bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Ezra 8
Ezra 8
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 9 →
1
Vanakomana vevatungamiriri vedzimhuri dzemadzibaba avo nezvizvarwa zvevakasimuka vakabva kuBhabhironi neni pakutonga kwamambo Atakizesesi ndeava ava, paiti:
2
vokwaFinehasi: ndiGerishomu vokwaItamaru: ndiDhanieri vokwaDhavhidhi: ndiHatushi
3
wokumhuri yokwaShekaniya. Vanakomana vokwaParoshi: ndiZekariya aiva nezana revanhu rine varume makumi mashanu vaakanyorwa ainavo
4
vokwaPahatimoabhu: ndiErihoenai wokumhuri yokwaZeraya aine mazana maviri evarume
5
vanakomana vokwaShekaniya mwanakomana waJahazieri aine mazana matatu avarume.
6
VokwaAdhini: ndiObhedhi mwanakomana waJonatani akanga aina varume makumi mashanu
7
vokwaEramu: ndiJeshaya mwanakomana waAtariya aivawo namakumi manomwe avarume
8
vokwaShefatiya: ndiZebhadhiya mwanakomana waMikaeri aina makumi masere evarume
9
vokwaJoabhu: ndiObhadhiya mwanakomana waJehieri namazana maviri evarume navarume gumi navasere
10
vokwaBhani: ndiSherumiti mwanakomana waJosifiya akanga aine zana namakumi matanhatu evarume
11
vokwaBhebhai: ndiZekariya mwanakomana wokwaBhebhai aine varume makumi maviri ane vasere.
12
VokwaAazigadhi: ndiJohanani mwanakomana wokwaHakatani akangawo aine zana revarume rine varume gumi
13
vokwaAdhonikamu: vokupedzisira vacho mazita avo ndeaya anoti Erifereti naJeueri naShemaya vaivawo namakumi matanhatu evarume
14
vokwaBhigivhai: ndiUtai naZakuri vaine makumi manomwe evarume.
15
Ndakavaunganidza parwizi runoerera ruchienda kuAhavha tikamboita musasa wedu ipapo kwamazuva matatu. Pandakawongorora vanhu navapristi, handina kuwana paina vanakomana vokwaRevhi.
16
Ndopandakatumira shoko rokuti kuuye Eriezero naArieri naShemaya naErinatani naJaribhu kwouya Erinatani naNatani naZekariya naMeshuramu vakuru vakuru, kwozouya Joyaribhu naErinatani vakanga vari vanhu vainzwisisa
17
ndikavatuma kuna Idho mukuru mukuru aiva kunzvimbo inonzi Kasifia. Ndakavaudza zvokundotaura kuna Idho nehama dzavo vashandi vepatemberi kuKasifia kwacho ndichiti vatitumire vokushanda mumba yaMwari wedu.
18
Pamusana pokuti ruoko rwaMwari rutsvene rwaiva pamusoro pedu, ivo vakatiunzirawo murume anoungwaru kwazvo wokuvanakomana vokwaMahiri mwanakomana waRevhi mwana waIsiraeri anonzi Sherebhiya pamwechete navanakomana vake nehama dzake vari gumi navasere.
19
Uyewo naHashabhiya aina Jeshaya vanakomana vokwaMerari pamwechete nehama dzavo navana vavo vakomana vari makumi maviri.
20
Apa tinenge tisingaverengere zvedu mazana maviri ana makumi maviri avashandi vepaTemberi vakanzi naDhavhidhi namakurukota ake vave pavo voga kuitira kuti vashandire vaRevhi. Ivava vose zvavo vakatodomwa namazita.
21
Ndakazodaidzira kuti kutsanywe ipapo parwizi rweAhavha kuitira kuti tizvidukupise kuna Mwari wedu kuti atiwanisewo kufamba kwakanaka isu navana vedu nezvedu zvose zvataiva nazvo.
22
Chakandidariso kwaiva kunyara kukumbira mambo chikwata chavarwi vehondo navachairi vamabhiza vokutidzivirira kuvavengi murwendo rwedu sezvo takanga tati kuna mambo, “Ruoko rwaMwari wedu ruri pane vose vanomutsvaka kuti zvivanakire, uku, simba rehasha dzake richivirukira vose vanomufuratira.”
23
Ipapo isu takatsanya tichiteterera kuna Mwari wedu naizvozvi izvi, iye ndokunzwawo chichemo chedu.
24
Ndakazosarudza vapristi gumi navaviri vakuru vakuru ava vanoti: Sherebhiya naHashabhiya nedzimwe hama dzavo gumi dzavaiva nadzo.
25
Ndakavaerera sirivha nendarama nemidziyo yechipo chiya chokubvisirwa imba yaMwari wedu namambo namakurukota ake namadzishe ake pamwechete navaIsiraeri vose vaivepo.
26
Ndakaera ndikaisa mumaoko avo, sirivha inoita matani makumi maviri nezana remidziyo yesirivha inorema makirogiramu makumi manomwe uye ndarama inorema matani matatu ana makirogiramu mazana mana
27
nemakumi maviri endiro dzendarama dzinorema makirogiramu masere ana magiramu mazana mana uyewo midziyo miviri yendarira yakangokosha zvimwechetezvo sendarama.
28
Ndakavati, “Imi muri vanhu vakatsaurirwa Tenzi vatsvene uye midziyo iyoyi iyi, midziyo inoera. Sirivha nendarama iyi chipo chokupa kuna Tenzi, Mwari wemadzibaba enyu yomupiro wokupawo zvawo nechido.
29
Itarirei muichengetedze kusvikira maiera pameso pavapristi vakuru vakuru navaRevhi navatungamiriri vedzimba dzamadzibaba muIsiraeri kuJerusaremu mudzimba dzomutemberi yaTenzi.”
30
Saizvozvo vapristi navaRevhi vakagamuchira mutoro wesirivha iyoyi nendarama nemidziyo vakaenda nayo Jerusaremu kumba yaMwari wedu.
31
Takazosimuka kubva parwizi rwaAhavha pazuva regumi nechipiri remwedzi wokutanga toenda Jerusaremu, ruoko rwaMwari wedu ruri patiri. Akatinunura mumaoko avavengi nokune vaitihwandira munzira.
32
Takasvika kuJerusaremu tikaita mazuva edu matatu tirimo.
33
Pazuva rechina racho, mukati memba yaMwari imomo, sirivha iya nendarama nemidziyo yakaerwa ikaiswa mumaoko omupristi Meremoti mwanakomana waUriya aivawo naEreazari mwanakomana wokwaFinehasi vaine vaRevhi ava vanoti Jozabhadhi mwanakomana waJeshua naNoadhiya mwanakomana wokwaBhinui.
34
Zvose zvakaverengwa zvikaerwa uremu hwazvo zvose hukanyorwa pasi.
35
Panguva iyoyo vokudzoka kuutapwa vakanga vatapwa vakatamisirwa kusi kwavo vaye vakapira mipiro yokupisa kuna Mwari weIsiraeri zvaiti gumi rehandira dzokupirira Isiraeri yose nehondohwe makumi mapfumbamwe nenhanhatu nehwayana makumi manomwe nenomwe namakotora gumi namaviri omupiro wokupfupira zvitadzo. Zvose izvozvi zvaiva zvomupiro wokupisira kuna Tenzi.
36
Vakasvitsawo zvirevo zvamambo kuna madzishe okwamambo nokumasadunhu enyika iyi yokuMhiri kweRwizi rwaYufuratesi, ivo ndokubva vabatsira vanhu uye nezvemba yaMwari.
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 9 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10