yakaita samatafi ichibva mumuromo weshato nomumuromo wechikara, nomumuromo womuporofita wenhema;
14
nokuti ndiyo mweya yakaipa inoita zviratidzo; inoenda kumadzimambo enyika yose, kuvakokera kukurwa pazuva iro guru raMwari waMasimbaose.
15
Tarira, ndinouya sembavha. Akaropafadzwa anorinda, anochengeta nguo dzake, kuti arege kufamba asina kupfeka, vaone nyadzi dzake.
16
Akavaunganidzira panzvimbo inonzi Harimagedhoni nechiHebheru.
17
Zvino wechinomwe akadurura ndiro yake mudenga, izwi guru rikabuda muchigaro choushe, richiti, “Zvapera!”
18
Ipapo mheni yakavapo, namazwi nokutinhira; nokudengenyeka kwenyika kukuru kwakavapo; kudengenyeka kwenyika kwakakura-kura kukadai hakuna kumbovapo kubva pakusikwa kwavanhu panyika.
19
Guta guru rikakamurwa rikaita zvikamu zvitatu, maguta amarudzi akaputsika; Bhabhironi guta guru rikarangarirwa pamberi paMwari, kuti ripiwe mukombe wewaini yokutsamwa kwehasha dzake.
20
Zviwi zvose zvikatiza, namakomo haana kuwanikwa.
21
Chimvuramabwe chikuru, chinobva kudenga, chikawira pamusoro pavanhu, kurema kwebwe rimwe nerimwe kukaita setarenda; vanhu vakamhura Mwari nokuda kwedambudziko rechimvuramambwe, nokuti dambudziko racho raiva guru kwazvo.
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 17 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22