bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Ezra 9
Ezra 9
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 10 →
1
Mushure mokunge izvi zvaitwa, vakuru vakuru vakauya kwandiri vakati, “Vanhu vechiIsiraeri navapristi nevaRevhi havana kuzvitsaura kune vechirudzi vedzinyika idzi nokune zvakaipa zvadzo zvisingadiwe naMwari kune vechiKanani nevaHiti nevaPerizi nevaJebhusi nevaAmoni nevaMoabhu nevechiIjipiti nevaAmori
2
nokuti vakatora zvavo vakadzi pane vamwe vevanasikana vavo vavanhu ava vakatoroorerawo vanakomana vavo, zvokuti rudzi rutsvene urwu rwangova mvenge-mvenge nevechirudzi. Panyaya yokurega kuva pachokwadi iyika, makurukota acho nevakuru vakuru vacho chaivo ndovakanga vava nhungamiri.”
3
Pandakazvinzwa ndakabvarura neshungu hembe yangu negemenzi rangu ndikazvigera ndebvu nevhudzi rangu mumusoro ndikati pasi go ndadumbirwa nazvo.
4
Zvino vose vaye vaidedera shoko raMwari weIsiraeri pamusana pokurega kuva pachokwadi kwevokudzoka vaye vakanga vatapwa vakatamisirwa kusi kwavo vakaunganidzana pandiri ini ndigere ndadumbirwa nazvo kudaro kusvikira panguva yechibayiro chemanheru.
5
Panguva yechibayiro chemanheru ndakasimuka kubva pandaitsanya nehanzu dzangu nejasi rangu zvakabvaruka. Ndakapfugama ndikasumudza maoko angu kuna Tenzi, Mwari wangu
6
ndichiti, “Mwari wangu ndinonyara, zvabva zvandishayisa pokuda kuti ndisumudzewo uso kutarisa kwamuri Mwari wangu pamusana pokuti uipi hwedu hwareba pamusoro zvokutotipfuurira. Mhosva dzedu dzavirikidzana kusvika kudenga chaiko iko.
7
Kubvira mumazuva amadzibaba edu, kusvikira pari nhasi tanga tichingova mumhosva huru. Zvino pamusana pouipi hwedu ihwohwo, isu nemadzimambo edu navapristi vedu takaiswa mumaoko amadzimambo edzinyika idzi kumapakatwa nokuutapwa nomukupambwa nomukunyadziswa chaiko sezvazviri nhasi uno.
8
Asi zvino tanga tambonzi itirwei mwoyo wakanaka kwechinguva nemi Tenzi, Mwari wedu mukatisiyirawo chitsama chevanhu vakasara nokutipawo hoko yepokugara pakachengeteka munzvimbo yenyu inoera kuitira kuti imi Mwari wedu mutivhenekere meso edu nokutimutsirudza muutapwa hwedu
9
nokuti tanga tiri varanda asi Mwari wedu hamuna kutisiya tiri varanda kudaro. Asi makaratidza mwoyochena wenyu kwatiri pamberi pemadzimambo ePezhiya mukatimutsurudza mwoyo kuti timise imba yaMwari wedu nokuvakiridza matongo ayo mukaita sorusvingo kwatiri muJudhea nomuJerusaremu.
10
“Ko zvino nhai Mwari wedu tingange tichati kudii pakadai apa nokuti takafuratiraka isu mitemo yenyu
11
yamakareva nomuromo wevaranda venyu vaporofita muchiti, ‘Nyika yamava kupinda kundoita yenyu iyi, inyika yakan'oreswa nouipi hwevanhu venyika idzodzo nezviito zvavo zvakaipa zvisingadiwe naMwari zvakazara kunze nokunze nokun'ora kwavo.
12
Naizvozvo musaroodze vanasinaka venyu kuvanakomana vavo kana kuroorera vanakomana venyu vanasikana vavo. Musambofa makatsvaka zvenyu kuwirirana navo kana kuvabatsira kubudirira kuitira kuti musimbe mudyewo zvakanaka zvomunyika iyoyo muchizoisiyirawo vana venyu senhaka narini wose.’
13
Mushure meizvozvi zvose zvakadai kutiwira pamusana pezviito zvedu zvakaipa uye nemhosva yedu huru tichionawo kuti imi Mwari wedu hamuna kutiranga sezvataikodzera uye makatotipawo zvenyu chitsama chavanhu vakasara sechichi;
14
ndipo here patingatyore zvakare mitemo yenyu tichiroorerana nevanhu vanoita zvakaipa zvisingadiwe nemi Mwari? Hazvingakushatirisei here mukatosvika pakutiparadza zvokutozosara pasisina chitsama chevanhu vanosara kana kuwana anopunyuka?
15
Imi Tenzi, Mwari weIsiraeri, imi makarurama nokuti takatosiyirwawo chitsama chevanhu vakasara chakatopunyuka sezvazviri nhasi. Hezvika takadai kuva pamuri kunyange pasina angagone kumira pamuri tiine mhosva pamusana paizvozvi.”
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 10 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10