bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Hebrews 11
Hebrews 11
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 12 →
1
Chitendero chine chivimbo chezvinhu zvinotarisirwa uye chine chokwadi chezvinhu zvisingaoneki
2
Nokuti nechitendero vanhu vakare vakanzi naMwari vanhu kwavo.
3
Pamusana pechitendero tinonzwisisa kuti nyika yakasikwa nezwi raMwari zvokuti zvinooneka zvakaitwa zvichibva mune zvisingaoneki.
4
Pamusana pechitendero Abhero akapira kuna Mwari chibayiro chinogamuchirika kupinda Kaini chakaita kuti anzi munhu akarurama Mwari achipupurira izvozvo nokugamuchira zvipo zvake. Akafa zvake asi nechitendero chake achiri kungotaura.
5
Pamusana pechitendero Enoki akatorwa achiendeswa kudenga nokuti Mwari akanga amutora nokuti asati atorwa akanga apupurirwa kuti akafadza Mwari.
6
Pasina chitendero hazvikwanisiki kumufadza nokuti munhu wose anouya anofanira kudavira kuti Mwari ariko uye kuti Mwari anopa mubayiro kune anomutsvaka.
7
Pamusana pechitendero, Nowa paakayambirwa naMwari nezvezvinhu zvakanga zvisati zvaoneka, akatirimuka akavaka ngarava kuti aponese mhuri yake. Naizvozvi akapa nyika mhosva. Akava mugari wenhaka yoururami inouya pamusana pechitendero.
8
Pamusana pechitendero Abhurahamu akateerera paakadaidzwa kuti aende kunzvimbo yaainzi anozogamuchira senhaka. Pamusana pechitendero akabuda achienda kwaakanga asingazivi
9
akagara munyika yechipikirwa somunhu anogara munyika isiri yake achigara mumatendhe naIsaki naJakobho, vagari venhaka pamwechete naye vechipikirwa chimwechetecho.
10
Chikonzero ndechokuti aitarisira guta rine ugaro hwakasimba rakavakwa naMwari rakarongwa noumhizha hwake.
11
Pamusana pechitendero Sara pachake akagamuchira simba rokubata pamuviri kunyange akanga apfuura pazera rokubereka nokuti akati iye akanga avatsidzira akatendeka.
12
Nokudaro kubva pamunhu mumwechete uye akanga aita somunhu akafa akabereka vana vakawanda senyenyedzi dzedenga uye vasingaverengeki sejecha rapamahombekombe pegungwa.
13
Ava vose vakafa vachitenda vasati vagamuchira zvavakanga vatsidzirwa asi vakanga vazviona vakazvikwaziza vachiri kure. Vakanga vazviona kuti vaenzi navatorwa panyika.
14
Vanhu vanotaura vachidaro vanoratidza pachena kuti vari kutsvaka nyika yavo.
15
Dai vakanga vachifunga nenyika yekwavakabva vangadai vakakwanisa kuwana mukana wokudzokerako.
16
Asi sezvazviri vari kutosuwira nyika iri nani zvichireva nyika yokudenga. Ndokusaka Mwari asinganyari kunzi Mwari wavo nokuti akavagadzirira guta.
17
Pamusana pechitendero Abhurahamu paakaedzwa akapira Isaki; nezvo munhu akanga atsidzirwa akanga oda kupira mwanakomana wake mumwechete oga
18
iye akanga ambonzi zvizvarwa zvako zvichatumidzwa zita nokuna Isaki.
19
Akafunga kuti Mwari anokwanisa kumutsa vanhu kunyange kurufu. Naizvozvo pakutaura, tingati akamugamuchirazve.
20
Nechitendero Isaki akakumbirira Jakobho naEsau zvikomborero mune ramangwana.
21
Pamusana pechitendero, Jakobho paakanga ava kufa akakomborera vana vaJosefi vose vari vaviri akakotamira pamusoro petsvimbo yake achinamata.
22
Pamusana pechitendero Josefi, pakuguma koupenyu hwake akataura nezvekubuda kwavaIsiraeri akavaraira nezvamapfupa ake.
23
Pamusana pechitendero Mosesi paakaberekwa akavanzwa navabereki vake kwemwedzi mitatu nokuti vakaona kuti aitarisika zvakanaka. Havana kutya chirevo chamambo.
24
Pamusana pechitendero Mosesi paakanga akura akaramba kunzi mwanakomana womukunda waFarao.
25
Akatosarudza kuitirwa zvakaipa pamwechete navanhu vaMwari panze pokunakidzwa namafaro echitadzo.
26
Akafunga kuti kuzvidzirwa Kristu upfumi hukuru kupinda upfumi hweIjipiti nokuti mwoyo wake wakanga uri kumubayiro.
27
Pamusana pechitendero akasiya Ijipiti asingatyi hasha dzamambo achiita somunhu ari kuona iye Asingaoneki.
28
Pamusana porudaviro akachengeta Pasika akasasa ropa kuitira kuti muparadzi wamatangwe arege kumbovabata — bata.
29
Pamusana porudaviro vanhu vakayambuka Gungwa Dzvuku sokunge vari pasi pakaoma asi vaIjipiti pavakaedza kuita zvimwechetezvo vakanyura.
30
Pamusana pechitendero rusvingo rweJeriko rwakaputsikira pasi mushure mokuritenderera mazuva manomwe.
31
Pamusana pechitendero Rahabhu haana kuparara pamwepo navakanga vasingateereri nokuti akanga agamuchira zvakanaka vasori vaya.
32
Ko ndotaura zvimwe zvipiko? Nguva haimbondibvumira kuti nditaure nezvaGidheoni naBharaki naSamusoni naJefuta nezvaDhavhidhi naSamueri uye nezvavaporofita
33
vakakurira umambo noumambo pamusana pechitendero vakamanikidzira kuti pave noruenzaniso; vakagamuchira zvakanga zvatsidzwa. Vazarira
34
miromo yeshumba vakadzima moto unoririma vapunyuka hondo yebakatwa vakawana simba muutera. Vakava nechivindi muhondo. Vakadzvamutsa hondo dzevechirudzi.
35
Vakadzi vakagamuchira vakafa vavo vamuka muvakafa. Vamwe vavo vakaoneswa nhamo vachitoramba rusununguko kuti vazomuka vava noupenyu huri nani.
36
Vamwe vavo vakatambura kunyombwa nokurohwa vakasungwa nengetani nokuiswa mujeri.
37
Vakatakwa namatombo vakachekwa napakati vakauraiwa namapakatwa. Vakafamba vakapfeka matehwe ehwai neembudzi vasina chokubata. Vakaoneswa nhamo vachiitirwa zvakaipa.
38
Nyika yakanga isingakodzeri kuva navo nezvo vakadzungaira mugwenga nomumakomo muzviro nomapako enyika.
39
Ivava vose kunyange zvavo vakanzi vanhu kwavo pamusana perutendo rwavo havana zvavo kugamuchira zvakatsidzirwa
40
nokuda kokuti Mwari akanga afanoona zviri nani kwatiri kuti havakwanisi kururamiswa vasinesu.
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 12 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13