bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Hebrews 6
Hebrews 6
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 7 →
1
Naizvozvo ngatichimbosiyai zvidzidzo zvechikristu zvokutanga, tiende mberi kuzvidzidzo zvechikuru, tirege kunge tichadzokerazve mukuvaka ugaro hwezvokupinduka kubva kumabasa akafa, nehwezvechitendero kuna Mwari kana kuti
2
nezvidzidzo zvoruombeko rwakasiyana — siyana, kana nezvokuisa vanhu maoko pamusoro, kana kutiwo nezvokumuka kwavakafa, kana nezvokutongwa kunogara nokusingaperi.
3
Izvi tichazviita zvedu kana Mwari achitibvumira.
4
Nokuti hazvikwanisiki kudzora vanhu vakambovhenekerwa, vakaravira chipo chedenga, vakagoveranawo Mweya Mutsvene,
5
vakaravira kunaka kweShoko raMwari nesimba roupenyu huchauya,
6
asi vakazorasika; nokuti vanoroverera mavari ivo Mwanakomana waMwari pamuchinjikwa, vachimunyadzisa pachena.
7
Zvinodaro nokuti ivhu rinonwa mvura inowanzorinaya richizobereka zvirimwa zvinobatsira vazvakarimirwa, rinokomborerwa naMwari.
8
Asi kana robereka minzwa nedonzvambeva nesosowori, harina maturo. Ratova padyo nokunyobwa; mugumo waro kupiswa.
9
Kunyange zvedu tichitaura nomutowo iwoyu, asi kwamuri, vadikanwi, tinechokwadi chokuti munezvinhu zviri nani zvoruponeso.
10
Mwari haakundiki paruenzaniso. Hazviitiki kuti akanganwe basa renyu norudo rwamakatira vatsvene pamusana pake, sezvamuchiri kungoita.
11
Tinodisisa kuti mumwe nomumwe wenyu aratidze shungu dzimwechetedzo dzokuti zvatinotarisira izvi zviitike, uye agoramba achingodaro kusvikira kumagumo,
12
kuti murege kungoneta — neta, asi kuti murambe muchingotevedzera avo vanowana nhaka yezvakavimbiswa pamusana pechitendero chavo nokusarasa mwoyo kwavo.
13
Ndinodaro nokuti zviya, Mwari zvaakatsidzirana naAbhurahamu akapika naiye pachake nokuti pakanga pasina mukuru pana iye waaigona kupika naye,
14
zviya zvaakati, “Zvirokwazvo ndichakukomborera chaizvo nokuita kuti uwande.”
15
Saka nokutirira kwake Abhurahamu akawana chaakanga atsidzirwa chiya.
16
Vanhu vanopika nomukuru kupinda ivo. Naizvozvo, kana pane gakava pakati pavanhu, vanozopedzisira nokupika, kuti vasimbisise zvavanotaura.
17
Naizvozvo Mwari paakanga achida kunyatsosimbisisa, kuvadyi venhaka yechipikirwa kuti zvaanenge atema hazvipinduki — pinduki akazvitsinhira nemhiko.
18
Uku kwaiva kuti nezvinhu zviviri zvisingasanduki isu vapoteri tiwane chingatikurudzire kubatisisa chitarisiro chatakapiwa nokuti mune zvizvi zviviri Mwari haagoni kutinyengedza kwete.
19
Ichi ndicho chitsigiro chomweya chezvirokwazvo, chitarisiro chinopinda munzvimbo tsvene iri seri kwejira rokudzikatirisa,
20
kwakafanopindwa naJesu nokuda kwedu zvaakanga ava Mupristi mukuru nokusingaperi wegovero raMerekizedheki.
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 7 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13