bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Hebrews 13
Hebrews 13
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
1
Rambai muchingodana sehama nehama.
2
Musarege kugamuchira vaenzi zvakanaka nokuti nokuita izvozvo vamwe vakachengeta vatumwa vasingavazivi kuti vatumwa.
3
Rangarirai vasungwa vari mujeri muite sokunge munavo mujeri uye navanenge vasiri kubatwa zvakanaka nokuti nemiwo muchiri mumuviri.
4
Kuwanana ngakuremekedzwe pakati pavanhu vose uye bonde ravawanani ngarirege kusvibiswa nokuti Mwari achatonga pfambi navanoita upombwe.
5
Usakarire mari. Gutsikana nezvaunazvo nokuti Mwari akati, “Handimbokushaisa chokubata kana kukusiya.”
6
Naizvozvo tinogona kutaura nemwoyo wose tichiti, “Mwari ndiye muyamuri wangu. Handimbotyi munhu angandiitei?”
7
Yeukai vatungamiri venyu vakakutaurirai shoko raMwari murangarire zvakaburwa muupenyu hwavo, mutevedzere chitendero chavo. Jesu Kristu ndiye mumwecheteyo nezuro nanhasi uno uye nokusingaperi.
8
Musarasiswe nezvidzidziso zvakasiyana — siyana uye zvisingazivikanwi.
9
Chinhu chakanaka kusimbiswa mwoyo nenyasha kwete nemitemo yezvokudya isina kumbobatsira vanoichengeta.
10
Isu tine atari yedu. Saka avo vanoshanda mutendhe inoera havana mvumo yokudya zvapaatari iyoyo.
11
Mitumbi yemhuka dzine ropa raiunzwa nomupristi mukuru muNzvimbo Inoera yaipiswa kunze kwomusasa wamatendhe sechibayiro chokupfupira zvitadzo.
12
Saizvozvo Jesu akatambudzikawo kunze kweguta kuti aruramise vanhu neropa rake.
13
Naizvozvo ngatiendei kwaari kunze kwomusasa tindotakurawo kuzvidzwa kwake
14
nokuti pasi pano hatina guta rinogara nokusingaperi asi tinotsvaga guta richauya.
15
Ngatirambei tichingopira nokwaari chibayiro chokurumbidza Mwari. Ndiwo muchero womuromo unopupura nezvezita rake.
16
Usakanganwe kuita zvinhu zvakanaka uye kugoverana navamwe zvaunazvo nokuti zvibayiro zvakadaro zvinofadza Mwari.
17
Teererai vatungamiriri venyu muchizviisa pasi pavo nokuti vari kufudza mweya yenyu savanhu vachazozvidavirira kana vobvunzwa. Regai vaite izvi vachifara, kwete vakasuwa nokuti hazvina zvazvinokubatsirai.
18
Tinamatireiwo nokuti tine chokwadi chokuti hana dzedu dzakachena. Tine mwoyo unoda kuita zvinhu zvose nemazvo.
19
Ndinokukumbirisai nemwoyo wose kuti muite izvi kuti ndidzorerwe kwamuri nokuchimbidza.
20
Iye Mwari worugare akamutsa Tenzi wedu Jesu kuvakafa akava mufudzi mukuru wehwai pamusana peropa rechitenderano chinogara nokusingaperi.
21
Ngaakurongedzerei nezvose zvakanaka kuti mukwanise kuita kuda kwake achiita zvaanoda mamuri nokuna Jesu Kristu. Iye Kristu ngaarumbidzwe narini narini. Ameni.
22
Ndinokukumbirisai hama dzangu kuti mungotirirawo zvenyu mashoko angu okukurudzira nokuti ndanyora kwamuri muchidimu dimu chete.
23
Ndingade kuti muzive kuti hama yedu Timoti yakasunungurwa. Ndiye wandichakuonai ndiinaye kana akurumidza kuuya.
24
Ndikwazisirei vatungamiri venyu vose navanamati vose. Vanhu vokuItari vanokukwazisai.
25
Chikomborero chenyasha ngachive nemi mose. Ameni.
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13