bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Hebrews 2
Hebrews 2
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 3 →
1
Naizvozvo tinofanira kunyatsobatisisa zvatanzwa, kuti tirege kurasika, tonanga mutome.
2
Nokuti kana shoko riya rakarehwa navatumwa riri rechokwadi, uyezve kana kukanganisa kose nokusateerera kwakapihwa chirango chakaenzanirana nazvo,
3
ko, isu tichazopunyuka napapi kana tisina kuita hanya noruponeso rwakakomba kudai? Ndirwo rwakataurwa naTenzi pokutanga, rwukatsinhirwa kwatiri navavo vakamunzwa.
4
Mwari akarupupurirawo nezvioneso, nezvishamiso, nezviratidzo, zvorudzi norudzi nezvipo zvaMweya Mutsvene zvaaipa samadiro ake.
5
Mwari haana kuisa pasi pavatumwa nyika ichauya, yatiri kutaura nezvayo.
6
Zvakapupurirwawo kumwe zvichinzi, “Iye munhu chiikowo zvake wamunorangarira? “Iye munhuwo zvake wamunochengeta.
7
Kwechinguvana mukamuita kuti ave mudiki kuvatumwa, mukamupfekedza ndaza nembiri norukudzo.
8
Makaisawo zvinhu zvose pasi petsoka dzake.” Pamakaisa zvinhu zvose pasi pake, haana kusiya nechinhu chose chisiri mumaoko ake. Iye zvino hatisati zvedu toona zvinhu zvose zviri pasi pake.
9
Asi tinoona Jesu, iye akamboitwa muduku panavatumwa kwechinguvana achidzikwa chiremba chembiri nokukudzwa, pamusana pamarwadzo erufu kuti anzwe chinonzi rufu nenyasha dzaMwari, achifira munhu wose.
10
Zvaikodzera kuti muridzi wezvinhu zvose, iye nyakuita kuti zvivepo, zvaaida kuendesa vana vazhinji mumbiri, aite kuti namatambudziko, mutungamiriri wavo ave wakaruramisisa.
11
Nokuti iye munatsi wavanhu, naivo vakanatswa, vanobva padzinde rimwechete. Ndokusaka asinganyari kuvati hama,
12
paya paanoti, “Ndichaparidza zita renyu kuhama dzangu, ndichakurumbidzai ndiri mukati meSangano.”
13
Napamwezve paanoti; “Ndichaisa chivimbo changu maari.” Pamwezve achiti; “Ndiri pano navana vaakandipa Mwari.”
14
Naizvozvo, pamusana pokuti vana vedzinza inyama imwechete neropa rimwechete, ndokusaka iyewo akava nyama imwechete neropa rimwechete nesu, kuti norufu rwake agoparadza simba rouyo ainge aine simba rorufu, Satani.
15
Uyezve kuti agozosunungura avo vose vakagara upenyu hwavo hwose vari nhapwa dzokutya rufu.
16
Zviri pachena wani kuti vaakatora akabatsira havasi vatumwa asi vana vechizvarwa chaAbhurahamu.
17
Naizvozvo, aifanira kuva sehama dzake muna zvose, kuti ave mupristi mukuru ane tsitsi, anotendeseka mubasa raMwari, anoripirawo zvitadzo zvavanhu.
18
Nokuti iye pachake akatambudzika akaedzwa, anokwanisawo kubatsira avo vanoedzwa.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13