bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Hebrews 8
Hebrews 8
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 9 →
1
Chikuru chatiri kutaura apa ndechichi chokuti, tine mupristi mukuru agere kurudyi rwechigaro choumambo choukuru — ukuru chokudenga.
2
Ndiye mushandiri womuNzvimbo Tsvene, tendhe rechokwadi risina kumiswa navanhu asi naTenzi.
3
Mupristi mukuru oga oga anogadzwa kuti apire zvipo nezvibayiro. Naizvozvo mupristi iyeyo anofanira kuva nezvipo zvaanopira.
4
Zvino dai kuri kuti aripo pasi pano haaizombova mupristi zvapane vapristi vanopira zvipo maererano nomutemo.
5
Vanonamata muNzvimbo inoera inongova somufananidzo nomumvuri weiri kudenga nokuti Mosesi paakanga ava kuvaka tendhe akataurirwa naMwari achinzi, “Ona kuti waita zvose maererano nezvawakaratidzwa pagomo.”
6
Asi zvino Jesu akawana basa rakatonakisisa kupinda rakare. Pamusana paizvozvo ndiye ava muyananisi wechitenderano chiri nani chakaitwa nezvitsidzo zviri nani.
7
Dai kuri kuti chitenderano chokutanga chakanga chisina chakaipa pachiri pangadai pasina zvokuchitsiva nechechipiri.
8
Mwari anovapa mhosva paanoti, “Zvanzi naTenzi chionai mazuva achasvika andichaita chitenderano chitsva nemba yokwaIsiraeri nevemba yokwaJudha.
9
Chichange chisina kufanana nechitenderano chiya chandakaita namadzitateguru avo, pazuva randakavabata ruoko ndichivaburitsa munyika yeIjipiti nokuti havana kuenderera mberi nechitenderano changu navo nokudaro handina kuzoita hanya navo.” Ndizvo zviri kutaura Tenzi.
10
Ichi ndicho chitenderano chandichaita neveimba yokwaIsiraeri mushure mamazuva iwayo ndizvo zviri kutaura Tenzi. Ndichaisa mitemo yangu mupfungwa dzavo ndigoinyora mumwoyo mavo, ini ndichava Mwari wavo, ivowo vachava vanhu vangu.
11
Hapana achadzidzisa mumwe achiti kuna mumwe, “Ziva Tenzi” nokuti vose zvavo vachandiziva kubvira pamuduku — duku wavo chaiye kusvikira pamukuru wavo chaiye
12
nokuti ndichavanzwira nyasha pazvitadzo zvavo uye zvitadzo zvavo handichazombozvirangaririzve.
13
Nokutaura nezvechitenderano chitsva, Mwari ari kutoita kuti chakare chinzi chitsaru. Chinhu chinenge chava kusakara, chavakuchembera chinobva chazorova.
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 9 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13