bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Hebrews 12
Hebrews 12
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 13 →
1
Naizvozvo zvatakakomberedzwa negore rezvapupu zvakawanda kudai, ngatichikandai pasi mitoro yose nezvitadzo zvinoramba zvakati nesu namata, timhanye nhangemutange yatakatarirwa
2
takatarisa kuna Jesu muvambi akaita kuti chitendero chedu chive chakakwana. Iye, pamusana pemufaro waakanga anzi achawana, akatirira muchinjikwa achiona kunyadziswa sechinhu pasina, iye zvino agere kurudyi rwechigaro choumambo chaMwari.
3
Fungai nezvake, iye akatirira ruvengo rwakadai rwaakaitirwa navatadzi kuti imi murege kuneta kana kurasa mwoyo.
4
Mukurwisana kwenyu nechitadzo hamusati marwisa kusvika pakurasikirwa neropa.
5
Ko munokanganwa here kukurudzirwa kuya; mukukurudzirwa mamunonzi vana? Mwanangu kana Mwari achikudzora rega kuzviona sechinhu chisina maturo kana kurasa mwoyo kana warangwa naye.
6
Chikonzero chacho ndechokuti Tenzi anodzora uyo waanoda uye anoranga mwana wese waanotora somwana.
7
Tirirai zvinokutambudzai nokuti kana muchirangwa, Mwari anenge achikubatai savana. Nokuti ndibaba vapi vasingarangi mwana wavo.
8
Kana musingarangwi sokurangwa kunoitwa vamwe vose, muri voufambi hamusi vana chaivo.
9
Chimwewo ndechokuti tina vanababa vapasi pano vaitiranga asi isu taingovaremekedza. Ko isu hatingatozviisa zvakatonyanya here pasi paBaba vezvemweya kuti tirarame.
10
Nokuti vakatiranga kwechinguvana samaonero avo asi vanotiranga kuti tigoverane utsvene hwavo.
11
Panguva iyoyo kurangwa kwose kunorwadza panze pokufadza asi pashure kunoberekera vadzidziswa nako muchero worugare wokururama.
12
Naizvozvo chisimudzai maoko enyu akarengwendeka, mugwinyise mabvi enyu asina simba.
13
Ruramisai nzira dzenyu kuti vakaremara varege kusvodogoka asi kuti varapwe.
14
Vavarirai kuva norugare navanhu vose uye kuva noutsvene hwokuti kana munhu asinahwo haakwanisi kuona Tenzi.
15
Chenjerai kuti pasava nomunhu anotadza kuwana nyasha dzaMwari kuti parege kuva nomudzi unovava ungakure ukakonzera nhamo uchikonzera vazhinji kun'oreswa;
16
kuti pasave naani zvake anoita zvounzenza kana asina hanya nokunamata Mwari sezvakaita Esau akatengesa utangwe hwake nokuda kwechokudya, chokudya kamwechete.
17
Sezvamunoziva kuti mushure, paakanga oda kuwana nhaka yamakomborero, akarambwa nokuti akashaya nguva yokusandura mwoyo nyangwe akaitsvaka nemisodzi padama.
18
Hamuna kuswedera pane chisingabatwe, kana kumoto unon'anduma kana kurima dema rakati kwirindindi kana kudutu remhepo,
19
nokurira kwebhosvo namaungira amazwi akaita kuti vaizvinzwa vakumbire kuti pasataurwezve kwavari
20
nokuti vakanga vasingakwanisi kuchengeta zvakanga zvarayirwa zvaiti, “Kunyange mhuka ikangogunzva gomo inofanira kutemwa namabwe.”
21
Zvakaonekwa zvaityisa zvokuti Mosesi akazoti, “Ndinodedera nokutya.”
22
Asi imi makaswedera kugomo reZioni nokuguta raMwari mupenyu, kuJerusaremu rokudenga, nokuvatumwa vasingaverengeki vari pagungano rokufara
23
uye kuungano yamatangwe akanyorwa kudenga nokumutongi ari Mwari wavose nokumweya yakanaka yakaruramiswa
24
uye nokuna Jesu mukumbanidzi pachitendero chitsva nokuropa rakasaswa rinoreva zvinhu zviri nane kupinda raAbheri.
25
Onai kuti musarambe kuteerera iye ari kutaura. Kana avo vakanyeverwa nomunhu wapasi pano vasina kupunyuka pavakaramba kuteerera iye aivayambira ko kutozoti isu tichapunyuka sei kana tikaramba kunyeverwa kunobva kudenga.
26
Izwi rake rakazungunutsa pasi. Asi iye akatsidza kuti haachazozungunutsa zvake nyika chete asi nedengawo.
27
Izwi iri rokuti, “Zvakare” raratidza kubviswa kwezvinozungunutswa kuti zvisingazungunutswi zvirambe zviripo.
28
Saka ngatitendei kugamuchira kwatakaita umambo husingazunguniki. Nokudaro ngatipirei kuna Mwari kunamata kunogamuchirika kuno rukudzo nokutya
29
nokuti Mwari wedu moto unoparadza.
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 13 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13