bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Ezra 2
Ezra 2
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 3 →
1
Zvino ava ndivo vanhu vedunhu iroro vakabva kuutapwa pane vakanga vatamiswa naNebhukadhineza mambo weBhabhironi vaendeswa kuutapwa kuBhabhironi. Vakadzokera kuJerusaremu kwaJudha mumwe nomumwe kuguta rokwake.
2
Vakauya navo ndiZerubhabhero naJeshua naNehemiya naSeraya naReeraya naModhekai naBhirishani naMisipari naBhigivhai naReumu naBhaana. Pavanhu veIsiraeri, uwandi hwavarume vacho hwaiva hwakamira hwakadai izvi:
3
vanakomana vakwaParoshi vaiva zviuru zviviri zvine zana nemakumi manomwe ane vaviri,
4
kwouya vokwaShefatiya vari mazana matatu namakumi manomwe navaviri,
5
kwoti vokwaAra variwo mazana manomwe ane makumi manomwe ane vashanu,
6
kwotiwo vakwaPahatimoabhu vari vokwaJeshua naJoabhu vari zviuru zviviri zvine mazana masere negumi navaviri,
7
kwouyawo vokwaEramu vari chiuru chine mazana maviri ane makumi mashanu avanhu,
8
kwoti vokwaZatu vaiva mazana mapfumbamwe ane makumi mana navashanu,
9
kwozouya vokwaZakai variwo mazana manomwe ane makumi matanhatu,
10
kukati vokwaBhani vari mazana matanhatu ane makumi mana navaviri,
11
kukatiwo vokwaBhebhai mazana matanhatu ane makumi maviri navatatu,
12
kuchitiwo vokwaAzigadhi chiuru chine mazana maviri namakumi maviri ane vaviri,
13
kwouya vokwaAdhonikamu vaiva mazana matanhatu ane makumi matanhatu navatanhatu,
14
kwouyawo vokwaBhigivhai vari zviuru zviviri zvina makumi mashanu navatanhatu,
15
kwozoti vokwaAdhini mazana mana namakumi mashanu navana,
16
kwozotiwo vokwaAtero vari vokwaHezekiya makumi mapfumbamwe ana vasere,
17
kwouya vokwaBhezai mazana matatu nemakumi maviri ana vatatu,
18
kwouyawo vokwaJora vaiva zana negumi navaviri,
19
kwoti vokwoHashumu vari mazana maviri ana makumi maviri navatatu,
20
kwotiwo vokwaGibhari mazana mapfumbamwe ana vashanu.
21
Vanakomana vokwaBheterehemu vaiva zana namakumi maviri ana vatatu,
22
kwouya vokwaNetofa vari makumi mashanu ana vatanhatu,
23
navarume vokwaAnatoti zana namakumi maviri navasere,
24
vanakomana vokwaAzimavheti makumi mana navaviri,
25
kwouya nevokuKiriyatijearimu, Kefira naBheeroti mazana manomwe ana makumi mana navatatu,
26
kwouyawo vokuRama nokuGebha vaiva mazana matanhatu ana makumi maviri nomumwechete,
27
uye vokwaMikimashi vari zana namakumi maviri navaviri,
28
uyewo varume vokuBhetieri nokuAi mazana maviri ana makumi maviri navatatu
29
uyezve varume vokwaNebho makumi mashanu navaviri,
30
uye varume vokwaMagibhishi zana namakumi mashanu ane vatanhatu,
31
uyewo vanakomana vokune imwe Eramu vaiva chiuru namazana maviri namakumi mashanu ana vana,
32
kwouya vokwaHarimu vari mazana matatu namakumi maviri,
33
kwouyawo vokwaRodhi nokwaHadhidhi okwaOno mazana manomwe ana makumi maviri nevashanu,
34
kwoti vokuJeriko mazana matatu ana makumi mana navashanu,
35
kwotiwo vokwaSenaa zviuru zvitatu zvine mazana matanhatu namakumi matatu.
36
Vapristi: vanakomana vokwaJedhaya vari vemba yokwaJeshua vaiva mazana mapfumbambwe ana makumi manomwe nevatatu,
37
kwouya vokwaImero vari chiuru chine makumi mashanu ane vaviri,
38
kwouyawo vokwaPashihuru chiuru china mazana maviri ana makumi mana navanomwe
39
kwozouya vokwaHarimu chiuru chine gumi navanomwe.
40
VaRevhi, vanakomana vokwaJeshua nevokwaKadhimieri vechizvarwa chokwaHodhavhiya vaiva makumi manomwe ane vana.
41
Vaimbi vana vokwaAsafu vaivawo zana namakumi maviri navasere.
42
Vachengetedzi vepamisuo mikuru vaiva vanakomana vevava vanoti: Sharumu naAtero naTarimoni naAkubhu naHatita naShobhari. Pamwechete vaiva zana namakumi matatu navapfumbamwe.
43
Vashandi vomuTemberi: vaiva vanakomana vavavawo vanoti: Ziha naHashupa naTabhahodhi
44
naSairosi naSiaha naPadhoni
45
naRebhana naHagabha naAkubhu
46
naHagabhu naSharimai naHanani
47
naGidhero naGahari naReaya
48
naRezini naNekodha naGazamu
49
naUza naPaseya naBhesai
50
naAsina naMeunimu naNefisimu
51
naBhakibhu naHakufa naHarihuru
52
naBhazirati naMehidha naHarisha
53
naBharikosi naSisera naTema
54
naNezia naHatifa.
55
Vanakomana vavaranda vaSoromoni: vakanga vakamira vakadai, paiti: vanakomana vokwaSotai naHasofereti naPerudha
56
naJaara naDharikoni naGidhero
57
naShefatiya naHitiri naPokeretihazibhaimu naAmi.
58
Ivava vepaTemberi pamwechete navaranda vaSoromoni vose vaiva mazana matatu ana makumi mapfumbamwe navaviri.
59
Kune vamwe vaibva kuTerimera nokuTeriharisha nokuKerubhu nokuAdhani nokuImero, asi havana kukwanisa kurondedzera dzimba dzamadzibaba avo kuti ivo pachavo ndevechiIsiraeri here kana kuti kwete.
60
Vakanga vari vanakomana vaava vanoti: Dheraya naTobhiya naNekodha. Ivava ava vaiva vari mazana matanhatu ane makumi mashanu navaviri.
61
Pakati pavapristiwo: paivawo navanakomana veava vanoti: Habhaya naHakozi naBhazirai (Bhazirai uya wokuroora mwana waBhazirai wokuGireadhi akazenge ava kudaidzwa nezita ravo)
62
Ivava ava vakatsvaka mazita avo pamazita akanga akanyorwa chizvarwa nechizvarwa asi haana kuwanikwapo. Ipapo paupristi vakanzi vakan'ora.
63
Sadunhu akavati varege kudya zvokudya zvinoeresesa kusvikira patova nomupristi wokunzwa Mwari kuti anoti kudii achishandisa Urimu neTumimu.
64
Gungano racho rose pamwechete rakanga riina vanhu zviuru makumi mana ane zviviri namazana matatu ane makumi matanhatu avanhu
65
tisingaverengere varanda vavo vechirume nevechikadzi vakangawo vari zviuru zvinomwe zvavanhu zvina vanhu mazana matatu ana makumi matatu navanomwe. Vakangawo vaine vaimbi varume navakadzi vaiita mazana maviri.
66
Vaive namabhiza mazana manomwe ane makumi matatu ana matanhatu nemanyurusi mazana maviri ana makumi mana namashanu,
67
kwozouya ngamera mazana mana ana makumi matatu ane shanu namadhongi zviuru zvitanhatu zvine mazana manomwe namakumi maviri.
68
Vamwe vatungamiriri vedzimhuri pavakasvika kumba yaTenzi yakanga iri kuJerusaremu vakabvisira imba yaMwari mipiro yokupa nechido yokuivakisa panzvimbo payo.
69
Vakabvisa sokugonawo kwavo vachipa kune vokuchengeta maigara upfumi hwakanangana nebasa iroro ndarama yaiita mazana mashanu amakirogiramu nesirivha yainge yoda kuita matani maviri ana makirogiramu mazana masere nezana rehanzu dzavapristi.
70
Vapristi navaRevhi navanhu vamwe navaimbi navachengetedzi vemisuo mikuru navashandi vepatemberi vakagara mumaguta ekwavo. VaIsiraeri vosewo vakagara mumaguta ekwavo.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10