bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Hebrews 10
Hebrews 10
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 11 →
1
Pamusana pokuti mutemo mumvuri chete wezvinhu zvakanaka zvichauya, panze pokuva nezvinhu zvacho chaizvo, kuchingova kupira zvibayiro zvimwechetezvo zvinoramba zvichingopirwa gore negore, haumbofa wakaruramisa vanamati.
2
Dai mutemo waigona, zvibayiro zvingadai zvisina kuregerwa kupirwa here? Dai kuri kuti vanamati vakanatswa chakamwe vangadai vasinganzwe kuti vane chitadzo.
3
Asi zvibayiro izvozvi zvinoyeuchidza zvitadzo gore negore
4
nokuti hazvigoneki kuti ropa rehandira nerembudzi ribvise zvitadzo. Naizvozvo Kristu paakauya panyika akati,
5
“Zvibayiro nemipiro hazvisizvo zvamakafarira asi makandigadzirira muviri.
6
Mupiro wokupisa nomupiro wokupfupira zvitadzo hamuna kuufarira.
7
Ndipo pandakati, ‘Mwari, tarisai muone ndauya kuzoita kuda kwenyu, sokunyorwa kwazvakaitwa nezvangu mubhuku rokumononora.’ ”
8
Paanoti pamusoro apo: “Hamuna kuda kana kufarira zvibayiro nemipiro nemipiro yokupisa nemipiro yokupfupira zvitadzo.” (Izvi zvinopirwa maererano nomutemo).
9
Ndokuzoti: “Tarirai ndauya kuzoita kuda kwenyu.” Arikudzima chokutanga achiisa chechipiri.
10
Nokuda kwaizvozvo takaitwa vatsvene pamusana pechibayiro chomuviri waJesu Kristu chakamwe.
11
Uyewo mupristi mumwe nomumwe anomira achiita basa rake achipira zuva nezuva zvibayiro zvimwechetezvo zvisingambokwanisa kubvisa zvitadzo.
12
Asi Kristu paakapira nokusingaperi chibayiro chimwechete chokupfupira zvitadzo akandogara kurudyi rwaMwari
13
achimirira kuti vavengi vaitwe chitambarariko chetsoka dzake.
14
Naizvozvo nechibayiro chimwechetecho akanatsa nokusingaperi avo vakaitwa vatsvene.
15
Mweya mutsvene anotipupurirawo paanomboti,
16
“Ichi ndicho chitenderano chandichaita navo mumashure mamazuva iwayo ndozvinotaura Tenzi. Ndichaisa mitemo yangu mumwoyo yavo uye ndichainyora mundangariro dzavo.”
17
Anotizve handichazorangarirazve zvitadzo zvavo nezviito zvavo zvakaipa.
18
Zvino pane ruregerero rwezvizvi panenge pasisina chibayiro chezvitadzo.
19
Saizvozvo hama dzangu, zvatiine chivimbo chokuti tichapinda munzvimbo inoeresesa nokuda kweropa raJesu
20
nenzira itsva mhenyu yaakatizarurira nokupinda kwaakaita napajira rokudzikatirisa, zvichereva muviri wake,
21
uye zvatino mupristi mukuru mutariri wemba yaMwari,
22
ngatiswederei pedyo nomwoyo uri pachokwadi norudaviro rwakasimba mwoyo yedu yakasaswa isina chinorovesa hana nemiviri yakashambidzwa nemvura yakachena.
23
Ngatichengetedzei zvakasimba chitendero chezvatinotarisira tisingazungunutswi nokuti iye akatsidza anotendeka.
24
Ngatinyatsofungisisai nzira dzokukurudzirana rudo namabasa akanaka.
25
Tisaregere kusangana setsika inoitwa navamwe asi kuti tikurudzirane, zvikuru sei sezvamunoona kuti Zuva riya ravakusvika.
26
Nokuti tikaramba tichingotadza zvedu isu tichiziva, isu takambogamuchira ruzivo rwechokwadi, hapazovezve nechibayiro chezvitadzo
27
asi kungotarisira kutonga kunotyisa nomoto unotyisa uchaparadza mhandu.
28
Munhu anotyora Mutemo waMosesi anouraiwa zvisina tsitsi paine zvapupu zviviri kana zvitatu.
29
Ko kutozoti munhu anotsokodzera Mwanakomana waMwari achin'oresa ropa rechitenderano rakamuita mutsvene achishatirisa Mweya wenyasha, acharangwa zvakaipisisa sei?
30
Inga tinoziva wani iye akati “Kutsiva ndokwangu, ndichatsividza.” Uyezve anoti, “Tenzi achatonga vanhu vake.”
31
Chinhu chinotyisa kuwira mumaoko aMwari mupenyu.
32
Asi yeukai, mazuva akare kuti mushure mokunge mavhenekerwa mukatirira matambudziko akaomarara.
33
Dzimwe nguva maipinda mukutukwa nokutambudzwa pazere vanhu kana kubatanidzirwa navanenge vachiitirwa zvakadaro.
34
Pamusana pokuti imi maiva netsitsi navasungwa uye maigamuchira nomufaro kupambwa kwezvinhu zvenyu nokuti imi pachenyu munoziva kuti mune chamuinacho chiri nani chinogara nokusingaperi.
35
Nokudaro musarase chivimbo chenyu chino mubayiro mukuru.
36
Munofanira kutirira kuti muite kuda kwaMwari kuitirawo kuti mugamuchire zvakatsidzirwa zvinoti:
37
“Kwangosara kanguva kaduku duku uya anonzi achauya ari kuuya, haachanonoki;
38
asi mururami wangu achararama nokutenda asi akadzokera shure handimufariri.”
39
Asi isu hatisi vaya vokudzokera shure vanoparadzwa asi isu tiri vanhu vane chitendero vanoponesa mweya yavo.
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 11 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13