bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Ezra 6
Ezra 6
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 7 →
1
Mambo Dhariusi akabva azopawo chirevo, kukatsvakwa muBhabhironi mumba mokuchengetera zvinyorwa macho makanga machengeterwa zvinyorwa izvozvo.
2
Zvakazowanika muEkibhatana guta guru renyika yeMedhia bhuku rokumunonora pakanga pakanyorwa kunzi, “Chiyeuchidzo!
3
Mugore rechiposhi rokutonga kwamambo Sairosi akatema chirevo chakanangana nezvemba yaMwari iri kuJerusaremu. Imba iyoyo ngaivakwe zvakare, nzvimbo yokupirira zvibayiro kuna Mwari kunounzwawo mipiro yokupisa. Kureba kuenda mudenga makumi maviri amamita anamamita manomwe, kufara kwayo kuchiita mamita makumi maviri anamamita manomwe.
4
Inofanira kuva nemitsara inoravana ichiti mitsara mitatu yamabwe makuru yoteverwa nomutsara mumwechete wamapango. Mari inodiwa ikoko inofanira kubva munochengeterwa upfumi hwamambo.
5
Pamusoro paizvozvo midziyo yendarama neyesirivha yomumba maMwari iya yakambotorwa naNebhukadhineza muTemberi iri kuJerusaremu ikaendeswa kuBhabhironi inofanira kudzoserwa iendeswe kwakare kutemberi iri Jerusaremu mumwe nomumwe panzvimbo pawaiva muirongedze mumba yaMwari imomo.”
6
“Zvino imi vana Tatenai, zisadunhu renyika iri Mhiri kweRwizi rwaYufuratesi naShetaribhozenai navamwe venyu masadunhu echikwata chenyu muri kunyika iri Mhiri kweRwizi rwaYufuratesi, siyanai nazvo.
7
Zvebasa remba yaMwari izvo siyanai nazvo. Regai sadunhu wavaJudha navakuru vakuru vavaJudha vavake zvakare imba yaMwari payaiva.
8
Chimwe ndechokuti ndatotema chirevo chezvinofanira kuitirwa vakuru vakuru vavaJudha maererano nokuvakwazve kwemba yaMwari chokuti mari yacho inodiwapo inofanira kubhadharwa varume ivava yose zvayo yakadaro pasina zvokunonoka ichibva kumari yokwamambo pamutero wenyika yokuMhiri kweRwizi rwaYufuratesi.
9
Chose zvacho chinenge chichizodiwa sezvakaita handira dzichiri duku nehondohwe kana hwai dzemipiro yokupisira Mwari Wedenga kunyange koroni nomunyu newaini kana mafuta eorivhi, zvichadiwa zvacho navapristi kuJerusaremu; izvozvi izvi vanofanira kuti vapiwe zuva nezuva pasina zvokukundikana,
10
kuitira kuti vapire zvibayiro zvinofadza Mwari Wedenga, vagonamatirawo upenyu hwamambo nohwevana vake.
11
Ndatotemazve chimwe chirevo chokuti: Kuwana anongosandura chirevo ichochi, pamba pake ngapavhomorwe bango apaikirwe pariri, imba yake iitwe murwi wamarara.
12
Iye Mwari akaita kuti zita rake riiswe ipapo ngaaparadze mambo kana vanhu vanenge vane chavangaite kusandura izvi kana kuparadza imba yaMwari iri muJerusaremu. Izvozvi ngazvinyatsoitwa nomazvo chaimo. Chirevo ichochi chatemwa neni. Ndini Dhariusi.”
13
Tatenai zisadunhu renyika dzokuMhiri kwoRwizi rwaYufuratesi naShetari Bhozenai nevechikwata chavo vakanyatsoita naimomo chaimo makarehwa neshoko rakatumirwa naDhariusi.
14
Izvozvo vakuru vakuru vevaJudha vainge vachivaka zvavo zvichibudirira nokuporofita kwomuporofita Hagai naZekariya mwanakomana waIdho. Vakapedza kuvaka imba yavo sezvakanga zvanzi zviitwe naMwari weIsiraeri uye maererano nechirevo chaSairosi naDhariusi naAtakizesesi mambo wePezhiya.
15
Imba iyoyi yakapedzeswa pazuva rechitatu romwedzi waAdhari, muri mugore rechitanhatu rokutonga kwamambo Dhariusi.
16
Vanhu veIsiraeri, vapristi nevaRevhi navamwe vose vokudzoka kuutapwa, vakaita zuva guru rokuteketerera kuna Mwari imba yaMwari iyi vachipembera kufara.
17
Pakuteketerera imba yaMwari uku vakapira zana rehandira nehondohwe mazana maviri uye hwayana mazana mana pamwechete nomupiro wokupfupira zvitadzo zveIsiraeri yose zvayo wamakotora gumi namaviri zvichienderanawo nouwandu hwamadzinza avaIsiraeri.
18
Vakabvawo varonga vapristi muzvikwata zvavo, vaRevhiwo namajana kuitira basa raMwari muJerusaremu sokunyorwa kwazvakaitwa muBhuku raMosesi.
19
Pazuva regumi nechina romwedzi wokutanga, vokudzoka vaye vokumbenge vatamiswa vachiendeswa kusiri kwavo vakachengeta Pasika
20
nokuti vapristi navaRevhi pamwechete vakanga vazvinatsa vose vava vanhu vakazvichenura. Saka vakazviurayira ivo pachavo hwayana yePasika navaye vokudzoka vaya vokumbotamisirwa kusi kwavo nevamwe vavo vapristi.
21
Yakadyiwa navanhu vechiIsiraeri vakanga vadzoka kwavakanga vatamisirwa kusi kwavo pamwechete nomunhu wose akanga abatanawo navo achizvitsaura mune zvakan'ora zvavanhu vechirudzi vomunyika imomu kuitira kuti vazotsvaka Tenzi, Mwari weIsiraeri.
22
Vakachengeta mazuva makuru echingwa chisina mbiriso kwemazuva manomwe vachifara nokuti Tenzi akanga avafadza kwazvo aitawo kuti mambo weAsiria apinduke mwoyo, uve kwavari avabatsire basa remba yaMwari, Mwari weIsiraeri.
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 7 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10