bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Ezra 7
Ezra 7
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 8 →
1
Mushure maizvozvi izvi, panguva yokutonga kwaAtakizesesi mambo wePezhiya, Ezira mwanakomana waSeraya Seraya aberekwa naAzariya Azariya ari mwana waHirikiya
2
Hirikiya mwanakomana waSharumu Sharumu wokuberekwa naZadhoki Zadhoki mwana waAhitubhu
3
Ahitubhu ari mwana waAmariya Amariya ari mwanawo waAzariya Azariya aberekwa naMeraoti
4
Mearaoti wokuberekwa naZerahiya Zerahiya mwanakomana waUzi Uzi aberekwa naBhuki
5
Bhuki wokuberekwa naAbhishua Abhishua mwana waFinehasi mwana waErizeri mwana waAroni mupristi mukuru.
6
Ezira wacho iyeyu akasimukawo kubva kuBhabhironi. Akanga ari munyori nyanzvi chaiyo yomutemo waMosesi wakapiwa naTenzi, Mwari weIsiraeri. Mambo akamupa zvose zvaakanga akumbira pamusana pokuti ruoko rwaTenzi, Mwari wake rwaiva paari.
7
Kwakasimukawo vamwe vanhu vechiIsiraeri navapristi nevaRevhi navaimbi navachengetedzi vepamisuo mikuru navashandi vomutemberi vakaendawo kuJerusaremu, mugore rechinomwe rokutonga kwamambo Atakizesesi.
8
Zvino iye akasvika Jerusaremu mumwedzi wechishanu muri mugore rechinomwe rokutonga kwamambo uyu.
9
Nokuti pazuva rechiposhi romwedzi wokutanga ndipo paakatangisa rwendo rwokubva kuBhabhironi; kuzoti pava pazuva rechiposhi remwedzi wechishanu, akasvika muJerusaremu pamusana pokuti ruoko rutsvene rwaMwari wake rwaiva paari
10
nokuti Ezira akanga azvipira nomwoyo wose kudzidza mutemo waTenzi nokuuchengeta nokudzidzisawo zvirevo zvake nemirao yake muIsiraeri.
11
Tsamba yakapiwa namambo Atakizesesi kumupristi Ezira munyori uya, muzivisisi wezvemitemo nemirao yaTenzi yaakapa Isiraeri; ndeyiyi yaiti:
12
“Ini Atakizesesi mambo wemadzimambo ndiri kukunyorera iwe Ezira mupristi nyanzvi yomutemo waMwari Wedenga.
13
Zvino ndatema chirevo chokuti: Ani naani zvake wechiIsiraeri kunyange mupristi kana muRevhi munyika mangu anozvipira zvake kuenda kuJerusaremu ngaaende zvake newe.
14
Sezvo ini namakurukota angu manomwe tirisu tiri kukutumai kundoongorora nezvemutemo waMwari wenyu uri mumaoko enyu kwaJudha nomuJerusaremu
15
uye muendewo nesirivha nendarama yakapiwa zvayo namambo namakurukota ake sechipo kuna Mwari weIsiraeri ane musha wake muJerusaremu
16
pamwechete nesirivha nendarama yamuchawana munyika yose yeBhabhironi pamwechetewo nomupiro wokupa zvavanotsidza zvavo kupirira imba yaMwari wavo iri kuJerusaremu.
17
“Munyatsoona kuti nemari iyoyi manyatsotengawo handira nehondohwe nehwayana pamwechete nemipiro yazvo yembesanwa nemipirowo yazvo yokuteura. Munofanira kupira izvozvo paatari yepaimba yaMwari wenyu iri muJerusaremu.
18
Zvamunenge maonawo imi nehama dzenyu kuti zvakanaka kuitwa nesirivha nendarama inenge yasara, itai zvenyu maererano nezvinenge zvichidiwa naMwari wenyu.
19
Midziyo yamakapiwa yokushandisa mumba yaMwari wenyu, mundozviturira kuna Mwari weJerusaremu.
20
Kana pane chimwezve chingadiwe pamba yaMwari wenyu chinenge chichifanira kuti imi mubvise munotora zvenyu mudzimba dzinochengeterwa upfumi hwokwamambo.
21
“Zvino ini mambo Atakizesesi ndatemera chirevo vanasahomwe vose vari kunyika yokuMhiri kweRwizi rwaYufuratesi chokuti: chose zvacho chinenge charehwa kwamuri nomupristi vaEzira, nyanzvi yomutemo waMwari wedenga nyatsochiitai nomazvo chaimo;
22
sirivha ngaive ingasvike zvayo matani mana ane makirogiramu mazana mana chete; koroni ivewo ingasvike gumi rezviuru zvemakirogiramu chete; waini ive zvayo inosvika zviuru zviviri zvemarita chete; mafuta eorivhi avewo zvawo angasvike zviuru zviviri zvemarita chete; munyu uve usina muganhu.
23
Chose chinenge charehwa naMwari wedenga chepamba yaMwari iyeyo nyatsochiitai nokukurumidza angadaro akavirukira umambo hwangu nehwavanakomana vangu nehasha.
24
Tinokuzivisaiwo kuti vapristi nevaRevhi kana vaimbi kana vachengetedzi vepamisuo mikuru kunyange vashandi vepaTemberi kana vamwe vashandi zvavo vepaTemberi yaMwari hamuchabvumirwa nomurao kuvabvisisa mutero kana zvirehwarehwa zvokwamambo kunyange mutero wenzira.
25
Zvino iwe Ezira maererano noungwaru hwaMwari hwako hwaunahwo, sarudza vokutonga dzimhosva navatongi vakuru vanotongera vanhu vose venyika iri Mhiri kweRwizi rwaYufuratesi, vose zvavo vanoziva mitemo yaMwari wako, vasingaizive wovadzidzisawo.
26
Ani naani zvake anongorega chete kuteerera mutemo waMwari wako nomutemo wamambo ngaatongwe zvakaomarara kungave kunzi aurayiwe kana kudzingwa munyika kunyange kunzi atorerwe zvinhu zvake zvaanazvo kana kuiswa muusungwa.”
27
“Ngaarumbidzwe Tenzi, Mwari wemadzibaba edu akaisa izvozvi zvakadai izvi mupfungwa dzamambo zvokushongedza imba yaTenzi iri muJerusaremu
28
akaita kuti mwoyochena wake usvikewo kwandiri ndionekwewo somunhu namambo namakurukota ake ndionekwewo somunhu nevakuru vakuru chaivo vepamusoro vokwamambo. Zvakabva zvandikurudzirawo nokuti ruoko rwaTenzi Mwari wangu rwaiva pandiri ndikakokorodza varume vechiIsiraeri vakuru vakuru ndikakwira kuenda navo.”
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 8 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10