bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Ezra 5
Ezra 5
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 6 →
1
Ndipo pakazoporofita vaporofita vanaHagai naZekariya mwanakomana waIdho kuvaJudha vaiva kwaJudha neJerusaremu muzita raMwari weIsiraeri akanga ari pavari.
2
Ndipo pakazosimuka Zerubhabhero mwanakomana waShearitieri naJeshua mwanakomana waJozadhaki votangazve kuvaka imba yaMwari iri muJerusaremu vachibatsirwa navaporofita vaMwari vavaiva navo.
3
Panguva yakareyo kwakauya Tatenai zisadunhu remaruwa ose enyika dziri kumhiri kweRwizi rwaYufuratesi naShetaribhozenai pamwechete nevechikwata chavo vakavavinga vakataura kwavari vachiti, “Chirevo chokuti imi muvake imba iyi nezvamava kuvaka izvi chabva kuna ani?
4
Saizvozvo tinodawo kunzwa kuti mazita evarume vari kuvaka imba iyoyi iyi ndivanaani?”
5
Asi ziso raMwari wavo rakanga riri pavakuru vakuru vevaJudha zvokuti havana kumbovamisa kusvikira shoko ratosvitswa kuna Dhariusi uye iyewo atotumira tsamba yokuvapindura panyaya iyoyi.
6
Ino iyi ndotsamba yakanyorwa naTatenai zisadunhu renyika yokuMhiri kweRwizi rwaYufuratesi naShetaribhozenai nevechikwata chavo nevatongi vokunyika yokuMhiri kweRwizi rwaYufuratesi ikoko ikatumirwa kuna mambo Dhariusi.
7
Vakamutumira tsamba yakanga yakanyorwa kunzi, “Netsamba yeduwo iyi mambo Dhariusi tinokukwazisai.
8
Tingade kuti imi mambo muzivewo kuti takaenda kunyika yokwaJudha pamba yaMwari mukuru. Iri mukuvakwa izvozvi namabwe makuru, mapango akatowarikwa mumadziro umu. Basa irori riri kunyatsoenderera mberi kuri kuitwa chipatapata.
9
Takabvunza vakuru vakuru ivavo tikataura navo tichiti, ‘Ndiani akakutemerai chirevo chokuti imi muvake imba iyi uye kuti mupedzese zvamuri kuvaka izvi chabva kuna ani?’
10
Takavabvunzawo mazita avo, tichiitira kuti imi muzive tigonyora mazita avarume vari kutungamirira vacho.
11
Mhinduro yavakatipindura ndeyiyi vakati, ‘Isu tiri varanda vaMwari Wedenga napasi. Tiri kuvaka zvakare imba yakambovakwa nomumwe mambo weIsiraeri makore mazhinji akapfuura ikatopera.
12
Asi pamusana pokuti madzibaba edu akashatirisa Mwari Wedenga akabva avaisa mumaoko aNebhukadhinezari mambo weBhabhironi wechiKaradhia. Iye akaparadza imba iyoyi akatuta vanhu kuendesa kuBhabhironi.
13
Zvakadaro zvazvo, mugore rechiposhi rokutonga kwaSairosi mambo weBhabhironi, mambo Sairosi wakareyu akatema chirevo chokuti imba yaMwari iyoyi ivakwe zvakare.
14
Izvozvo midziyo yendarama neyesirivha yomumba yaMwari yakanga yatorwa naNebhukadhineza muTemberi yaiva muJerusaremu ikaendwa nayo kuTemberi yokuBhabhironi, mambo Sairosi vakaiburitsa mutemberi yeBhabhironi ikaiswa mumaoko omumwe ainzi Sheshibhaza waakanga aita sadunhu wacho.’
15
Akamuti, ‘Tora midziyo iyi unoiisa muTemberi iri kuJerusaremu imba yaMwari ivakwe payakanga iri.’
16
Ndipo pakauya Sheshibhaza iyeyu akavaka ugaro hwemba yaMwari iri muJerusaremu. Kubvira panguva iyoyo kusvikira pari nhasi ichiri mukuvakwa haisati yapera.
17
Naizvozvo kana imi mambo maonawo kuti pakanaka, ngakutsvakwe mumba mokuchengetera zvinyorwa zvokwamambo kuBhabhironi ikoko kuonekwe kuti mambo Sairosi akapa here chirevo chokuti imba yaMwari iyoyi iri muJerusaremu ivakwezve. Titumireiwo mhinduro yezvamunoda kuti zviitwe panyaya iyoyi.”
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10