bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Revelation 3
Revelation 3
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 4 →
1
“Nyorera mutumwa wekereke iri paSadhisi uti: “Zvanzi naiye ane mweya minomwe yaMwari, nenyeredzi nomwe: Ndinoziva mabasa ako, kuti unonzi uri mupenyu, asi wakafa.
2
Pepuka, usimbise izvo zvakasara, zvakanga zvoda kufa; nokuti handina kuwana mabasa ako ari akakwana pamberi paMwari wangu.
3
“Naizvozvo rangarira kuti wakagamuchira nokunzwa sei; uzvichengete, utendeuke. Naizvozvo kana usingapepuki, ndichauya sembavha, haungazivi nguva yandichakuwira nayo.
4
Asi unamazita mashoma paSadhisi avanhu vasina kusvibisa nguo dzavo; vachafamba neni vane nguo chena, nokuti vakafanirwa nazvo.
5
Anokunda, achapfekedzwa saizvozvo nguo chena; handingatongodzimi zita rake pabhuku youpenyu, ndichapupura zita rake pamberi paBaba vangu, napamberi pavatumwa vake.
6
“Ane nzeve, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke.
7
“Nyorera mutumwa wekereke iri paFiradherifia, uti: “Zvanzi naiye mutsvene, iye wechokwadi, iye ane kiyi yaDhavhidhi, iye anoti kana achizarura, hakuna anopfiga, kana achipfiga, hakuna anozarura:
8
Ndinoziva mabasa ako, (tarira, ndakaisa pamberi pako musuo wakazaruka, hakuna angagona kuupfiga), ndinoziva kuti une simba shoma hako; wakachengeta shoko rangu, ukasaramba zita rangu.
9
Tarira ndinokupa vamwe vari vesinagoge raSatani, vanoti, tiri vaJudha, vasi ivo chaivo, asi vanoreva nhema; tarira, ndichavauyisa kuti vanamate pamberi petsoka dzako, uye vazive kuti ndakakuda.
10
Zvawakachengeta shoko rokutsungirira kwangu, ndichakuchengetawo panguva yokuedzwa yoda kuuya panyika yose, kuedza vanogara panyika.
11
Ndinokurumidza kuuya; batisisa icho chaunacho, kuti urege kutorerwa korona yako.
12
Anokunda ndichamuita mbiru mutemberi yaMwari wangu, haangazobudimozve; ndichanyora pamusoro pake zita raMwari wangu, nezita reguta raMwari wangu, Jerusaremu idzva rinoburuka kudenga kuna Mwari wangu, nezita rangu idzva.
13
“Ane nzeve, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke.
14
“Nyorera mutumwa wekereke iri paRaodhikia, uti: “Zvanzi naAmeni, chapupu chakatendeka, chechokwadi, kutanga kwezvisikwa zvaMwari:
15
Ndinoziva mabasa ako, kuti hautonhori kana kupisa. Dai uchitonhora kana kupisa.
16
Zvino zvaunodziya, usingatonhori kana kupisa, ndichakusvisvina mumuromo mangu.
17
“Nokuti unoti, ‘Ndakapfuma, ndakapfumiswa; handishayiwi chinhu;’ usingazivi, kuti ndiwe uno urombo nenhamo, uri murombo nebofu usina chokufuka.
18
“Ndinokupa zano kuti utenge kwandiri ndarama yakaedzwa mumoto, kuti uve nepfuma, nenguo chena, kuti ufukidze; nyadzi dzokusafuka kwako dzirege kuonekwa; nechizoro chameso, kuti uzore meso ako, uone.
19
Vose vandinoda ndinovaranga nokuvarova; naizvozvo shingaira utendeuke.
20
Tarira, ndimire pasuo, ndichigogodza; kana munhu akanzwa izwi rangu, akazarura musuo, ndichapinda kwaari, ndicharayira naye, naiye neni.
21
Anokunda ndichamupa chinhu ichi, kuti agare neni pachigaro changu choushe, seniwo ndakakunda, ndikagara pamwechete naBaba vangu pachigaro chavo choushe.
22
“Ane nzeve, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke.”
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22