bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Ezra 4
Ezra 4
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 5 →
1
Vavengi vavanhu vokwaJudha nokwaBhenjamini pavakanzwa zvino kuti vanhu vokumbotapwa vakadzoka vaye vari kuvakira Tenzi, Mwari weIsiraeri Temberi,
2
vakaenda kuna Zerubhabhero nevatungamiriri vaye vedzimba dzamadzibaba vakati kwavari, “Hatingavakewo here nemi nokuti isu tinotsvakawo Mwari wenyu kungoitawo imi uye tanga tichingopira zvibayiro kwaari kubvira panguva yaEsarihadhoni mambo weAsiria nyakutiuyisa kuno.”
3
Asi Zerubhabhero naJeshua navamwe vose vatungamiriri vaye vedzimba dzamadzibaba omuIsiraeri vakati kwavari, “Hazvinei nemi kuti isu tiri kuvakira Mwari wedu imba! Asi kutoti iyesu toga ndisu iyesu tichavakira Tenzi, Mwari weIsiraeri sokuudzwa kwatakaitwa namambo Sairosi, mambo wePezhiya.”
4
Vanhu vomunyika umu vakaodza mwoyo vanhu vokwaJudha vachivapinza mukutya kuvaka
5
vachivakokera mamwe makurukota okuita zvokubhadhara kuti zvavaida zviparare mazuva ose aSairosi mambo wePezhiya kunyangovawo nomumazuva aDhariosi mambo wePezhiya.
6
Kuzoti Ahashieroshi ava kutonga, achangotangisa kutonga vakanyora mhosva dzokupomera vagari vemaJudha neJerusaremu.
7
Panguva yaAtakizesesi, Bhishiramu naMitiredhati naTabhieri navamwe vavo vose vechikwata chavo vakanyorera Atakizesesi mambo wePezhiya tsamba yakanyorwa nomutauro wechiArameiki ikaturikirwa.
8
Mumwe mutongi ainzi Rehumu nomunyori Shimushai vakanyorera mambo Atakizesesi tsamba yokupomera Jerusaremu mhosva sezvizvi vachiti;
9
“Ndisu vanaRehumu mutongi nomunyori, Shimushai nevamwe vose vechikwata chedu pamwechete navatongi namasadunhu navakuru vakuru vechiPezhiya navarume vokuEreki novokuBhabhironi uye varume vokuSusa, ndivo vaEramu ivavo,
10
pamwechete navemamwe marudzi ose aye vakatapwa navakuru vakuru vokumba huru Osinaparu akagariswa kuSamaria nokuna mamwe maruwa ose enyika dziri Mhiri kweRwizi.”
11
(Iyoyi ndiyo tsamba yavakatumira vachiti), “Ndisu varanda venyu vokuMhiri kwoRwizi rwaYufuratesi tanyorera imi mambo Atakizesesi tichikukwazisai.
12
“Tingade kuti imi mambo muzive kuti vaJudha vakabva kwamuri vachiuya kwatiri vakasvikoenda kuJerusaremu. Vari kutovaka guta riye roumhandupandu nouipi. Vava kutopedza tsvingo dzacho nokugadziridzawo ugaro hwaro.
13
Tati tikurumei nzeve mambo muzive zvenyu kuti guta irori rikangovakwa chete, tsvingo dzaro dzapera, havasi kuzobvisa mutero kana zvirehwarehwa zvokwamambo kunyange mutero wenzira nezvoupfumi hwokwamambo hauzowanika.
14
Zvino pamusana pokuti tinodya zvomumuzinda tinozviona zvisinganake kuzotarisa zvedu mambo achishorwa. Ndokusaka tati tifane takurumai nzeve,
15
kuitira kuti nyaya iyi imbotariswa muBhuku reZvinyorwa zvamadzibaba enyu. Muchazviwana muBhuku reZvainyorwa iroro mugoziva kuti guta irori iguta rechimurenga, munzwa zvawo chaiwo uri mundove kumadzimambo nokunyika dzaiva pasi paro. Vanhu vakangogara nokugara vari kusokana mweya woupanduki. Ndochakapawani kuti guta irori riparadzwe.
16
Ndokusaka tati izvozvi zvisvikewo munzeve dzamambo, zvokuti guta iroro rikavakwa, tsvingo dzaro dzikapera, chenyuwo munyika dziri pasi penyu Mhiri kuno kweRwizi rwaYufuratesi, panenge pasisina.”
17
Mambo akatumira mhinduro achiti, “Netsamba yangu iyi imi mutongi Rehumu nomunyori Shimushai navamwe vose vechikwata chenyu vanogara kuSamaria nokumwe kwose mumaruwa enyika iri kuMhiri kweRwizi rwaYufuratesi, ndinokukwazisai.
18
Zvino tsamba yamakatitumira ndakanyatsoiverengerwa
19
ndikatema chirevo kukatsvakwa zvikawanika kuti guta irori chingo nechingo rakangogara riri rokumukira madzimambo uye kuti imomo zvechimurenga nokusokana mweya zvoupanduki zvakatoitwa.
20
Uye muJerusaremu makamboita madzimambo ane simba guru kwazvo vakatombotongawo maruwa ose enyika dziri kuMhiri kweRwizi rwaYufuratesi kwavari kuchitoendeswawo mutero nezvirehwarehwa zvokwamambo pamwechete nomutero wenzira.
21
Saka chitemerai vanhu ivavo chirevo chokuti vabva vamiswa uye kuti guta irori rirege kuvakwa kusvikira ini ndatozotema chirevo.
22
Mochichenjera, murege zvechinono panyaya iyoyi. Umharadzi hwakadaro hungaregererweiko huchikura zvokuzosiya hwarozva mambo?”
23
Kuzoti tsamba yamambo Atakizesesi payakazoverengerwa Rehumu naShimushai munyori nevechikwata chavo vakabva vaita zvechimbichimbi kuenda kuJerusaremu kuvaJudha. Vakabva vaita zvokuvamanikidza nechisimba kuvamisa.
24
Basa remba yaMwari iri kuJerusarmu rakabva rambomira rakadaro. Rakamira rakadaro kusvikira gore rechipiri rokutonga kwaDhariusi mambo wePezhiya.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10